RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w07 3/15 pp. 21-25
  • Ngirozi—Kubatsira Kwadzinoita Vanhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngirozi—Kubatsira Kwadzinoita Vanhu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ngirozi Dzakavapo Sei?
  • Ngirozi Dzinoita Basa Rei?
  • Kutsigirwa Nengirozi Panguva yaKristu
  • Kutsigirwa Nengirozi Mazuva Ano
  • Dzichaita Basa Rinoshamisa Munguva Pfupi Iri Kuuya
  • Ngirozi—Kutibatsira Kwadzinoita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Ngirozi—Ko Dzinotapura Upenyu Hwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Kubetserwa Kwaunogona Kuitwa Nengirozi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Ngirozi—“Midzimu Yebasa Rinoitirwa Vanhu Vose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
w07 3/15 pp. 21-25

Ngirozi—Kubatsira Kwadzinoita Vanhu

“Pashure pezvinhu izvi ndakaona imwe ngirozi ichiburuka kudenga, iine simba guru . . . Yakashevedzera nenzwi rakasimba, ichiti: ‘Rawa! Bhabhironi Guru rawa!’”—ZVAKAZARURWA 18:1, 2.

1, 2. Chii chinoratidza kuti Jehovha anoshandisa ngirozi kuti aite zvaanoda?

ARI nhapwa pachitsuwa chePatimosi, muapostora akwegura Johani anoratidzwa zvinhu zvine chokuita nouprofita. Anoona zviitiko zvinonakidza paanova “muzuva raShe” “aita zvokufuridzirwa.” Zuva iroro rinotanga nokugadzwa kwaJesu Kristu pachigaro choumambo muna 1914 kusvikira panoperera Kutonga kwake Kwemakore Ane Chiuru.—Zvakazarurwa 1:10.

2 Jehovha Mwari haana kuratidza Johani zvinhu izvi nenzira yakananga. Ane nzira yaakashandisa. Zvakazarurwa 1:1 inoti: “Zvakazarurwa naJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari, kuti aratidze varanda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika. Akatuma ngirozi yake, akaishandisa kuzvipa ichiita zvokuratidza muranda wake Johani.” Jehovha, achishandisa Jesu, akaita kuti ngirozi izivise Johani zvinhu zvinoshamisa zvine chokuita ne“zuva raShe.” Pane imwe nguva, Johaniwo “akaona imwe ngirozi ichiburuka kudenga, iine simba guru.” Ngirozi iyi yaiita basa rei? “Yakashevedzera nenzwi rakasimba, ichiti: ‘Rawa! Bhabhironi Guru rawa!’” (Zvakazarurwa 18:1, 2) Iyi ngirozi ine simba yakava neropafadzo yokuzivisa nezvokuwa kweBhabhironi Guru, umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema. Saka hapana mubvunzo kuti Jehovha anoshandisa ngirozi nenzira inokosha kuti aite zvaanoda. Tisati taongorora zvizere basa rinoitwa nengirozi muchinangwa chaMwari uye kuti isu tinobatsirwa sei nadzo, ngationei kutanga kwakaita zvisikwa izvi zvomudzimu.

Ngirozi Dzakavapo Sei?

3. Ipfungwa dzipi dzisina kururama dzine vanhu vakawanda nezvengirozi?

3 Mamiriyoni evanhu mazuva ano anotenda kuti ngirozi dziriko. Asi vakawanda vane pfungwa dzisina kururama nezvadzo uye nezvokuti dzakavapo sei. Somuenzaniso, vamwe vanhu vanonamata vanofunga kuti munhu wavanoda paanofa, munhu iyeye adanwa naMwari kudenga uye anova ngirozi. Ndizvo zvinodzidziswa neShoko raMwari nezvokusikwa kwengirozi, kuvapo kwadzakaita, uye chinangwa chadzo here?

4. Magwaro anotiudzei nezvokutanga kuvapo kwakaita ngirozi?

4 Ngirozi ine simba guru zvikuru nechiremera chakakura—huru pane dzose—inonzi Mikaeri ngirozi huru. (Judha 9) Ngirozi iyi ndiJesu Kristu. (1 VaTesaronika 4:16) Kare kare Jehovha paakati aizova Musiki, chisikwa chaakatanga kusika pazvisikwa zvake chaiva Mwanakomana uyu ari ngirozi. (Zvakazarurwa 3:14) Pave paya, achishandisa Mwanakomana uyu wedangwe, Jehovha akasika zvimwe zvisikwa zvose zvomudzimu. (VaKorose 1:15-17) Achitaura nezvezvisikwa izvi zviri ngirozi sevanakomana vake, Jehovha akabvunza musoro wemhuri Jobho kuti: “Wakanga uri kupi pandakavaka nheyo yenyika? Ndiudze, kana uchinzwisisa. . . . Ndiani akamisa dombo rayo repakona? Nyeredzi dzemangwanani padzakashevedzera nomufaro pamwe chete, uye vanakomana vose vaMwari pavakatanga kushevedzera vachirumbidza?” (Jobho 38:4, 6, 7) Zviri pachena kuti ngirozi zvisikwa zvaMwari, uye dzakatanga kuvapo vanhu vasati vatombovapo.

5. Ngirozi dzakarongwa sei?

5 “Mwari haasi Mwari wenyonganyonga, asi worugare,” inodaro 1 VaKorinde 14:33. Saizvozvo, Jehovha akaronga kuti vanakomana vake vomudzimu vave mapoka matatu: (1) maserafi, anoshanda sevarindiri pachigaro choumambo chaMwari, anozivisa utsvene hwake, uye anoita kuti vanhu vake varambe vakachena pakunamata; (2) makerubhi, anoreverera uchangamire hwaJehovha; uye (3) dzimwe ngirozi dzinoita zvaanoda. (Pisarema 103:20; Isaya 6:1-3; Ezekieri 10:3-5; Dhanieri 7:10) Izvi zvisikwa zvomudzimu zvakawanda zvinobatsira vanhu nedzimwe nzira dzipi?—Zvakazarurwa 5:11.

Ngirozi Dzinoita Basa Rei?

6. Jehovha akashandisa sei makerubhi mumunda weEdheni?

6 Pana Genesisi 3:24 ndipo panotanga kutaurwa zvakananga nezvezvisikwa izvi zvomudzimu, patinoverenga kuti: “[Jehovha] akadzingira munhu kunze, akaisa makerubhi kumabvazuva kwomunda weEdheni nebakatwa raibvira moto richitenderera nguva dzose kurinda nzira yaienda kumuti woupenyu.” Makerubhi aya akarambidza Adhamu naEvha kupindazve mumusha wavo wokutanga waiva mumunda. Izvi zvakaitika vanhu vachangotanga kuvapo. Kubvira panguva iyoyo ngirozi dzave dzichiita basa rei?

7. Zvinorehwa neshoko romutauro wokutanga rokuti “ngirozi” zvinoratidzei nezverimwe remabasa anoitwa nengirozi?

7 Ngirozi dzinotaurwa kanoda kusvika ka400 muBhaibheri. Mashoko echiHebheru neechiGiriki okuti “ngirozi” anogona kushandurwa kuti “mutumwa.” Saka ngirozi dzave dzichishandiswa pakukurukurirana kwaMwari nevanhu. Sezvataurwa mundima mbiri dzokutanga dzenyaya ino, Jehovha akashandisa ngirozi kuudza muapostora Johani shoko rake.

8, 9. (a) Kushanyirwa nengirozi kwakaita kuti Manoa nomudzimai wake vanzwe sei? (b) Vabereki vangadzidzei pakushanyirwa kwakaita Manoa nengirozi yaMwari?

8 Ngirozi dzinoshandiswawo kutsigira uye kukurudzira vashumiri vaMwari vari pasi pano. Somuenzaniso, kare munguva yeVatongi muIsraeri, Manoa nomudzimai wake akanga asingabereki vaida chaizvo kuva nomwana. Jehovha akatuma ngirozi yake kuti izivise mudzimai waManoa kuti aizova nomwanakomana. Nhoroondo yacho inotiudza kuti: “Tarira! uchava nepamuviri, uchabereka mwanakomana, uye hapana chisvo chinofanira kuveura musoro wake, nokuti mwana wacho achava muNaziri waMwari paanobuda mudumbu; ndiye achatungamirira pakuponesa Israeri muruoko rwevaFiristiya.”—Vatongi 13:1-5.

9 Mudzimai waManoa akazobereka mwanakomana, Samsoni, akava nomukurumbira munhoroondo yeBhaibheri. (Vatongi 13:24) Mwana wacho asati aberekwa, Manoa akakumbira kuti ngirozi idzoke kwavari kunovarayiridza zvavaizofanira kuita pakurera mukomana wacho. Manoa akabvunza kuti: “Mararamiro omwana achava akadini nebasa rake richava rei?” Ngirozi yaJehovha yakadzokorora mirayiridzo yayakanga yapa mudzimai waManoa. (Vatongi 13:6-14) Manoa anofanira kunge akakurudzirwa chaizvo! Mazuva ano ngirozi hadzichashanyiri vanhu sezvadzaiita, asi sezvakaitwa naManoa, vabereki vanogona kutsvaka mirayiridzo yaJehovha pavanenge vachirovedza vana vavo.—VaEfeso 6:4.

10, 11. (a) Erisha nomushandi wake vakanzwa sei nezveuto reSiriya raida kushandisa chisimba? (b) Tingabatsirwa sei nokufungisisa chiitiko ichi?

10 Paiva nomuenzaniso unofadza wokutsigirwa nengirozi mumazuva omuprofita Erisha. Erisha aigara muDhotani, guta raiva muIsraeri. Rimwe zuva mushandi waErisha paakamuka mangwanani-ngwanani ndokutarira panze, akaona guta rakakombwa nemabhiza nengoro dzehondo. Mambo weSiriya akanga atuma uto raiva nesimba kuti rinobata Erisha. Mushandi waErisha akaita sei? Ava kutya, zvichida avhunduka, akashevedzera kuti: “Maiwe, tenzi wangu kani! Tichaiteiko?” Kwaari, pakanga pasina tariro. Asi Erisha akapindura kuti: “Usatya, nokuti vari kwatiri vazhinji kupfuura vari kwavari.” Airevei?—2 Madzimambo 6:11-16.

11 Erisha aiziva kuti paiva nengirozi dzakawanda chaizvo dzaizomutsigira. Zvisinei, mushandi wake hapana chaaiona. Saka “Erisha akatanga kunyengetera achiti: ‘Haiwa Jehovha, ndapota svinudzai maziso ake kuti aone.’ Jehovha akabva asvinudza maziso omushandi wacho zvokuti akaona; uye tarira! nzvimbo yose ine makomo yakanga yakazara mabhiza nengoro dzehondo dzomoto zvakapoteredza Erisha.” (2 Madzimambo 6:17) Mushandi wacho akabva atanga kuona ngirozi dzakawanda. Kana tichinzwisisa zvinhu zvokunamata, isuwo tinogona kuona kuti ngirozi, dzose zvadzo dzichitungamirirwa naJehovha naKristu, dzinobatsira uye dzinodzivirira vanhu vaJehovha.

Kutsigirwa Nengirozi Panguva yaKristu

12. Mariya akatsigirwa sei nengirozi Gabrieri?

12 Funga nezvokutsigirwa kwakaitwa mhandara yechiJudha Mariya payakanzwa mashoko okuti: “Uchabata pamuviri, wobereka mwanakomana, uye unofanira kumutumidza kuti Jesu.” Isati yataura mashoko aya anoshamisa, ngirozi Gabrieri, yakanga yatumwa naMwari, yakati kwaari: “Usatya, Mariya, nokuti wanzwirwa nyasha naMwari.” (Ruka 1:26, 27, 30, 31) Mariya anofanira kunge akakurudzirwa uye akasimbiswa chaizvo nemashoko aya aimuvimbisa kuti akanga anzwirwa nyasha naMwari!

13. Ngirozi dzakatsigira sei Jesu?

13 Mumwe muenzaniso wokutsigirwa nengirozi wakaitika pashure pokunge Jesu akunda miedzo mitatu yaakaisirwa pamberi pake naSatani murenje. Nhoroondo yacho inotiudza kuti pakapera miedzo yacho, “Dhiyabhorosi akabva amusiya, uye tarira! ngirozi dzakauya, dzikatanga kumushumira.” (Mateu 4:1-11) Izvozvo ndizvo zvakaitikawo usiku hwaizofa Jesu. Achitambudzika, Jesu akapfugama nemabvi ake akatanga kunyengetera, achiti: “‘Baba, kana muchida, bvisai kapu iyi kwandiri. Kunyange zvakadaro, kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kwenyu.’ Ngirozi yakabva kudenga yakabva yazviratidza kwaari, ikamusimbisa.” (Ruka 22:42, 43) Asi mazuva ano tinotsigirwa sei nengirozi?

Kutsigirwa Nengirozi Mazuva Ano

14. Zvapupu zvaJehovha zvakatsungirira kutambudzwa kwakadini mazuva ano, uye zvakaguma nei?

14 Patinofunga nezvenhoroondo yemazuva ano yebasa rokuparidza reZvapupu zvaJehovha, hationi here uchapupu hwokuti zviri kutsigirwa nengirozi? Somuenzaniso, vanhu vaJehovha vakakwanisa kutsungirira kutambudzwa nevaNazi muGermany uye muWestern Europe Hondo Yenyika II isati yatanga uye payairwiwa (1939-45). Paitonga hurumende dzechiKaturike dzeFascist muItaly, Spain nePortugal, vaifanira kutsungirira kutambudzwa kwenguva yakatoreba. Uye kwemakumi emakore, vakatsungirira kutambudzwa muyaimbova Soviet Union nenyika dzayaitonga. Mumwe muenzaniso ndewokutsungirira kwakaitwa neZvapupu pazvaitambudzwa mune dzimwe nyika dzomuAfrica.a Munguva pfupi yapfuura, vashumiri vaJehovha vakatambudzwa zvakasimba munyika yeGeorgia. Satani akaita zvose zvaanogona kuti amise basa reZvapupu zvaJehovha. Asi sesangano, zvakatsungirira kushorwa kwakadaro uye zvakakunda. Chimwe chinoita kuti zvitsungirire kudzivirirwa kwazvinoitwa nengirozi.—Pisarema 34:7; Dhanieri 3:28; 6:22.

15, 16. Zvapupu zvaJehovha zvinotsigirwa sei nengirozi muushumiri hwazvo hwazvinoita munyika yose?

15 Zvapupu zvaJehovha zvinokoshesa basa razvo rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika yose uye kuita kuti vanhu vari kwose kwose vanofarira chokwadi cheBhaibheri vave vadzidzi. (Mateu 28:19, 20) Zvisinei, zvinonyatsoziva kuti hazvigoni kuita basa iri zvisingatsigirwi nengirozi. Naizvozvo, zvakanyorwa pana Zvakazarurwa 14:6, 7 zvave zvichivakurudzira nguva dzose. Ipapo tinoverenga kuti: “[Ini muapostora Johani] ndakaona imwe ngirozi ichibhururuka nepakati pedenga, uye yakanga iine mashoko akanaka asingaperi okuti izivise semashoko anofadza kune vaya vanogara panyika, nokumarudzi ose nemadzinza nendimi nevanhu, ichiti nenzwi guru: ‘Ityai Mwari mumukudze, nokuti awa yokutonga kwake yasvika, naizvozvo namatai Iye akasika denga nenyika negungwa nezvitubu zvemvura.’”

16 Mashoko aya anonyatsoratidza kuti basa guru rokuparidza munyika yose reZvapupu zvaJehovha rinotsigirwa uye rinotungamirirwa nengirozi. Jehovha ari kushandisa ngirozi dzake kuti dzitungamirire vanhu vanoda nomwoyo wose kuZvapupu zvake. Ngirozi dzakaitawo kuti Zvapupu zviende kune vakakodzera. Izvi zvingaratidza kuti nei kazhinji chaizvo—kakawanda zvokuti hazvinganzi zvinongoitikawo—mumwe weZvapupu zvaJehovha achisangana nomunhu panguva chaiyo yaari kutambudzika kana kuti yaari kuda kubatsirwa pakunamata.

Dzichaita Basa Rinoshamisa Munguva Pfupi Iri Kuuya

17. Chii chakaitika kuvaAsiriya pavakarwiswa nengirozi imwe chete bedzi?

17 Kuwedzera pakushumira sevatumwa uye vanhu vanosimbisa vanamati vaJehovha, ngirozi dzine rimwe basa radzinoita. Munguva yakapfuura, dzaiita zvainge zvatongwa naMwari. Somuenzaniso, kare muzana remakore rechisere B.C.E., Jerusarema rakatyisidzirwa nevarwi veAsiriya vakawanda. Jehovha akaita sei? Akati: “Ndichadzivirira guta rino kuti ndiriponese nokuda kwangu uye nokuda kwomushumiri wangu Dhavhidhi.” Nhoroondo yacho yomuBhaibheri inotiudza zvakaitika: “Zvino usiku ihwohwo ngirozi yaJehovha yakaenda, ikauraya zviuru zana nemakumi masere nezvishanu mumusasa wevaAsiriya. Vanhu pavakafumomuka, vakaona vose vava zvitunha.” (2 Madzimambo 19:34, 35) Mauto evanhu haana simba chaizvo kana tichienzanisa nesimba rengirozi imwe chete!

18, 19. Ibasa ripi rinoshamisa richaitwa nengirozi munguva pfupi iri kuuya, uye izvozvo zvichabatsira sei vanhu?

18 Ngirozi dzichashandawo semauto aMwari anouraya mune ramangwana riri pedyo. Munguva pfupi iri kuuya, Jesu achauya “aine ngirozi dzake dzine simba ari mumurazvo womoto.” Basa ravo richange riri roku“tsiva vaya vasingazivi Mwari nevaya vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu.” (2 VaTesaronika 1:7, 8) Izvi zvichabatsira vanhu chaizvo! Vaya vanoramba kuteerera mashoko akanaka oUmambo hwaMwari ari kuziviswa munyika yose vachaparadzwa. Vaya bedzi vanotsvaka Jehovha, kururama, uye unyoro ndivo vacha“vanzwa pazuva rokutsamwa kwaJehovha” uye havazokuvadzwi.—Zefaniya 2:3.

19 Tinogona kuonga Jehovha kuti anoshandisa ngirozi dzake dzine simba kuti dzitsigire uye dzisimbise vanamati vake pasi pano. Kunzwisisa kwatinoita basa rengirozi muchinangwa chaMwari kunonyanya kunyaradza, sezvo paine ngirozi dzakapandukira Jehovha uye dziri kutungamirirwa naSatani. Nyaya inotevera ichakurukura matanho angatorwa nevaKristu kuti vazvidzivirire pasimba raSatani Dhiyabhorosi nemadhimoni ake.

[Mashoko Omuzasi]

a Kana uchida nyaya dzine mashoko akakwana nezvokutambudzwa uku, ona Yearbook of Jehovah’s Witnesses ya1983 (Angola), 1972 (Czechoslovakia), 2000 (Czech Republic), 1992 (Ethiopia), 1974 uye 1999 (Germany), 1982 (Italy), 1999 (Malawi), 2004 (Moldova), 1996 (Mozambique), 1994 (Poland), 1983 (Portugal), 1978 (Spain), 2002 (Ukraine), uye 2006 (Zambia).

Wadzidzei?

• Ngirozi dzakavapo sei?

• Ngirozi dzaishandiswa sei munguva dzeBhaibheri?

• Zvakazarurwa 14:6, 7 inoratidzei nezvebasa rengirozi mazuva ano?

• Ngirozi dzichaita basa rei rinoshamisa mune ramangwana?

[Mufananidzo uri papeji 22]

Manoa nomudzimai wake vakakurudzirwa nengirozi

[Mufananidzo uri papeji 23]

“Vari kwatiri vazhinji kupfuura vari kwavari”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe