RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 6/1 pp. 9-11
  • Zvine Basa Here Kuti Tinonamata Sei Mwari?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvine Basa Here Kuti Tinonamata Sei Mwari?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Muenzaniso Wekare
  • Kunamata Vamwe Vanamwari Kwaiitwa nevaIsraeri
  • Zvakaitwa naMwari Nezvokusanganisa Kunamata
  • Tinodzidzei?
  • Mwari Anogamuchira Rudzi Rwuri Rwose Rwokunamata Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mwari Anogamuchira Kunamata Kwaani?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Kunamata Kwechokwadi Kuchaita Kuti Uwedzere Kufara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Kunamata Mwari Nenzira Yaanoda
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 6/1 pp. 9-11

Zvine Basa Here Kuti Tinonamata Sei Mwari?

“VANHU vakasikwa vachida kunamata.” Ndizvo zvakataurwa naProfessor Alister Hardy mubhuku rake rinotaura nezvemanamatiro evanhu rinonzi The Spiritual Nature of Man. Zvakabuda paongororo yakaitwa munguva pfupi yapfuura zvinoita sezvinotsigira mashoko ake. Ongororo yacho yakabudisa kuti inenge 86 muzana yevanhu vari munyika vanoti vane chitendero chavanopinda.

Ongororo yacho yakabudisawo kuti vatendi vacho vane zvitendero zvikuru 19 zvavanopinda uye zvinoshamisa kuti vaya vanozviti vaKristu vanopinda machechi 37 000 akasiyana-siyana. Izvi hazviiti here kuti uzvibvunze kana nzira dzose idzi dzokunamata dzichifarirwa naMwari? Zvine basa here kuti tinomunamata sei?

Panyaya iyi inokosha kudai, hazviiti kuti tingoita zvatinofunga kana kuti zvatinoda. Zvine musoro kuti tiongorore kuti Mwari anotii panyaya iyi. Kuti tizvizive tinofanira kuenda kuShoko rake Bhaibheri. Nemhaka yei? Nokuti Jesu Kristu pachake akanyengetera kuna Mwari achiti: “Shoko renyu ichokwadi.” (Johani 17:17) Uye muapostora akatendeka Pauro akapupurira kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu.”—2 Timoti 3:16.

Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari haadi manamatiro ose ose. Tine mienzaniso yemanamatiro aiitwa kare aidiwa naMwari neaaisada. Kana tikanyatsoongorora mienzaniso iyi, tingadzidza zvatinofanira kuita uye zvatisingafaniri kuita kuti manamatiro edu afadze Mwari.

Muenzaniso Wekare

Achishandisa muprofita Mosesi, Jehovha Mwari akapa vaIsraeri mitemo yaivadzidzisa manamatiro aaida. Vanhu pavaitevedzera mitemo iyoyo, yaizivikanwa soMutemo waMosesi, Mwari aivagamuchira sevanhu vake uye aivakomborera. (Eksodho 19:5, 6) Rudzi rwaIsraeri haruna kuramba ruchinamata nenzira yaaida pasinei nokuti rwaikomborerwa naMwari zvakadaro. Kakawanda vaimborega kunamata Jehovha votevera manamatiro evagari vomunyika yaiva yakavapota.

Mumazuva evaprofita Ezekieri naJeremiya muzana remakore rechinomwe B.C.E., vaIsraeri vakawanda havana kuteerera Mutemo waMwari uye vakashamwaridzana chaizvo nevanhu vemarudzi akanga akavapota. Pavaitevedzera tsika dzemarudzi aya uye pavaiitawo mitambo yawo, vaIsraeri vakanga vari kusanganisa manamatiro. VaIsraeri vakawanda vakanga vari kuti: “Ngatiitei semamwe marudzi, semhuri dzomunyika dzose, pakushumira miti nematombo.” (Ezekieri 20:32; Jeremiya 2:28) Vaiti vanonamata Jehovha Mwari, asiwo vainamata “zvidhori . . . zvinosemesa,” kunyange kupisa vana vavo sezvibayiro.—Ezekieri 23:37-39; Jeremiya 19:3-5.

Vanochera matongo vakawana kuti vanhu vainamata vanamwari vakasiyana-siyana panguva imwe chete uye vaitevera chitendero chakakurumbira. Mazuva ano, vanhu vakawanda vanofunga kuti munzanga yedu ine vanhu vanotenda zvakasiyana-siyana, tinofanira kubvumawo zvinotaurwa nevamwe pazvinhu zvose, kusanganisira zvechitendero. Saka vanofunga kuti hapana chakaipa nokunamata Mwari nenzira chero ipi zvayo yavanoda. Ndizvo here? Inongova nyaya yokubvuma zvinotaurwa nevamwe uye kuita zvaunoda here? Chimbofunga zvinhu zvaiitwa muchitendero chakakurumbira chaiteverwa nevaIsraeri vasina kutendeka, woona kuti zvakaguma nei.

Kunamata Vamwe Vanamwari Kwaiitwa nevaIsraeri

VaIsraeri vainamata vamwe vanamwari mu“nzvimbo dzakakwirira,” kana kuti nzvimbo dzinoyera dzokwavaigara dzaiva neatari, zvigadziko zvokupisira rusenzi, shongwe tsvene dzematombo, matanda matsvene, uye zviratidzo zvematanda zvaAshera, mwarikadzi wembereko wevaKenani. MuJudha maivawo nenzvimbo dzakadaro dzakawanda. Madzimambo Wechipiri 23:5, 8 inoti “nzvimbo dzakakwirira dzaiva mumaguta aJudha nenzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, . . . kubvira kuGebha [muganhu wokuchamhembe] kusvikira kuBheeri-shebha [muganhu wokumaodzanyemba].”

Panzvimbo idzi dzakakwirira, vaIsraeri “vaikwidzira Bhaari utsi hwezvibayiro, zuva nomwedzi nemapoka enyeredzi dzokudenga neuto rose rokumatenga.” Vaiva nedzimba dze“pfambi dzechirume . . . dzaiva muimba yaJehovha” uye vaipisa vana vavo “mumoto nokuda kwaMoreki.”—2 Madzimambo 23:4-10.

Vanochera matongo vakawana zvidhori zvakawanda zvevhu muJerusarema nomuJudha, kunyanya mumatongo emisha yevanhu. Zvakawanda zvacho zvaiumbwa ari mukadzi asina kupfeka ane mazamu akakurisa. Nyanzvi dzinoti zvidhori izvi zvaimiririra vanamwarikadzi vembereko Ashtoreti naAsherah. Zvidhori zvacho zvinonzi zvaiva “mazango aibatsira munhu kubata pamuviri uye kubereka vana.”

VaIsraeri vaiona sei nzvimbo idzi dzainamatirwa vamwe vanamwari? Professor Ephraim Stern wokuHebrew University akati pamwe nzvimbo dzakawanda dzakakwirira idzi dzaiva “dzakatsaurirwa kuna Yahweh [Jehovha].” Zvakanyorwa panzvimbo idzi dzinocherwa matongo zvinoita sezvinotsigira maonero aya. Somuenzaniso, pamwe pakanyorwa pakanzi, “Ndinokukomborerai (nezita) raYahweh wokuSamariya naasherah wake,” uye pamwe pakanzi, “Ndinokukomborerai (nezita) raYahweh wokuTemani naasherah wake!”

Mienzaniso iyi inoratidza kuti vaIsraeri vaisanganisa kunamata Jehovha Mwari nokunamata kwechihedheni kunonyadzisa. Vakaguma varasa tsika uye vava murima pakunamata. Mwari aiona sei kunamata vamwe vanamwari uku?

Zvakaitwa naMwari Nezvokusanganisa Kunamata

Achishandisa muprofita wake Ezekieri, Mwari akati manamatiro asina kuchena evaIsraeri aimutsamwisa paakataura kuti: “Munzvimbo dzenyu dzose dzamunogara, maguta achaparadzwa, nzvimbo dzakakwirira dzichaitwa matongo, kuti dziparadzwe uye kuti atari dzenyu dziparadzwe dzoputswa, zvidhori zvenyu zvinosemesa sendove zvinyangarike, zvigadziko zvokupisira rusenzi zvigurwe uye mabasa enyu aparadzwe.” (Ezekieri 6:6) Hapana mubvunzo kuti Jehovha aisada zvachose manamatiro akadaro uye akatoaramba.

Jehovha Mwari akafanotaura kuti zvinhu zvacho zvaizoparadzwa sei. “Tarirai ndichatumira . . . Nebhukadrezari mambo weBhabhironi, mushumiri wangu, uye ndichavaunza kuti varwise nyika ino nevagari vayo nemarudzi aya ose akapoteredza; uye ndichavatsaura kuti vaparadzwe . . . Nyika ino yose ichava dongo.” (Jeremiya 25:9-11) Sezvakanga zvaprofitwa, muna 607 B.C.E., vaBhabhironi vakauya kuJerusarema vakaparadza guta racho netemberi yacho zvachose.

Achitaura nezvokuparadzwa kweJerusarema, Professor Stern ambotaura pamusoro apo anoti zvakawanikwa pakuchera matongo “zvinonyatsotsigira zvinotsanangurwa neBhaibheri (2 Madzimambo 25:8; 2 Makoronike 36:18, 19) nezvokuparadzwa, kupiswa, uye kuondomoka kwedzimba nemasvingo.” Anowedzera kuti: “Zvakawanikwa pakuchera matongo pamusoro pokuparadzwa kweJerusarema panguva iyi, . . . ndezvimwe zvezvinofadza zvakawanikwa panzvimbo dzomuBhaibheri.”

Tinodzidzei?

Zvatinonyanya kudzidza ndezvokuti Mwari haadi kunamata kunoedza kusanganisa zvinodzidziswa neBhaibheri nezvinotaurwa nevanhu, tsika, kana kuti zvinoitwa nezvimwe zvitendero. Izvi ndizvo zvakanyatsonzwisiswa nomuapostora Pauro uye akazviita. Akarerwa ari muFarisi wechiJudha, akadzidziswa uye akarovedzwa mitemo yechitendero ichi. Akaitei paakazodzidza ndokubvuma kuti Jesu ndiye Mesiya akanga apikirwa? Akati: “Zvinhu zvakanga zviri pfuma kwandiri, izvi ndakazviona sokurasikirwa nokuda kwaKristu.” Akasiya upenyu hwaaiva nahwo ndokuzvipira kuva muteveri waKristu.—VaFiripi 3:5-7.

Somumishinari aifambira, Pauro ainyatsoziva zvaiitwa muzvitendero uye tsika dzouzivi dzevanhu vakasiyana-siyana. Saka akanyorera vaKristu vokuKorinde kuti: “Chiedza chine mugove wei nerima? Uyezve, Kristu naBheriari vanotsinhirana pachii? Kana kuti munhu akatendeka ane mugove wei nomunhu asingatendi? Temberi yaMwari inobvumirana nezvidhori pachii? . . . ‘Naizvozvo ibvai pakati pavo, muzviparadzanise,’ anodaro Jehovha, ‘musabata chinhu chisina kuchena’; ‘uye ini ndichakugamuchirai.’”—2 VaKorinde 6:14-17.

Zvataona kuti Mwari ane hanya nemanamatiro atimunoita, tingazvibvunza kuti: ‘Mwari anoda kuti timunamate sei? Ndingaswedera sei pedyo naMwari? Uye ndinofanira kuitei kuti ndinamate Mwari nenzira yaanoda?’

Zvapupu zvaJehovha zvinofara kukubatsira kuwana mhinduro dzemibvunzo iyi nemimwe ine chokuita neBhaibheri. Tinokukumbira kuti utaure neZvapupu paImba yoUmambo yokwaunogara kana kuti nevanobudisa magazini ino uchikumbira kudzidza Bhaibheri usingabhadhari panguva nenzvimbo zvakakunakira.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Nzvimbo Inoyera Yekare Yainamatirwa Zvidhori, Tel Arad, muIsraeri

[Kwazvakatorwa]

Garo Nalbandian

[Mufananidzo uri papeji 10]

Zvidhori Zvaashtoreti Zvaiva Mudzimba Dzekare dzevaJudha

[Kwazvakatorwa]

Photograph © Israel Museum, Jerusalem; courtesy of Israel Antiquities Authority

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe