Swedera Pedyo naMwari
Anoda Kururamisira
WAKAMBOITIRWA utsinye here kana kuti kusaruramisira, zvimwe nomunhu asina kuzorangwa uye asina kumbozvidemba? Hapana chinhu chinorwadza kupfuura kusaruramisirwa, kunyanya kana warwadziswa nomunhu wawanga uchitarisira kuti anokuda uye ane hanya newe. Ungazvibvunza kuti, ‘Nei Mwari achibvumira zvinhu zvakadai kuti zviitike?’a Chokwadi ndechokuti Jehovha Mwari anovenga kusaruramisira. Shoko rake, Bhaibheri, rinotivimbisa kuti nhinhi dzinoita chivi dzichaparadzwa. Ngatimboongororai mashoko omuapostora Pauro ari pana VaHebheru 10:26-31.
Pauro anonyora kuti: “Kana tiine tsika yokuita chivi nemaune pashure pokunge tagamuchira zivo yakarurama pamusoro pechokwadi, hapasisina kana chibayiro chimwe chasara nokuda kwezvivi.” (Ndima 26) Vanhu vanoita zvivi vachida vane mhosva. Nei? Kutanga, havangoiti chivi zveapo neapo, kureva kukanganisa kwatinomboita nokuti hatina kukwana. Vane tsika yokuita chivi. Chechipiri, vanoita zvivi vachida. Sokutaura kunoita The Bible in Basic English, “vanoita zvakaipa vachiziva.” Vakapindwa muropa nokuita zvakaipa. Chechitatu, havaiti zvivi pamusana pokusaziva. Vane “zivo yakarurama pamusoro pechokwadi” chinotaura nezvezvinodiwa naMwari uye nzira dzake.
Mwari anoona sei vanhu vakaipa vanoita zvivi vasingapfidzi? Pauro anoti, “hapasisina kana chibayiro chimwe chasara nokuda kwezvivi.” Chibayiro chaKristu, chipo chaMwari kuvanhu, chinobhadhara zvivi zvatinoita pamusana pokuti hatina kukwana. (1 Johani 2:1, 2) Asi vaya vanoita zvivi vasingapfidzi vanoratidza kuti havakoshesi chipo chinokosha ichi. Mukuona kwaMwari ‘vakatsika-tsika Mwanakomana waMwari uye vakaona ropa raJesu serisingakoshi.’ (Ndima 29) Nezvavanoita, vanoshora Jesu uye vanoona ropa rake ‘serisina maturo,’ serisingakoshi kupfuura romunhu upi noupi zvake asina kukwana. (Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Vanhu vasingaongi ivavo havazombobatsirwi nechibayiro chaKristu.
Vakaipa vangatarisirei? Mwari wokururamisira akavimbisa kuti: “Kutsiva ndokwangu; ndicharipira.” (Ndima 30) Vaya vose vanoita chivi vachida kukuvadza vamwe vanofanira kungwarira. Hapana munhu anogona kutyora mitemo yaMwari achida akasarangwa. Kazhinji, zvakaipa zvavanoita zvinovadzokera. (VaGaratiya 6:7) Kunyange vakasawana chinovawana iye zvino, munguva yemberi iri pedyo vachazvidavirira pamberi paMwari paachazobvisa kusaruramisira kwose kuri panyika. (Zvirevo 2:21, 22) Pauro anonyevera kuti: “Zvinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.”—Ndima 31.
Kuziva kuti Jehovha Mwari haafariri chivi chinoitwa nomunhu achida kunonyaradza uye kunopa chivimbo, kunyanya kune vaya vakarwadziswa nevatadzi vasingachapfidzi. Tinogona kuzvisiyira Mwari tichivimba kuti achatsiva nokuti anovenga kusaruramisira kwose.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti uwane mashoko pamusoro pokuti nei Mwari achibvumira kutambura, ona mapeji 106-114 ebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.