RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 6/1 p. 27
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Kuzadzika Kweuprofita hweTire Kunoita Kuti Tiwedzere Kuvimba naJehovha
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Jehovha Anonyadzisa Tire Nokuzvikudza Kwaro
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
  • Nyika Dzakapoteredza Jerusarema
    Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
  • Marudzi ‘Achaziva Kuti Ndini Jehovha’
    Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 6/1 p. 27

Waizviziva Here?

Nei Pondiyo Pirato akatya paakanzwa zvaipomerwa Jesu zvokuti akanga “azviita mwanakomana waMwari”?—Johani 19:7.

Pashure pokunge Julius Caesar afa, Dare revaRoma rakamuti aiva mwari. Octavian, mwanakomana wake wokurera uye akazomutsiva pachigaro, akazonzi divi filius, kureva kuti “Mwanakomana Womutsvene,” kana kuti “Mwanakomana waMwari.” Zita iri rokuremekedza rechiLatin ndiro rakazova zita rinoyera remadzimambo. Izvi zvinosimbiswa nezvakawanda zvakanyorwa paatari, temberi, mifananidzo nemari zvevaRoma. VaJudha pavakapomera Jesu kuti akanga ari kuzviita “mwanakomana waMwari,” kutaura zvazviri vakanga vari kumupomera kuti aizvipa zita rokuremekedza, izvo zvakanga zvakafanana nokupandukira.

Panguva yakatongwa Jesu, Tibheriyo ndiye akanga ava kunzi divi filius. Mambo uyu aiva nembiri inotyisa yokuuraya chero vanhu vapi zvavo vaaifungidzira kuti vavengi vake. Saka vaJudha pavakati Pirato aisazova akavimbika kuna Kesari kana akasatonga Jesu, gavhuna weRoma uyu “akatonyanya kutya.” Akapedzisira aita zvavaida, akarayira kuti Jesu aurayiwe.—Johani 19:8, 12-16.

Nei Zekariya akafanotaura nezvokuparadzwa kweTire nepo rakanga raparadzwa nevaBhabhironi?

Guta reTire rekare, raiva paMhenderekedzo yeMediterranean, raiva nezvikamu zviviri. Chimwe chacho chaiva panyika yakaoma, uye chimwe chacho chaiva pachitsuwa.

Pane imwe nguva, vanhu vaigara kuTire vaifarira vaIsraeri. Zvisinei, pave paya vanhu vokuTire vakava vapfumi ndokutanga kupandukira Jehovha Mwari, zvokuti vakanga vava kuba ndarama nesirivha patemberi yake uye kutengesa vamwe vanhu vake kuti vave varanda. (Joeri 3:4-6) Izvi zvakaita kuti vatongwe naJehovha. Jehovha akashandisa vaprofita vake kufanotaura kuti guta reTire raizokundwa naNebhukadhinezari Mambo weBhabhironi, uyo akaunza mauto ake kuTire mushure mokunge aparadza Jerusarema muna 607 B.C.E.—Isaya 23:13, 14; Jeremiya 27:2-7; Ezekieri 28:1-19.

Pavakaona kuti vava kukundwa, vanhu vokuTire vakatiza nezvinhu zvavo vachienda kuguta raiva pachitsuwa. VaBhabhironi vakasiya chikamu cheguta chaiva panyika yakaoma chava matongo. Kwapera makore anenge 100, Jehovha akafuridzira muprofita wake Zekariya kuti ataure mutongo wake kuTire, achiti: “Tarirai! Jehovha acharidzinga, achawisira uto raro rehondo mugungwa; uye iro richaparadzwa nomoto.”—Zekariya 9:3, 4.

Muna 332 B.C.E., chikamu chepachitsuwa chakaparadzwa naAlexander Mukuru, achibva azadzika uprofita hwaZekariya. Kuti aite izvozvo, Alexander akagadzira zambuko rakareba mamita 800 kubva panyika yakaoma kuenda kuchitsuwa chacho, achishandisa matanda nematombo aibva pamatongo eTire rekare. Izviwo zvakanga zvafanotaurwa naEzekieri.—Ezekieri 26:4, 12.

[Mufananidzo uri papeji 27]

“Kukombwa kweTire”

[Kwazvakatorwa]

Drawing by Andre Castaigne (1898-1899)

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe