Zvirongwa Zvako Zvinopindirana Nechinangwa chaMwari Here?
KAMWE kashiri kanonzi Clark’s nutcracker, kashiri kanoimba kane mavara mabvumbu nemachena kanogona kuonwa kachingobhururuka-bhururuka mumasango okumadokero kweNorth America. Kanounganidza nokuchengeta muvhu mhodzi dzakawanda dzingasvika kuma33 000 gore rimwe nerimwe, kachidzichengetera munzvimbo dzakasiyana-siyana dzinenge 2 500 kachigadzirira mwedzi yechando inotonhora zvikuru. Chokwadi, kashiri aka ‘kakasikwa kaine uchenjeri’ munzira yakanogadzirira remangwana rako.—Zvirevo 30:24.
Vanhu vanotova nouchenjeri hunoshamisa zvikuru. Pazvisikwa zvose zvaJehovha zvepanyika, vanhu ndivo vanokwanisa kudzidza kubva mune zvakaitika kare muupenyu hwavo uye kubvumira zvavanenge vakadzidza kuti zvivabatsire kuronga remangwana ravo. “Zvirongwa zviri mumwoyo momunhu zvizhinji,” akanyora kudaro Mambo akachenjera Soromoni.—Zvirevo 19:21.
Kunyange zvakadaro, vanhu havana zvavangaita asi kuti vanoronga zvinhu zvavo vachiita zvokufungidzira zvingangove zvakaita remangwana ravo. Somuenzaniso, unoronga zvauchaita mangwana uchitarisira kuti zuva richabuda uye kuti uchange uri mupenyu. Zvokuti zuva richabuda ndezvechokwadi; asi zvokuti uchange uri mupenyu here hazvina chokwadi. Kutaura zvazviri, munyori weBhaibheri Jakobho akati: ‘Hamungazivi zvichange zvakaita upenyu hwenyu mangwana.’—Jakobho 4:13, 14.
Asi Jehovha Mwari haaiti zvokufungidzira. Anoziva “zvokuguma kubvira pakutanga.” Chinangwa chake chaakazivisa chichazadzika, chero zvodini. Anozivisa kuti: “Zvandakaronga zvichamira, uye ndichaita zvinhu zvose zvandinofarira.” (Isaya 46:10) Zvisinei, chii chinoitika kana zvirongwa zvevanhu zvikapesana nechinangwa chaMwari?
Zvirongwa Zvevanhu Pazvinopesana Nechinangwa chaMwari
Makore anenge 4 000 apfuura, vavaki voRusvingo rweBhabheri vakaronga kuti vanhu vagare panzvimbo imwe chete vasingaparariri panyika. Vakati: “Uyai! Ngatizvivakire guta uyewo shongwe ine musoro unosvika kumatenga, uye ngatizviitirei zita rakakurumbira, kuti tirege kupararira panyika pose.”—Genesisi 11:4.
Zvisinei, chinangwa chaMwari chaiva chokuti vanhu vapararire panyika. Akanga arayira Noa nevanakomana vake kuti: “Berekai muwande, muzadze nyika.” (Genesisi 9:1) Mwari akaita sei nezvirongwa zvevanhu veBhabheri vakanga vapanduka? Akavhiringidza mutauro wavo zvokuti vakatadza kukurukurirana. Zvakaguma nei? “Naizvozvo Jehovha akavaparadzira panyika pose vachibva ipapo.” (Genesisi 11:5-8) Vavaki veBhabheri vakamanikidzwa kudzidza chidzidzo chinokosha. Zvirongwa zvevanhu nechinangwa chaMwari pazvinopesana, “zano raJehovha ndiro richamira.” (Zvirevo 19:21) Unobvuma kushandisa zvidzidzo izvozvo zvakaitika kare muupenyu hwako here?
Upenzi Hwomurume Mupfumi
Ungasaronga kuvaka rusvingo, asi vakawanda vari kuronga kuva neakaundi yokubhangi ine mazakwatira emari uye kuunganidza pfuma kuitira kuti vazova noupenyu hwomutambarakede pavanenge vava pamudyandigere. Zvingori mumunhu wose kuti ade kudya zvibereko zveziya rake. Soromoni akanyora kuti: ‘Munhu wose ngaadye, ngaanwe, uye ngaafadzwe nezvinhu zvakanaka pabasa rake rose rakaoma. Icho chipo chaMwari.’—Muparidzi 3:13.
Jehovha anoti tinozvidavirira pamashandisiro atinoita chipo ichi. Anoda kusvika makore 2 000 apfuura, Jesu akasimbisa pfungwa iyi kuvadzidzi vake achishandisa muenzaniso. Akati: “Munda womumwe mupfumi wakabereka zvakanaka. Naizvozvo akatanga kufunga mumwoyo make, achiti, ‘Zvino ndichaitei, zvandisina pokuunganidzira zvirimwa zvangu?’ Nokudaro akati, ‘Ndichadai: Ndichaputsa matura angu ndovaka makuru, uye ndichaunganidzira imomo zviyo zvangu zvose nezvinhu zvangu zvose zvakanaka; uye ndichati kumweya wangu: “Mweya, une zvinhu zvakanaka zvizhinji zvakachengeterwa makore mazhinji; zorora zvako, udye, unwe, ufare.”’” (Ruka 12:16-19) Handizvo here kuti zvirongwa zvomupfumi uyu zvaiita sezvine musoro? Sekashiri kaya kambotaurwa kanonzi Clark’s nutcracker, murume womumufananidzo uyu aiita sokuti ari kugadzirira remangwana rake.
Zvisinei, pane chakanga chisina kunaka pamafungiro omurume uyu. Jesu akapfuurira kuti: “Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, usiku huno vachati vanoda mweya wako. Saka, zvinhu zvawakachengeta zvichava zvaani?’” (Ruka 12:20) Jesu akanga achipikisa here zvakanga zvataurwa naSoromoni zvokuti basa uye zvibereko zvaro zvakanaka zvipo zvinobva kuna Mwari? Kwete. Jesu airevei? Akati: “Ndizvo zvazvinoita nomunhu anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.”—Ruka 12:21.
Jesu aidzidzisa vateereri vake kuti Jehovha anoda kuti tifunge nezvaMwari uye zvinangwa zvake patinoita zvirongwa zvedu. Mupfumi uyu angadai akapfuma kuna Mwari nokutsvaka nzira dzokuzvipira kwaari uye kuwedzera uchenjeri norudo. Mashoko omurume uyu anoratidza kuti akanga asina hanya nezvinhu zvakadaro, kana kusiyira varombo zvokuunganidza kana kupa chipo chinopiwa kuna Jehovha. Mabasa aisaratidza udyire akadaro aiva nechokuita nokunamata, akanga asiri muzvirongwa zvoupenyu hwomupfumi uyu. Zvirongwa zvake zvaingova zvokuti azvigutse uye aite zvakamunakira.
Wakambozvicherechedza here kuti vanhu vakawanda nhasi vane zvinhu zvavanokoshesa muupenyu hwavo zvakafanana nezvomupfumi womumuenzaniso waJesu? Kunyange tingave shoroma kana kuti varombo, zviri nyore zvikuru kuti tinyanye kudisa zvinhu, tichiita kuti zvinodiwa muupenyu hwezuva rimwe nerimwe zvivhiringidze kunamata. Ungaitei kuti usabatwe nomusungo wakadaro?
Kuronga Upenyu “Hwakanaka”
Kusiyana nomupfumi womumuenzaniso waJesu, ungave uchitamburira kuwana mari. Kunyange zvakadaro, kana wakaroora, hapana mubvunzo kuti uri kuronga kuriritira mhuri yako uye kana zvichiita kuti vana vako vawane dzidzo yakakwana. Kana usina wawakaroorana naye, zvimwe uri kuronga kutsvaka basa kana kuti kuchengetedza raunaro kuti usaremedze vamwe. Izvi zvirongwa zvine musoro.—2 VaTesaronika 3:10-12; 1 Timoti 5:8.
Kunyange zvakadaro, kurarama upenyu hunonzi ndihwo hunofanira kungoraramwa nevanhu vose, hwokushanda, kudya, kunwa, hungaita kuti munhu apesane nezvinodiwa naMwari. Izvi zvingaitika sei? Jesu akati: “Sezvakanga zvakaita mazuva aNoa, ndizvo zvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu. Nokuti sezvavakanga vakaita mumazuva iwayo mafashamo asati auya, vakanga vachidya vachinwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka; uye havana kucherechedza kusvikira mafashamo auya akavakukura vose, ndizvo zvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu.”—Mateu 24:37-39.
Mafashamo asati aitika, vanhu vaingorarama upenyu hwavaiona soupenyu hunongofanira kuraramwa nomunhu wose. Zvisinei, dambudziko ravo raiva rokuti “havana kucherechedza” chinangwa chaMwari chokutsvaira nyika iyoyo yakaipa achishandisa mafashamo akaitika munyika yose. Hapana mubvunzo kuti mararamiro aNoa aionekwa seasina kujairika. Asi Mafashamo paakauya, zvakaratidza kuti mararamiro aNoa nemhuri yake aiva okuchenjera.
Nhasi, uchapupu hwose huripo hunoratidza kuti tiri kurarama munguva yomugumo. (Mateu 23:3-12; 2 Timoti 3:1-5) Nenguva isipi, Umambo hwaMwari “huchapwanya, hwogumisa” mamiriro ezvinhu aripo. (Dhanieri 2:44) Umambo ihwohwo hwava kutonga, pasi richachinjwa kuva paradhiso. Umambo hwacho huchabvisa zvirwere norufu. (Isaya 33:24; Zvakazarurwa 21:3-5) Zvisikwa zvose zviri pasi zvichararama zvichinzwanana uye zvisingafi nenzara.—Pisarema 72:16; Isaya 11:6-9.
Zvisinei, asati aita chiito Jehovha ane chinangwa chokuti mashoko akanaka oUmambo ‘aparidzwe munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose.’ (Mateu 24:14) Maererano nechinangwa chaMwari, Zvapupu zvaJehovha zvinenge mamiriyoni manomwe zviri kuparidza mashoko akanaka aya munyika 236 uye mumitauro inopfuura mazana mana.
Kunyika, mararamiro eZvapupu zvaJehovha angaita seasingajairiki kunyange okutoshaya pfungwa. (2 Petro 3:3, 4) Kungofanana nevaya vakararama Mafashamo asati aitika, vanhu vakawanda nhasi vakabatikana zvikuru nezvirongwa zvoupenyu hwezuva nezuva. Vangaona munhu upi noupi anoramba kurarama upenyu hunonzi ndihwo hunofanira kuraramwa nomunhu wose seasina pfungwa dzakati kwesere. Asi vaya vanotenda zvipikirwa zvaMwari vanoona upenyu hwokushumira Mwari soupenyu hunoratidza pfungwa dzine musoro.
Saka, pasinei nokuti uri shoroma kana kuti uri murombo kana kuti une upenyu hwepakati nepakati, kuchenjera nguva nenguva kuongorora zvawakarongera remangwana rako. Paunenge uchidaro, zvibvunze kuti, ‘Zvirongwa zvangu zvinowirirana nechinangwa chaMwari here?’
[Mufananidzo uri papeji 11]
Zvirongwa zvevanhu pazvinopesana nechinangwa chaMwari, zano raJehovha ndiro richamira
[Mufananidzo uri papeji 12]
Paaiita zvirongwa zvake, mupfumi womumuenzaniso waJesu akatadza kukoshesa chinangwa chaMwari