RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 1/1 p. 13
  • Umambo hwaMwari Huri Mumwoyo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Umambo hwaMwari Huri Mumwoyo Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Umambo hwaMwari Huri Mumwoyo Mako Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Umambo hwaMwari Mwoyo Wako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Umambo hwaMwari
    Mukai!—2013
  • Icho Umambo hwaMwari Hunogona Kureva Kwauri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 1/1 p. 13

Vaverengi Vanobvunza Kuti

Umambo hwaMwari Huri Mumwoyo Here?

Mazuva ano vanhu vakawanda vanofunga kuti mhinduro yomubvunzo uri pamusoro apa ndeyokuti hungu. Somuenzaniso The Catholic Encyclopedia inotaura zvakasimba kuti: “Umambo hwaMwari hunoreva . . . kutonga kunoitwa naMwari mumwoyo yedu.” Vafundisi vakawanda vanodzidzisa pfungwa iyi. Bhaibheri rinombodzidzisa here kuti Umambo hwaMwari huri mumwoyo yevanhu?

Vamwe vanofunga kuti Jesu pachake ndiye akatanga kutaura pfungwa yokuti Umambo hwaMwari huri mumwoyo yevanhu. Jesu akati: “Tarirai! Umambo hwaMwari huri pakati penyu.” (Ruka 17:21) Mamwe maBhaibheri anoti: “Umambo hwaMwari huri mamuri” kana kuti “mukati menyu.” Uku kushandurwa kwakarurama kwemashoko aJesu here? Aireva here kuti Umambo hwaMwari zvechokwadi hunowanika mumwoyo yevanhu?

Chokutanga, funga zvakaita mwoyo womunhu. Paunotaurwa muBhaibheri, mwoyo wokufananidzira unoreva zvakaita munhu nechomukati, panobva zvaanofunga, unhu hwake, uye manzwiro aanoita. Pfungwa yokuti chinhu chakakwirira soUmambo hwaMwari chigare mumwoyo womunhu, nemhaka yokuchinja kwahunoita vanhu uye kuvaita kuti vave netsika dzakanaka, ingava ichifadza chaizvo, asi zvine musoro here?

Bhaibheri rinotiudza kuti: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose uye wakaipa kwazvo.” (Jeremiya 17:9) Jesu pachake akati: “Mumwoyo mevanhu, munobuda kufunga kunokuvadza: ufeve, umbavha, umhondi, upombwe, kuchochora, mabasa akaipa.” (Mako 7:20-22) Funga izvi: Handizvo here kuti tikaronda uzhinji hwokusuruvara, zvatinoona munyika nhasi, tinozviona zvichitangira mumwoyo yevanhu ine chivi? Saka Umambo hwaMwari hwakarurama hungava sei mumwoyo yakadaro? Zvechokwadi Umambo hwaMwari hahungawaniki mumwoyo yevanhu sezvatisingagoni kuwana maonde parukato.—Mateu 7:16.

Chechipiri, funga nezvevanhu vaiteerera Jesu paaitaura mashoko ari pana Ruka 17:21. Ndima yepamusoro pacho inoti: “Paakabvunzwa nevaFarisi kuti umambo hwaMwari hwakanga huchiuya rini, iye akavapindura.” (Ruka 17:20) VaFarisi vaiva mhandu dzaJesu. Jesu akanyatsojekesa kuti vanyengeri ivavo vaisazopinda muUmambo hwaMwari. (Mateu 23:13) Zvino kana vaFarisi vaisazopinda muUmambo hwaMwari, Umambo hwacho hwaigona kuva mumwoyo yavo here? Kana! Saka Jesu airevei?

Pakushandura mashoko aya aJesu, mamwe maBhaibheri akashandurwa nokungwarira anoshandisa mashoko akafanana neanowanika muShanduro yeNyika Itsva. Mamwe anoti Umambo huri “pakati penyu” kana kuti “pamuri.” Panguva iyoyo, Umambo hwaMwari hwaiva sei pakati pevanhu ivavo kusanganisira vaFarisi? Jesu ndiye akanga asarudzwa naJehovha Mwari kuti ave Mambo woUmambo hwacho. SaMambo akasarudzwa, Jesu akanga ari pakati chaipo pevanhu ivavo. Akadzidzisa nezvoUmambo hwaMwari uye akatoita zvishamiso, achivapa nzwisa yezvaizoitwa noUmambo ihwohwo. Kutaura zvazviri chaizvo, Umambo hwaiva pakati pavo.

Zviri pachena kuti Bhaibheri haritsigiri zvokuti Umambo hwaMwari huri mumwoyo yevanhu. Asi kuti ihwo ihurumende chaiyo, ichaita kuti zvinhu zvichinje zvinoshamisa panyika, sezvakafanotaurwa nevaprofita.—Isaya 9:6, 7; Dhanieri 2:44.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe