RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 6/1 p. 26
  • “Musikana muIsraeri” Wemazuva Ano

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Musikana muIsraeri” Wemazuva Ano
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Haana Kumbobvira Andisiya!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Jehovha Anokomborera Zvatinoita Kuti Tipinde Chirangaridzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • “Mumiromo Yavacheche”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 6/1 p. 26

“Musikana muIsraeri” Wemazuva Ano

MUNA 2006, kwasara mavhiki maviri kuti Chirangaridzo chorufu rwaJesu chiitwe, mumwe nomumwe mumhuri yokwaSales muPraia Grande, kuBrazil akanyora pasi vanhu vaaida kukoka. Abigayl ane makore matanhatu akapiwa pepa rimwe chete rokukokera uye akabvunzwa kuti aizokoka ani.

Akapindura kuti: “Mumwe murume anogara achindinyemwerera.”

Vabereki vake vakabvunza kuti: “Ndianiko iyeye?”

Akati: “Uya anogara muwiricheya.”

Papera mazuva mana, Abigayl akaratidza vabereki vake murume uyu. Murume uyu anonzi Walter, aigara pedyo nepaImba yoUmambo. Makore 15 apfuura, paaiva nemakore 28, akaita tsaona nemotokari akaremara kubva muchiuno zvichidzika. Airindwa nevarume vaviri sezvo aiva shoroma. Pashure pokunge Abigayl abvumirwa kutaura naWalter, vabereki vake vakatsanangurira Walter kuti mwanasikana wavo aida kumukoka.

Paakapedza mharidzo yake, Abigayl akati: “Vamwe vose vanopinda paImba yedu yoUmambo vari kukoka vanhu vakawanda asi ini ndiri kungokoka mumwe chete. Saka ndimi chete vandiri kukoka. Mukasauya panenge pasina wangu. Asi kana mukauya ndichafara uye Jehovha achatonyanya kufara.”

Musi weChirangaridzo, Abigayl nezvimwe Zvapupu vaichenesa Imba yoUmambo, vachigadzirira Chirangaridzo chaivako manheru acho. Masikati iwayo Walter paaipfuura nepo akaona Abigayl, akaudza mutyairi kuti amise motokari. Hwindo rakavhurwa, ndokubva abvunza Abigayl kuti aiitei. Akapindura kuti aichenesa imba iyi kuitira kuti inge yakanaka Walter paaizouya.

Manheru iwayo Abigayl akanga asina kugadzikana. Hurukuro yakatanga uye aingocheuka-cheuka kuti aone kana Walter akanga asvika. Walter nevarume vaimurinda vakangoerekana vati pfacha. Abigayl akabva anyemwerera zvokunyemwerera zviya. Hurukuro yapera, Walter akati akanga amboda kuenda kune rimwe guta asi akazorega ndokuuya kuChirangaridzo kuitira Abigayl. Akawedzera kuti: “Hurukuro iyi yanga ine zvandanga ndichida kunzwa.” Akakumbira Bhaibheri ndokutanga kudzidza uye kupinda misangano.

Panguva iyi, hanzvadzi yaWalter yakati yaida kuona Abigayl iyeye anogara achitaurwa nehanzvadzi yake. Paakamuona, akafara kuziva kuti Abigayl aiva musikana muduku akanaka. Akati: “Iko zvino ndava kuziva kuti nei hanzvadzi yangu ichifara kudai.”

Walter achiri kudzidza uye kupinda misangano. Anotopindurawo uye kuudza vamwe zvaanenge adzidza. Chokwadi Abigayl muduku anotiyeuchidza nezvomusikana wechiIsraeri akabatsira Naamani kuziva Mwari wechokwadi, Jehovha.—2 Madzimambo 5:2-14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe