RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 5/1 p. 24
  • Anonzwisisa Kurwadziwa Kwedu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Anonzwisisa Kurwadziwa Kwedu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mamirioni Akafa Zvino Achararamazve
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Tariro ine Chokwadi Yavakafa
    Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa
  • Zvatinodzidza Pamisodzi yaJesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 5/1 p. 24

Swedera Pedyo naMwari

Anonzwisisa Kurwadziwa Kwedu

Johani 11:33-35

“KUNZWIRA tsitsi zvinoreva kuti ndinorwadziwawo paunenge uchirwadziwa.” Aya ndiwo marondedzerero akaita mumwe mumishinari akwegura weZvapupu zvaJehovha unhu hunokosha uhwu. Jehovha Mwari ndiye muenzaniso mukuru womunhu anonzwira tsitsi. Iye pachake anorwadziwawo vanhu vake pavanorwadziwa. Tingava sei nechokwadi naizvozvo? Zvakataurwa naJesu uye zvaakaita paaiva pasi pano zvakanyatsoratidza tsitsi huru dzaJehovha. (Johani 5:19) Somuenzaniso, imbofunga nezvechiitiko chinorondedzerwa pana Johani 11:33-35.

Shamwari yaJesu yainzi Razaro payakafa zvisingatarisirwi, Jesu akaenda kumusha kwaRazaro. Zvinonzwisisika kuti hanzvadzi dzaRazaro, Mariya naMarita vakashungurudzika chaizvo. Jesu aida mhuri iyi nomwoyo wose. (Johani 11:5) Saka aizoita sei? Nhoroondo yacho inoti: “Jesu paakamuona [Mariya] achichema uye vaJudha vakanga vauya naye vachichema, akagomera neshungu, akanetseka; uye akati: ‘Makamuviga kupi?’ Ivo vakati kwaari: ‘Ishe, uyai muone.’ Jesu akasvimha misodzi.” (Johani 11:33-35) Nei Jesu akachema? Ichokwadi kuti shamwari yake Razaro yakanga yafa, asi Jesu akanga ava kuda kumumutsa. (Johani 11:41-44) Pane chimwezve chakabaya mwoyo waJesu here?

Ongorora zvakare mashoko ataurwa pamusoro apa. Ona kuti Jesu paakaona Mariya nevaya vaaiva navo vachichema, “akagomera” uye “akanetseka.” Mashoko emitauro yokutanga akashandiswa pano anoratidza kurwadziwa zvikuru.a Jesu akabayiwa mwoyo chaizvo nezvaakaona. Kuyangarara kwakaita misodzi mumaziso ake kwakaratidza kuti akanga arwadziwa zvikuru. Saka zviri pachena kuti Jesu airwadziwawo pairwadziwa vamwe. Wakambosvimha misodzi here pawakaona munhu waunoda achichema?—VaRoma 12:15.

Kunzwira tsitsi kwaiita Jesu kunotibatsira kudzidza nezvounhu hwaBaba vake Jehovha uye nezvenzira dzavo. Yeuka kuti Jesu akanyatsoratidza unhu hwaBaba vake zvokuti aigona kuti: “Aona ini aonawo Baba.” (Johani 14:9) Saka patinoverenga kuti “Jesu akasvimha misodzi,” tinogona kuva nechokwadi kuti Jehovha anorwadziwawo chaizvo vanomunamata pavanenge vachirwadziwa. Kutaura zvazviri, vamwe vakanyora Bhaibheri vanosimbisa pfungwa iyi. (Isaya 63:9; Zekariya 2:8) Chokwadi Jehovha ndiMwari munyoro chaizvo!

Tinonzwa tichida kuva pedyo nevanhu vane tsitsi. Patinenge takaora mwoyo, tinonzwa tichida kuva pedyo nomunhu anonzwisisa mamiriro edu ezvinhu uye anorwadziwawo patinorwadziwa. Saka tinonzwa tichida kuva pedyo naJehovha, Mwari ane tsitsi anorwadziwawo patinorwadziwa uye anonzwisisa kuti nei tichisvimha misodzi!—Pisarema 56:8.

[Mashoko Omuzasi]

a Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti ku“svimha misodzi” rinowanzoreva “kuchema chinyararire,” asi shoko rinorondedzera kuchema kwaiita Mariya nevamwe ringareva “kuridza mhere, kuungudza.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe