Mwari Akandiratidza Ngoni
Yakataurwa Nabolfenk Moc̆nik
“Wotosunga dzisimbe.” Amai vakakurumidza kundisimbisa nemashoko aya pavaindimbundira. Masoja akatiparadzanisa uye ndakanotongwa. Pakupedzisira ndakapiwa mutongo: makore mashanu ndiri mujeri. Zvichida vanhu vakawanda vangave vakavhiringidzwa nazvo. Kutaura chokwadi, kunyange zvazvo zvakadaro, ndakanzwa ndiine pfungwa dzakagadzikana. Regai nditsanangure.
ZVATAURWA pamusoro apa zvakaitika muna 1952 muSlovenia.a Asi chaizvoizvo nyaya yangu inotanga makore makumi maviri akanga apfuura, muna 1930. Ndiyo nguva iyo Vadzidzi veBhaibheri, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha, vakaronga kokutanga kuti vanhu vabhabhatidzwe seboka munyika yedu. Vabereki vangu Berta naFranz Moc̆nik, vakabhabhatidzwawo ipapo. Ndaingova nemakore matanhatu, uye hanzvadzi yangu, Majda aiva nemakore mana. Musha wedu waiva muguta reMaribor waishandiswa pakuita zvinhu zvechiKristu.
Adolf Hitler akatanga kutonga muGermany muna 1933 ndokutanga kutambudza Zvapupu. Zvapupu zvakawanda zvokuGermany zvakatamira kuYugoslavia kuti zvibatsire mubasa rokuparidza. Vabereki vangu vaida chaizvo kugamuchira vaenzi vakadaro vakavimbika. Mumwe muenzi wandichiri kunyatsoyeuka ainzi Martin Poetzinger, uyo akazopedza makore mapfumbamwe ari mumisasa yevasungwa. Gare gare, kubvira muna 1977 kusvikira parufu rwake muna 1988, akazoshanda senhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha.
Paaitishanyira, Martin airara pamubhedha wangu nguva dzose, ini nehanzvadzi yangu taibva tanorara muimba yairara vabereki vedu. Aiva neenisaikoropidhiya duku yaikwana muhomwe yaiva nemifananidzo yakanaka yandaifarira kuona. Ndaifarira chaizvo kuvhura mapeji ose aiva mubhuku iri.
Nguva Yokuedzwa Zvakakomba
Muna 1936, Hitler zvaakawedzera kuva nesimba, vabereki vangu vakapinda gungano reruwa remarudzi ose risingakanganwiki muLucerne, kuSwitzerland. Sezvo Baba vaiva neizwi rakanaka, panguva iyoyo vakasarudzwa kuti varekodhe mharidzo dzeBhaibheri dzaizoshandiswa kuna vanasaimba vaiva muSlovenia. Nguva pfupi gungano iroro risingakanganwiki raitwa, Zvapupu zvokuEurope zvakatanga kutambudzwa zvakaipisisa. Vakawanda vakatambura uye vakafa mumisasa yevaNazi.
Muna September 1939, Hondo yeNyika II yakatanga, uye pakazosvika April 1941, mauto eGermany akapinda mune dzimwe nzvimbo dzeYugoslavia. Zvikoro zvokuSlovenia zvakavharwa. Takarambidzwa kutaura mutauro wedu paruzhinji. Nokuti Zvapupu zvaJehovha hazvitsigiri zvematongerwo enyika, zvakaramba kuenda kuhondo.b Saka vakawanda vakasungwa uye vamwe vakaurayiwa kusanganisira rimwe jaya randainyatsoziva rainzi Franc Drozg. Masoja eNazi akavauraya mamita anenge zana kubva pamba pedu. Ndichiri kuona Amai vachivhara nzeve dzavo nejira vachiedza kuti vasanzwa kurira kwepfuti. Mashoko okupedzisira ari mutsamba yokuoneka yakanyorwa naFranc kushamwari yake yepamwoyo aiti, “Ndichakuona muUmambo hwaMwari.”
Basa Randinodemba Kuti Dai Ndisina Kuriita
Ndaiva nemakore 19 panguva iyoyo. Kunyange zvazvo ndaiyemura Franc kuti akatsigira zvakasimba zvaaitenda, ndaitya. Ndaizofawo here? Ndaiva ndisina kutenda kwakasimba, uye ndakanga ndisina ukama hwakasimba naJehovha Mwari. Ndipo pandakabva ndadanwa kuhondo. Ndakakundwa nokutya ndokubvuma kuenda kuhondo.
Ndakaendeswa kuuto rairwisana neRussia. Nenguva isipi, ndakaona mamwe masoja achifa. Hondo yacho yaityisa uye yaiva youtsinye. Hana yangu yakaramba ichingondinetsa. Ndakakumbira Jehovha kuti andikanganwire uye andipe simba rokuti ndifambe munzira dzakarurama. Patakavhiringidzwa nerimwe uto rairwisa zvikuru, ndakawana mukana wokutiza.
Ndaiziva kuti dai ndaizobatwa, ndaizourayiwa. Mumwedzi minomwe yakatevera, ndaihwanda munzvimbo dzakasiyana-siyana. Ndakatokwanisa kutumira Majda kadhi raiva nemashoko okuti: “Handichashandiri munhu uya wandaishandira, ndava kushandira mumwe.” Ndaireva kuti ndakanga ndava kuda kushandira Mwari panguva iyi, asi zvakanditorera nguva ndisati ndanyatsozviita.
Muna August 1945, mwedzi mitatu pashure pokunge Germany yabvuma kuti yakundwa nenyika dzairwisa, ndakakwanisa kudzokera kuMaribor. Zvaitoshamisa ndezvokuti, tose zvedu kusanganisira baba vangu, amai, nehanzvadzi yangu takanga tapona muhondo iyoyo yakaipisisa. Zvisinei, panguva iyoyo vaKomonisiti ndivo vaitonga, uye vaitambudza Zvapupu zvaJehovha. Basa rokuparidza rakarambidzwa zvaiva pamutemo, asi Zvapupu zvakaramba zvichiparidza pachivande.
Muna February 1947, Zvapupu zvitatu zvakatendeka zvaiti, Rudolf Kalle, Dus̆an Mikić, naEdmund Stropnik zvakatongerwa rufu. Zvisinei, mitongo iyoyo yakazochinjwa vakatongerwa kugara mujeri kwemakore 20. Vabudisi venhau vakataura nezvazvo chaizvo, uye vanhu vakawanda vakabva vaziva kuti Zvapupu zvakanga zvisiri kururamisirwa. Pandaiverenga nyaya idzodzo dzomupepa, ndaizvidemba zvikuru. Ndaiziva zvandaifanira kuita.
Ndakawana Simba Rokuti Ndinamate
Zvaindirwadza mwoyo kuziva kuti ndaifanira kutsigira chokwadi cheBhaibheri, saka ndakawedzera zvandaiita kuti ndishandiswe mubasa rokuparidza raiitwa pachivande. Nokuti ndaiverenga Bhaibheri nokushingaira uye ndiine chinangwa, mudzimu mutsvene waMwari wakandibatsira kuti ndisiye tsika dzisina kuchena, dzakadai sokusvuta fodya.
Muna 1951, ndakabhabhatidzwa ndichiratidza kuti ndakanga ndazvitsaurira kuna Mwari, uye ndakatangazve upenyu hwandakanga ndambosiya kwemakore aida kusvika gumi akanga apfuura. Apa ndakatanga kuona kuti Jehovha ndiBaba vechokwadi, vakatendeka, vakavimbika, uye vane rudo rusingaperi. Kunyange zvazvo ndakanga ndisingasarudzi nokuchenjera pandaiva jaya, ndakabayiwa mwoyo nevimbiso iri muBhaibheri yokukanganwira. Sezvinoita Baba vane rudo, Mwari airamba achindikweva “netambo dzorudo.”—Hosiya 11:4.
Panguva iyoyo yainge yakaoma, taiita misangano yechiKristu pachivande mumisha yakasiyana-siyana yeZvapupu, uye tairamba tichiita basa rokuparidza zvisina kunanga. Pasati papera gore ndabhabhatidzwa, ndakasungwa. Amai vakangondiona kwenguva pfupi ndisati ndatongwa. Sezvataurwa pakutanga, vakandimbundira ndokundikurudzira vachiti: “Wotosunga dzisimbe.” Pandakatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu, ndakaramba ndakadzikama uye ndakatsunga.
Ndakapfigirwa muchitokisi chidukuduku nevamwe vasungwa vatatu, saka ndakakwanisa kuudza vanhu ava chokwadi chomuBhaibheri, zvichida vangadai vasina kuzomboparidzirwa. Kunyange zvazvo ndakanga ndisina Bhaibheri kana kuti mabhuku eBhaibheri, ndakashamisika kuti nezivo yangu shoma ndaikwanisa kuyeuka magwaro uye kuziva zvaaireva kubva pakudzidza Bhaibheri kwandaiita ndoga. Ndaigara ndichiudza vamwe vangu vaiva mujeri kuti dai ndaizonzi ndigare mujeri kwemakore mashanu, Jehovha aizondipa simba rokuti ndidaro. Zvisinei, anogona kukurumidza kundivhurira musuo. Kudai aizodaro, ndiani angauvhara?
Kushumira Panguva Yokumboti Sunungukei
Muna November 1953, hurumende yakazivisa zvaiva pamutemo kuti vamwe vaiva mujeri vasunungurwe; Zvapupu zvaJehovha zvose zvaiva mujeri zvakasunungurwa. Ndakaziva kuti basa redu rokuparidza rakanga rava nemwedzi miviri rava kubvumirwa. Nenguva isipi, takatanga kuronga ungano nebasa rokuparidza. Takawana nzvimbo yokuitira misangano muimba yepasi pane chimwe chivako chaiva pakati peMaribor. Takaisa chikwangwani pamadziro chaiti: “Zvapupu zvaJehovha, Ungano yeMaribor.” Mufaro wataiva nawo wokushumira Jehovha takasununguka wakaita kuti tionge zvikuru.
Kumavambo kwa1961, ndakatanga kushanda somushumiri wenguva yakazara ndiri piyona. Mwedzi inenge mitanhatu gare gare, ndakakokwa kuti ndishande pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muYugoslavia. Raiva muZagreb, kuCroatia. Panguva iyoyo bazi raiva neimba imwe chete duku nevashandi vechirume vatatu. Vamwe vaKristu vaigara pedyo vaiuya kwakachena kuti vabatsire pakubudiswa kweNharireyomurindi nemagazini mumitauro yemo.
Vakadzi vechiKristu vaigara pedyo vakabatsirawo paiitwa basa. Pazvimwe zvinhu zvavaiita, vaisona vachibatanidza mapeji emagazini pamwe chete. Ndaiita mabasa akasiyana-siyana, kusanganisira kuverenga magazini ndichinatsiridza mutauro, kushandura, kuatakura, uye kuchengeta zvinhu zvakasiyana-siyana zvainyorwa.
Basa Rinochinja
Muna 1964, ndakanzi ndishande ndiri mutariri anofambira, uye izvi zvaisanganisira kugara ndichishanyira ungano dzeZvapupu ndichizvisimbisa mune zvokunamata. Ndaikoshesa zvikuru basa iri. Nguva yakawanda ndaishanyira ungano imwe neimwe nebhazi kana nechitima. Kuti ndisvike kumisha miduku yeZvapupu, ndaiwanzofamba nebhasikoro kana netsoka, kazhinji mumadhaka aisvika muzviziso zvemakumbo.
Taimbovawo nenguva yokufara. Pane imwe nguva, imwe hama yechiKristu yakandiendesa kune imwe ungano nengoro yaidhonzwa nebhiza. Sezvataifamba nengoro yaingoti guju-guju mumugwagwa wakanga usina tara, rimwe vhiri rengoro rakabva. Tose takaguma taruma pasi. Patakanga takagara muhuruva takatarisa bhiza racho, rakatitarisawo richiita sokuti rakanga richishamisika zvikuru. Tinomboseka patinofunga nezvazvo kunyange zvazvo papfuura makore akawanda. Rudo irworwo rusina unyengeri rweshamwari dzedu dzaigara kumusha rwaiita kuti ndifare zvokuti ndichagara ndichirukoshesa.
Muguta reNovi Sad, ndakazivana naMarika, aiva piyona. Kuda kwaaita chokwadi nokushingaira kwaaiita muushumiri kwakandifadza chaizvo zvokuti ndakada kumuroora. Papera nguva yakati taroorana, takatanga kushumira pamwe chete mubasa rokufambira ungano.
Mhuri yedu yakanga yatsungirira zvinhu zvakaoma munguva yokurambidzwa. Baba vangu vakapomerwa zvenhema kuti vaidyidzana nomuvengi munguva yehondo ndokubva vabudiswa basa. Vakaedza kwenguva refu kuti vadzorerwe pabasa uye vakaguma vaora mwoyo. Kutenda kwavo kwakambodzikira, asi kwakazosimbazve vasati vafa. Vaishingaira muungano yavo pavakazofa muna 1984. Amai vangu vakatendeka, vaizvininipisa, vakanga vafa muna 1965. Majda achiri kushumira neungano iri muMaribor.
Ushumiri Hwedu muAustria
Muna 1972, ini naMarika takatambira tsamba yaitikumbira kuti tiende kuAustria kunoparidza kuvashandi vaibva kuYugoslavia. Patakasvika muguta guru racho rinonzi Vienna, hatina kumbofunga kuti taizoshanda zvechigarire munyika iyi. Zvishoma nezvishoma, ungano itsva nemapoka anotaura mitauro inotaurwa muYugoslavia zvakatangwa muAustria yose.
Nokufamba kwenguva, ndakatanga kushumira somutariri anofambira, ndichishanyira ungano dzakanga dzichiwanda nemapoka aiva munyika yacho yose. Gare gare takakokwa kuti tishanyire Germany neSwitzerland zvekare, kwakanga kwaumbwa dzimwe ungano. Ndakakwanisa kubatsira pakuronga magungano akawanda edunhu neeruwa munyika idzi.
Nguva nenguva, pamagungano makuru akadaro taishanyirwa nenhengo dzeDare Rinodzora, uye ndakakwanisa kuonanazve naMartin Poetzinger. Takayeuchidzana zvimwe zviitiko zvakanga zvamboitika makore 40 paaigara achitishanyira kumba kwedu. Ndakamubvunza kuti, “Munoyeuka here kuda kwandaiita kuvhura mapeji ose eenisaikoropidhiya yenyu duku?”
“Chimbomira,” akapindura achidaro sezvaakabuda muimba yataive. Akadzoka nebhuku racho ndokunditambidza. Akati, “Ritore sechipo chabva kushamwari.” Bhuku iri richiri kukosha muraibhurari yangu.
Zvinetso Zvoutano—Asi Ndichiri Kuita Basa
Muna 1983, zvakaonekwa kuti ndaiva nekenza. Isiri nguva refu pashure pacho, ndakaudzwa kuti ndaizofa. Nguva iyi yaishungurudza pfungwa, kunyanya kuna Marika, asi nokunditarisira norudo uye nokutsigira kwehama dzakawanda dzechiKristu, ndichiri kurarama upenyu hunogutsa.
Ini naMarika tichiri muushumiri hwenguva yakazara muVienna. Nguva yakawanda, ndinobva kumba ndichienda kunoshanda kubazi mangwanani kunoita basa rokushandura, uye Marika anoramba achipedzera nguva yake mubasa rokuparidza muguta racho. Ndinonzwa manyukunyuku omufaro kuona kukura kwakaita boka duku revanhu vokuYugoslavia vakanga vatamira kuAustria richiva neZvapupu zvinopfuura 1 300. Ini naMarika takava neropafadzo yokubatsira vakawanda vavo kudzidza chokwadi chomuBhaibheri.
Mumakore achangopfuura, ndakava neropafadzo yokubatanidzwawo mupurogiramu dzokutsaurirwa kwehofisi dzemapazi munyika dzaichimbova dzeYugoslavia—imwe kuCroatia muna 1999 uye imwe kuSlovenia muna 2006. Ndaiva mumwe wevanhu vekare vakakumbirwa kuti varondedzere matangiro akaita basa rokuparidza munyika idzi makore 70 akanga apfuura.
Chokwadi Jehovha ndiBaba vane rudo vakagadzirira kukanganwira zvikuru zvikanganiso zvedu. Ndinoonga zvikuru kuti haatarisi zvinhu zvatinokanganisa! (Pisarema 130:3) Chokwadi ave achindinzwira ngoni nokundiitira mutsa.
[Mashoko Omuzasi]
a Nyika nhanhatu, kusanganisira Slovenia, ndidzo dzaiumba Yugoslavia.
b Kana uchida kuziva zvikonzero zviri muMagwaro nei Zvapupu zvaJehovha zvichiramba kuenda kuhondo, ona nyaya inoti “Vaverengi Vanobvunza Kuti” iri papeji 22 mumagazini ino.
[Mufananidzo uri papeji 27]
Kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: Vabereki vangu, Berta uye Franz Moc̆nik, Majda, uye ini, tiri muMaribor, Slovenia, kuma1940
[Mufananidzo uri papeji 29]
Nomudzimai wangu, Marika