RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 6/1 p. 23
  • Mwari Anoda Kukanganwira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anoda Kukanganwira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Akadzidza Kukanganwira Kubva Kuna Tenzi
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Akadzidza Kukanganwira Kubva Kuna Tenzi Wake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Akanga Akavimbika Pasinei Nemiedzo
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Unogona Kuramba Uchishumira Jehovha Sezvakaita Petro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 6/1 p. 23

Swedera Pedyo naMwari

Mwari Anoda Kukanganwira

Johani 21:15-17

“HAIWA Jehovha, . . . imi makanaka uye makagadzirira kukanganwira.” (Pisarema 86:5) Nemashoko iwayo anonyaradza, Bhaibheri rinotivimbisa kuti Jehovha Mwari anokanganwira zvikuru. Zvakamboitika muupenyu hwomuapostora Petro zvinonyatsoratidza kuti Jehovha anokanganwira “zvikuru.”—Isaya 55:7.

Petro aiva mumwe weshamwari dzaJesu dzepedyo. Asi pausiku hwokupedzisira Jesu asati afa, Petro akatya ndokubva aita chivi chakakomba. Muchivanze chaiva pedyo nokwaitongerwa Jesu zvisiri pamutemo, Petro akaramba pachena kuti aiziva Jesu uye akazviita katatu chaiko. Paakamuramba zvakasimba kechitatu, Jesu “akatendeuka, akatarira Petro.” (Ruka 22:55-61) Ungafungidzira here kuti Petro akanzwa sei paakatariswa naJesu? Paakaona kuti akanga atadza zvikuru, Petro “akabva atanga kusvimha misodzi.” (Mako 14:72) Muapostora akanga apfidza uyu anofanira kunge akambonetseka kana kuramba Jesu katatu kwaakanga aita kwaisazoita kuti akanganwirwe naMwari.

Jesu paakamutswa, akakurukura naPetro zvokuti Petro akasara ava nechokwadi chokuti akanga akanganwirwa. Jesu haana kumbotaura naye nehasha kana kumupa mhosva. Panzvimbo pezvo, akabvunza Petro kuti: “Unondida here?” Petro akapindura kuti: “Hungu, Ishe, munoziva kuti ndinokudai kwazvo.” Jesu ndokubva ati: “Dyisa makwayana angu.” Jesu akabvunzazve kechipiri, uye Petro akapindurazve zvakafanana, zvimwe achinyatsosimbisa. Jesu akati: “Fudza makwai angu maduku.” Zvadaro Jesu akabvunzazve mubvunzo mumwe chete kechitatu achiti: “Unondida kwazvo here?” Zvino “Petro akashungurudzwa,” ndokubva ati: “Ishe, munoziva zvinhu zvose; munoziva kuti ndinokudai kwazvo.” Jesu akamupindura achiti: “Dyisa makwai angu maduku.”—Johani 21:15-17.

Nei Jesu akabvunza zvinhu zvaaitoziva? Jesu aiziva zviri mumwoyo, saka aiziva kuti Petro aimuda. (Mako 2:8) Paakabvunza mibvunzo iyoyo, Jesu akapa Petro mukana wokusimbisa katatu kuti aimuda. Kupindura kwaJesu kwokuti: “Dyisa makwayana angu. . . . Fudza makwai angu maduku. . . . Dyisa makwai angu maduku,” kwakavimbisa muapostora wacho kuti akanga achiri kuvimbwa. Uyewo Jesu akanga ari kutuma Petro kuti atarisire zvinhu zvaikosha zvikuru, vateveri vaJesu vaaida vakaita semakwai. (Johani 10:14, 15) Petro anofanira kunge akanzwa azorodzwa kuziva kuti Jesu akanga achiri kuvimba naye!

Zviri pachena kuti Jesu akakanganwira muapostora wake akanga apfidza. Sezvo Jesu achinyatsoratidza unhu uye nzira dzaBaba vake, tinogona kungogumisa kuti Jehovha akakanganwirawo Petro. (Johani 5:19) Jehovha haazezi kukanganwira, ndiMwari ane ngoni “akagadzirira kukanganwira” mutadzi anopfidza. Iyi haisi pfungwa inonyaradza here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe