RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 7/1 pp. 18-20
  • Batsira Mwana Wako Kuti Atsungirire Kusuruvara

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Batsira Mwana Wako Kuti Atsungirire Kusuruvara
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutsanangura Kwaungaita Rufu
  • Bhuku Rakavimbika Rinogona Kukutungamirira
  • Mibvunzo Yako Inopindurwa
  • Modzivirira Sei Vana Venyu?
    Mukai!—2008
  • Vabereki​—⁠Batsirai Mwana Wenyu Kuti Asimbise Kutenda Kwake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Kirechi—Kusarudza Yakanakisisa Nokuda Kwomwana Wako!
    Mukai!—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 7/1 pp. 18-20

Batsira Mwana Wako Kuti Atsungirire Kusuruvara

MUNE chimwe chitoro chemabhuku chinotengwa chaizvo, vamwe amai vaive vakavhiringidzika vakashevedzera kune mutengesi vachiti: “Mune chitoro chakazara mabhuku asi hamuna mabhuku okuti ndibatsire mwana wangu!” Amai ava vaitsvaka bhuku raitaura nezvokubatsira mwanakomana wavo kutsungirira rufu rwehama yavo yepedyo rwakangoerekana rwaitika.

Zvaiva zvakakodzera kuti amai ava vanetseke seizvi. Zvinoshungurudza pfungwa dzomwana kuziva kuti munhu waanoda afa! Vana vanoita zvakanaka kana vachitarisirwa zvakanaka nemhuri yavo, asi rufu runogona kutora munhu anenge achiwirirana zvikuru nemwana. Somubereki, ungabatsira sei mwana wako kana zvichiratidza kuti munhu wacho ava pedyo nokufa kana kuti akatofa?

Zvechokwadi, kana wafirwa nomunhu waunoda, zvingakuomera kutsungirira kushungurudzika; ungazvidya mwoyo uye ungave uchifunga nezvokurwadziwa kwako. Zvisinei, haufaniri kukanganwa kuti mwana wako anoda kutsigirwa newe. Rimwe bhuku rakabudiswa nechipatara chokuMinnesota kuU.S.A. chinotarisira vanenge vava pedyo nokufa, rakati: “Vana vane zvimwe zvinhu zvavanonzwa zvichitaurwa nevanhu uye kazhinji kacho havanyatsozvinzwisisi kana kuti vangatofungidzira zvisiri izvo.” Rinoenderera mberi richiti: “Vana vanoda kuudzwa chokwadi.” Saka kungava kuchenjera kutsanangurira vana venyu chokwadi, zvichienderana nezera ravo. Izvi zvakaoma sezvo vana vaine mano akasiyana zvikuru okunzwisisa zvinhu zvinenge zvichiitika.—1 VaKorinde 13:11.

Kutsanangura Kwaungaita Rufu

Vamwe vatsvakurudzi vanoti pavanenge vachiudza mwana wavo nezvorufu, vabereki havangofaniri kushandisa mashoko akadai seokuti “akarara,” “akarasika,” kana kuti “akaenda.” Kushandisa mashoko akadaro usingaatsananguri zvingavhiringa mwana wako. Ichokwadi kuti Jesu akafananidza rufu nokurara uye zvaive zvakakodzera. Zvisinei, yeuka kuti akanga asiri kutaura nevana. Akazoenderera mberi achitsanangura mufananidzo wacho. Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Razaro shamwari yedu azorora.” Kunyange zvazvo vadzidzi vake vaive vanhu vakuru, “vakafunga kuti [Jesu] akanga achitaura pamusoro pokuzorora akarara.” Saka Jesu akavajekesera achiti: “Razaro afa.” (Johani 11:11-14) Kana vanhu vakuru vachida kutsanangurirwa zvakajeka, ko kuzoti vana vedu!

Vamwe vanyori vaviri Mary Ann Emswiler naJames P. Emswiler vanoti: “Mubereki angaedza kushandisa mashoko asingavhundutsi paanenge achitsanangurira mwana wake zvorufu, asi paanenge achidaro, angaita kuti mwana wake azive zvinhu zvaainge asingazivi uye zvingave zvichityisa kana kuti kumukuvadza.” Somuenzaniso, kungoudza mwana wako kuti mushakabvu waanoda akangorara chete zvingaita kuti mwana wako atye paanenge ava kuenda kunorara usiku, achifunga kuti haazomuki zvakare. Kana akangoudzwa kuti mushakabvu “akaenda,” mwana wako anganzwa sokuti haadiwi kana kuti akatizwa.

Pavanenge vachitsanangurira mwana wavo zvorufu, vabereki vakawanda vakaona kuti vana vanonzwisisa mashoko akananga, akajeka kupfuura zvavanoita madimikira. (1 VaKorinde 14:9) Vatsvakurudzi vanoti vabereki kurudzirai mwana wenyu kuti akubvunzei mibvunzo uye kutaura zvinenge zvichimunetsa. Kugara muchikurukura naye kungakubatsirai kuti mumujekesere zvimwe zvinhu uye muone dzimwe nzira dzamungamubatsira nadzo.

Bhuku Rakavimbika Rinogona Kukutungamirira

Paunenge uchichema mufi, mwana wako anenge achida kuti umutungamirire, umutsigire uye umupindure mimwe mibvunzo. Saka ndokupi kwaungawana mashoko akavimbika pamusoro porufu? Vanhu vakawanda vakawana kuti Bhaibheri rakavimbika, rinonyaradza uye rinopa tariro. Rinonyatsotaura kuti rufu rwakatanga sei, kuti vakafa vari kupi uye tariro yevakafa. Chokwadi chakajeka chokuti “vakafa havana kana chavanoziva” chinofanira kubatsira mwana wako kuziva kuti mushakabvu waaida haasi kutambura. (Muparidzi 9:5) Uyewo muBhaibheri, Mwari anotipa tariro yokuti tichaonazve vatinoda vakafa mupasi rinenge rava paradhiso.—Johani 5:28, 29.

Kana ukashandisa Magwaro Matsvene, unogona kubatsira mwana wako kuziva kuti Bhaibheri rakavimbika, rinotungamirira uye rinonyaradza mumamiriro ose ezvinhu anoshungurudza. Panguva iyoyo, mwana wako achacherechedza kuti iwe somubereki unovimba neShoko raMwari kuti rikutungamirire panyaya dzinokosha muupenyu.—Zvirevo 22:6; 2 Timoti 3:15.

Mibvunzo Yako Inopindurwa

Kana uchibatsira mwana wako kuti atsungirire kufirwa, pane dzimwe nguva ungazviwana usingazivi kuti woitei. Ungaitei?a Ngatimboona mimwe mibvunzo ingabvunzwa.

• Ndinofanira kuvanzira mwana wangu kuchema kwandinenge ndichiita here? Takasikwa tichida kudzivirira vana vedu. Asi zvakaipa here kuti mwana wako azvione kuti uri kuchema? Vabereki vakawanda vakazviona zvakanaka kuti vabude pachena pavanenge vachichema vachiratidza vana vavo kuti hazvinyadzisi kuchema. Vamwe vakakurukura nevana vavo mienzaniso yomuBhaibheri yevanhu vakachema pachena. Somuenzaniso, Jesu akasvimha misodzi pakafa shamwari yake yaaida Razaro. Jesu haana kuvanza manzwiro ake.—Johani 11:35.

• Mwana wangu muduku anofanira kuenda kumariro kana kuenda kumakuva here kana kuhurukuro yemariro? Kana mwana achizoenda, kuchenjera kufanomutsanangurira zvaanofanira kutarisira, kusanganisira kuti nei hurukuro ichifanira kupiwa. Chokwadi, mune mamwe mamiriro ezvinhu, vabereki vangaona paine zvikonzero zvakanaka zvokuti vana vavo vasavapo pane zvose zvinoitwa pamariro kana kumbovapo kwekanguva. Vana vanoenda kumariro eZvapupu zvaJehovha vanogona kubatsirwa nehurukuro yeBhaibheri inopiwa ipapo. Uyezve, ‘kudanana zvikuru’ uye rudo zvinenge zvichiratidzwa nevanenge varipo zvinogona kubatsira zvikuru uye kunyaradza kunyange vana.—VaRoma 12:10, 15; Johani 13:34, 35.

• Ndinofanira kukurukura nemwana wangu nezvomunhu aidiwa akafa here? Vamwe vatsvakurudzi vanoti kana ukasatombotaura nezvazvo, mwana wako angapedzisira afunga zvisiri izvo kuti pane zvauri kumuvanzira nezvomufi kana kuti uri kuedza kusatombofunga nezvake. Mumwe munyori anonzi Julia Rathkey anoti: “Zvinokosha kuti ubatsire vana vako kuti vararame vachiyeuka mufi wacho uye kuti vasatombotya.” Kutaura wakasununguka nezvomufi kusanganisira unhu uye mararamiro akanaka ake, zvingabatsira kuti usanyanya kusuruvara. Vabereki vari Zvapupu vanonyaradza vana vavo netariro yomuBhaibheri yokumutswa kwevakafa mupasi richange rava paradhiso, panenge pasisina kurwara uye kufa.—Zvakazarurwa 21:4.

• Ndingabatsira sei mwana wangu paanenge achichema? Panguva yokusuruvara, ungaona zvimwe zvinoratidza kuti mwana wako ari kuchema, zvichida angarwara. Mwana wako angatsamwa kana kuti angashushikana mupfungwa nokuti anenge achinzwa asingabatsiri uye akavhiringidzika. Usashamisika kana mwana wako akanetseka nepfungwa dzokuti ndiye akakonzera rufu rwacho, akati nama nama newe, kana kuti akanetseka paunonoka kusvika kumba kana kuti paunorwara. Ungabatsira sei mwana wako paanenge akavhiringidzika? Mwana wako haatombofaniri kufunga kuti hausi kuona kusuruvara kwake. Saka ratidza kuti uri kumunzwisisa uye cherechedza kuti ari kurwadziwa kusvika papi uye kwenguva yakareba sei. Usarerutsa kana kufunga zvisiri izvo pakuvhiringidzika kunenge kwaita mwana wako norufu rwacho. Ramba uchimuvimbisa kuti uripo, uye ita kuti akubvunze uye kurukurai makasununguka. Unogona kusimbisa tariro yomwana wako neyakowo ‘uchishandisa Magwaro.’—VaRoma 15:4.

• Ndinofanira kuita kuti purogiramu yemhuri nezvimwe zvinhu zvidzoke pazvaive nokukurumidza zvakadii? Nyanzvi dzinoti rambai muine purogiramu dzakawanda kana muchikwanisa. Zvinonzi kuramba muchitevedzera purogiramu yakanaka kunobatsira kuderedza kusuruvara. PaZvapupu zvaJehovha, vabereki vakawanda vakawana kuti kuramba vaine purogiramu yakanaka yokunamata, inosanganisira kudzidza Bhaibheri semhuri nguva dzose uye kupinda misangano yechiKristu, kunogona kutsigisa uye kusimbisa mhuri.—Dheuteronomio 6:4-9; VaHebheru 10:24, 25.

Kutozosvikira Jehovha Mwari agumisa zvirwere norufu, nguva nenguva vana vacharamba vachiona zvakaipira rufu. (Isaya 25:8) Zvisinei, kana vakavimbiswa uye vakatsigirwa zvakakodzera, vana vanogona kubatsirwa kutsungirira vachibudirira kana pafa munhu wavanoda.

[Mashoko Omuzasi]

a Mashoko ari kutaurwa munyaya ino haafaniri kushandiswa semitemo. Zvinofanira kunzwisiswa kuti tsika nemamiriro ezvinhu zvinosiyana zvikuru munyika nenyika uye norudzi.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]

Kurudzirai mwana wenyu kuti akubvunzei mibvunzo uye kutaura zvinenge zvichimunetsa

[Mufananidzo uri papeji 20]

Rambai muine purogiramu dzinosanganisira kudzidza Bhaibheri semhuri

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe