RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 7/1 p. 30
  • Zvakaipa Here Kushandisa Zita raMwari?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakaipa Here Kushandisa Zita raMwari?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Zita raMwari—Kushandiswa Kwaro uye Zvarinoreva
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Jehovha
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Zita raMwari
    Mukai!—2017
  • Zvakaipa Here Kutaura Zita raMwari?
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 7/1 p. 30

Zvakaipa Here Kushandisa Zita raMwari?

MUMAGWARO echiHebheru, anowanzonzi “Testamende Yekare,” zita raMwari rinowanika kanoda kusvika ka7 000, rakaita seizvi יהוה (raiverengwa kubva kurudyi kuenda kuruboshwe). Nemamwe mashoko, zita raMwari rinoumbwa nemavara mana echiHebheru Yohdh, He, Waw, uye He, rinowanzoshandurwa seizvi YHWH.

Kare kare, vaJudha vaidavira mashura vachiti zvakanga zvakaipa kushandisa zita raMwari. Saka, vairamba kuritaura sezvariri, uye mune zvavainyora vakatanga kuritsiva nemamwe mazita. Zvisinei, vashanduri vakawanda veBhaibheri vakashandisa zita rokuti “Yahweh” kana kuti “Jehovha.” Imwe yeshanduro dzakadaro iJerusalem Bible yechechi yeRoma. Maererano neshanduro iyi, Mosesi paakabvunza Mwari kuti aizotii vaIsraeri pavaizomubvunza akanga amutuma kwavari, Mwari akapindura kuti: “Uti kuvanakomana vaIsraeri, ‘Yahweh, Mwari wemadzibaba enyu, Mwari waAbrahamu, Mwari waIsaka naMwari waJakobho, andituma kwamuri.’ Iri ndiro zita rangu nokusingagumi; uye ndiro randichashevedzwa naro kusvikira kuzvizvarwa zvichauya.”—Eksodho 3:15.

Paainyengetera maererano nezvokushandisa kwake zita raMwari, Jesu akati: “Ndakavazivisa zita renyu uye ndicharizivisa.” Uye mumunyengetero unowanzonzi Baba Vedu, akati: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngarive dzvene.”—Johani 17:26; Mateu 6:9, JB.

Saka zvingashamisa kuziva kuti mubhuku rake richangobva kubuda rinonzi Jesus of Nazareth (Jesu weNazareta) Pope Benedict XVI akataura izvi nezvokushandiswa kwezita raMwari: “VaIsraeri vakanga . . . vakarurama chaizvo pavairamba kutaura zita iro Mwari akazvipa, rinopereterwa seizvi YHWH, kuitira kuti risasvika pakuzvidzwa semazita evanamwari vevahedheni. Saizvozvowo, shanduro dzeBhaibheri dzakakanganisa kushandisa zita raMwari raigara richionekwa nevaIsraeri serinoyera uye risingataurwi, sokunge raingovawo zita rekare.”

Unofungei? Zvakarurama kana kuti zvakaipa here kushandisa zita raMwari? Kana Jehovha pachake achiti: “Iri ndiro zita rangu nokusingagumi; uye ndiro randichashevedzwa naro kusvikira kuzvizvarwa zvichauya,” ndiani angamupikisa?

[Mufananidzo uri papeji 30]

Jesu akashandisa zita raMwari paainyengetera

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe