RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 7/1 p. 10
  • ‘Haasi Kure Nomumwe Nomumwe Wedu’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Haasi Kure Nomumwe Nomumwe Wedu’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • “Achaswedera Pedyo Nemi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • “Swederai Pedyo naMwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • “Ramba Uchishingairira . . . Kudzidzisa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Zvingaita Here Kuti ‘Uswedere Pedyo naMwari’?
    Swedera Pedyo naJehovha
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 7/1 p. 10

Swedera Pedyo naMwari

‘Haasi Kure Nomumwe Nomumwe Wedu’

Mabasa 17:24-27

VACHIENZANISWA nezvinhu zvose zvakasikwa zviri muchadenga, chokwadi vanhu vadukuduku chaizvo. Zvichida wakambozvibvunza kuti, ‘Zvinoita here kuti vanhuwo zvavo vave noukama hwepedyo naMwari Wemasimbaose?’ Zvinoita chete kana Mwari ane zita rinonzi Jehovha achida kuti tiswedere pedyo naye. Anoda here? Mhinduro inonyaradza inogona kuwanwa mumashoko akatsetsenurwa naPauro kuvarume vakadzidza vokuAtene akanyorwa pana Mabasa 17:24-27. Ona zvinhu zvina zvinotaurwa naPauro nezvaJehovha.

Chokutanga, Pauro anoti Mwari “akaita nyika nezvinhu zvose zviri mairi.” (Ndima 24) Zvinhu zvakanaka uye zvakasiyana-siyana zvinoita kuti upenyu hunakidze, zvinopupurira kuti Musiki wedu anofunga uye ane rudo. (VaRoma 1:20) Zvingasava nomusoro kufunga kuti Mwari akadaro angasarudza kuva kure zvikuru nezvinhu zvaanoda.

Chechipiri, Jehovha “anopa vanhu vose upenyu nemhepo yokufema nezvinhu zvose.” (Ndima 25) Jehovha ndiye Anopa upenyu. (Pisarema 36:9) Mhepo, mvura, uye zvokudya zvinokosha zvikuru kuupenyu, zvose zvipo zvinobva kuMusiki wedu. (Jakobho 1:17) Zvine musoro here kudavira kuti Mwari wedu anopa kudaro aizozviparadzanisa nesu obva aita kuti tisamuziva kuti ndiani uye tisaswedera pedyo naye?

Chechitatu, Mwari “aka-ita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe chete.” (Ndima 26) Jehovha haasaruri chero munhu worudzi rupi zvake. (Mabasa 10:34) Hazvingaiti kuti asarure. Akasika “munhu mumwe chete,” Adhamu, uye ndiko kwakabva marudzi nemadzinza ose. Mwari “anoda kuti vanhu vemarudzi ose vaponeswe.” (1 Timoti 2:4) Saka tine mukana wokuti tiswedere pedyo naye pasinei noruvara rweganda redu, rudzi, kana kuti dzinza.

Pakupedzisira, Pauro anotaura chokwadi chinosimbisa zvikuru achiti: Jehovha ‘haasi kure nomumwe nomumwe wedu.’ (Ndima 27) Kunyange zvazvo achikudzwa zvikuru, Jehovha agara achiita kuti vaya vanoda kuva pedyo naye zvepachokwadi vakwanise kudaro. Shoko rake rinotivimbisa kuti haasi kure asi kuti “ari pedyo navose vaya vanodana kwaari.”—Pisarema 145:18.

Zviri pachena kubva mumashoko aPauro kuti Mwari anoda kuti tive pedyo naye. Zvisinei, Pauro anotsanangura kuti Mwari anoita izvi chete kune vaya vanoda ‘kumutsvaka’ uye ‘kumutsvangadzira.’ (Ndima 27) Rimwe bhuku rinobatsira vanoshandura Bhaibheri rinoti “mashoko echiito aya zvinonzi anoita seanoreva mukana unokwanisa kuwanwa . . . kana kuti chishuvo chaunokwanisa kuwana.” Somuenzaniso: Muimba ine rima asi yaunoziva, ungatsvangadzira uchitsvaka pane bhatani rokubatidza chiedza kana pane musuo, asi unoziva kuti ukaramba uchitsvaka unongozobudirira. Saka isuwo tikatsvaka Mwari nomwoyo wose uye tikamutsvangadzira, tinogona kuva nechokwadi chokuti tichakomborerwa pane zvose zvatinoita. Pauro anotivimbisa kuti ‘chokwadi tichamuwana.’—Ndima 27.

Unoshuva kuva pedyo naMwari here? Kana ukatanga ‘kutsvaka Mwari’ uye ‘kumutsvangadzira,’ hauzoodzwi mwoyo. Hazvina kuoma kuwana Jehovha nokuti ‘haasi kure nomumwe nomumwe wedu.’

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe