Swedera Pedyo naMwari
Mucherechedzi Anotikoshesa
“MWOYO yedu ingatipa mhosva.” Nemashoko iwayo, Bhaibheri rinobvuma kuti dzimwe nguva mwoyo yedu ingaita kuti tizvishore zvakanyanyisa. Zvechokwadi, ingaramba ichiita kuti tinzwe kuti hatikodzeri kudiwa kana kutarisirwa naMwari. Asi Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Mwari mukuru kune mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvose.” (1 Johani 3:19, 20) Mwari anotiziva zviri nani kupfuura zvatinozviita. Maonero aanotiita angasiyana zvikuru needu. Saka, tinokosha zvakadii kumunhu ane maonero atinofanira kukoshesa, Jehovha Mwari? Mhinduro yacho tingaiwana mumufananidzo waJesu unodzamisa pfungwa dzedu waakataura panhambo mbiri dzakasiyana.
Pane imwe nhambo, Jesu akati ‘shiri duku mbiri dzinotengeswa nemari isingakoshi.’ (Mateu 10:29, 31) Maererano naRuka 12:6, 7, Jesu akatiwo: “Shiri duku shanu hadzitengeswi nemari mbiri dzisingakoshi here? Asi hapana neimwe yadzo inokanganwika pamberi paMwari. . . . Musatya; imi munokosha kupfuura shiri duku zhinji.” Muenzaniso uyu uri nyore asi wakadzama, unotidzidzisa maonero anoita Jehovha munhu oga oga anomunamata.
Shiri duku idzi ndidzo dzaiva dzakachipa pashiri dzose dzaidyiwa. Hapana mubvunzo kuti Jesu akanga aona madzimai varombo, kunyange amai vake vokumubereka, vachitenga shiri duku idzi pamusika kuti vanobikira mhuri dzavo. Munhu aiva nemari inokwana assarion imwe chete, iyo isingasviki masendi mashanu pamari yemazuva ano yokuAmerica, aikwanisa kutenga shiri duku mbiri. Shiri idzi dzaive dzakachipa zvokuti uine mari mbiri, waitenga shiri shanu kwete ina, imwe iri yembasera.
Jesu akatsanangura kuti hapana imwe yadzo “inokanganwika pamberi paMwari” kana kuti ingawira “pasi Baba venyu vasingazivi.” (Mateu 10:29) Pose panowa shiri duku, zvichida nokuti yakuvadzwa kana kuti yamhara pasi kuti ipare zvokudya, Jehovha anozviona. Shiri idzi dzingaita sedzisina basa dzakasikwa naJehovha kunyange dziri duku kudaro, saka hadzisi duku zvokuti asadziyeuka. Kutaura chokwadi, dzine basa kwaari nokuti zvinhu zvipenyu zvinokosha. Uri kuona here chidzidzo chiri mumufananidzo waJesu?
Jesu paaidzidzisa, aiwanzoenzanisa zvinhu, achiratidza kuti zvatinodzidza pazvinhu zviduku zvinoshandawo pazvinhu zvikuru. Somuenzaniso, Jesu akatiwo: “Makunguo haadyari mbeu kana kukohwa, uye haana tsapi kana dura, asi Mwari anoapa zvokudya. Imi munokosha zvikuru sei kupfuura shiri?” (Ruka 12:24) Chidzidzo chaJesu nezveshiri chinobva chava pachena: Kana Jehovha achitarisira shiri duku idzi, anozodii nevanhu vanomuda uye vanomunamata!
Tichifunga zvakataurwa naJesu, hatifaniri kunzwa sokuti Mwari haatombotioni uye kuti haatidi nokuti iye “mukuru kune mwoyo yedu.” Hazvifadzi here kuti Musiki wedu angaona matiri zvinhu zvatingatadza kuona isu pachedu?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 9]
Sparrows: © ARCO/D. Usher/age fotostock