Vaverengi Vanobvunza Kuti
Nyika Ichapona Here?
Nyika yedu yakasikwa haisi kuzoparadzwa nenjodzi. Nei tiine chokwadi ichocho? Nokuti Mwari akavimbisa kuti nyika “haizozununguswi nokusingagumi, kana kuti nokusingaperi.” (Pisarema 104:5) Kunyange zvazvo ‘rudzi rumwe ruchienda, rumwe rudzi ruchiuya,’ rinodaro Bhaibheri, ‘pasi panogarapo nokusingaperi.’—Muparidzi 1:4, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
Zvinoratidza kuti nyika icharamba iripo nokusingaperi zvinosimbiswa nemashoko maviri echiHebheru akashandiswa parugwaro rwaPisarema 104:5, rimwe racho nderokuti ʽoh·lamʹ rinoreva, “nokusingagumi” uye rimwe racho nderokuti ʽadh rinoreva, “nokusingaperi.” Shoko rokuti ʽOh·lamʹ ringashandurwa kuti “makore akawanda” kana kuti “nguva isina mugumo.” Maererano neduramazwi rinonzi Harkavy’s Students’ Hebrew and Chaldee Dictionary, shoko rokuti ʽadh rinoreva “urefu hwenguva, zvinhu zvisingaperi, narini.” Mashoko maviri aya echiHebheru anoratidza kuti nyika yedu ichangoramba iripo zvachose. Chimboona zvimwe zvikonzero zvitatu zvinobva muBhaibheri zvinoita kuti titende kuti nyika icharamba iripo nokusingaperi.
Kutanga, Mwari akasika nyika kuti igarwe nevanhu, kuti ive musha wakasvibira nezvinomera, paradhiso inenge ine vanhu vanofara, kwete nyika isingagariki. Isaya 45:18 inorondedzera Jehovha ichimuti, “Musiki wematenga, Iye Mwari wechokwadi, Muumbi wenyika noMuiti wayo, Iye akaisimbisa kwazvo, asina kungoisikira pasina, akaiumba kuti igarwe.”
Chechipiri, kubvira kare Mwari akavimbisa kuti vanhu vanosarudza kumuteerera vachagara nokusingaperi panyika ino norugare. Mika 4:4 inovimbisa kuti: “Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake, nepasi pomuonde wake, hapana angazovadederesa; nokuti muromo waJehovha wemauto wazvitaura.” Saka maererano nechinangwa chaMwari, nyika icharamba iri musha wevanhu nokusingaperi, nokuti zvikasadaro anenge akavimbisa pasina.—Pisarema 119:90; Isaya 55:11; 1 Johani 2:17.
Chechitatu, Mwari akapa vanhu basa rokutarisira nyika. Shoko raMwari rinoti, “Kana ari matenga, matenga ndeaJehovha, asi nyika akaipa vanakomana vevanhu.” (Pisarema 115:16) Ungafungidzira here baba vane rudo vachipa mwana wavo chipo chakanaka chaizvo vobva vachinja mwoyo vochiparadza? Chokwadi hazviiti! Saizvozvowo, Jehovha haangaiti zvakadaro kuti aparadze nyika nevanogara pairi, nokuti “Mwari rudo.”—1 Johani 4:8.
Jesu Kristu akavimbisa izvi maererano nemashoko aBaba vake: “Shoko renyu ichokwadi.” (Johani 17:17) Uye Mwari uyo asingarevi nhema anovimbisa kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”—Pisarema 37:29; Tito 1:2.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]
Globe: Based on NASA photo