Mazano Okuti Mhuri Ifare
Kuramba Wakazvipira Muimba Yako
Mudzimai anoti: “Kwenguva yakati, ndakaona kuti murume wangu, Michael, akanga asisiri kundida sezvaaisiita kare uye akanga asisina hanya nevana.a Zviito zvake zvakachinja patakanga tichangobva kuva neIndaneti, uye ndakafungidzira kuti akanga ari kuona zvinonyadzisira pakombiyuta. Humwe usiku vana vaenda kunorara, ndakaita kuti andibudire pachena, uye akareurura kuti aiona zvinonyadzisira paIndaneti. Zvakandidzimba. Ndakatadza kubvuma kuti izvi zvaiitika kwandiri. Ndakabva ndatadza zvachose kumuvimba. Ukuwo, mumwe munhu wandaishanda naye akanga ava kundida.”
Murume anoti: “Pane imwe nguva kare, mudzimai wangu, Maria, akawana pikicha yaiva pakombiyuta yedu uye akandibvunza nezvenyaya yacho. Pandakabvuma kuti ndaigara ndichiona zvinonyadzisira paIndaneti, akagumbuka chaizvo. Ndakanyara zvisingaiti uye ndakanzwa ndiine mhosva. Ndakafunga kuti imba yedu yaparara.”
UNOFUNGA kuti chii chakaitika kuimba yaMichael naMaria? Ungafunga kuti dambudziko guru raMichael rakanga riri rokuona zvinonyadzisira. Asi sezvaakazoona iye Michael, izvi zvaingoratidza rimwe dambudziko guru raaiva naro, kusazvipira kuimba yake.b Michael naMaria vachangoroorana, vaitarisira kuti vaizoramba vachidanana uye vachifara pane zvose zvavanenge vachiita. Zvisinei, kufanana nevakaroorana vakawanda, vakatadza kuramba vakazvipira uye zvishoma nezvishoma vakanga vasingachadanani.
Unoona here sokuti iwe newawakaroorana naye hamuchanyanyi kudanana sezvamaisiita pakutanga? Unoda here kuti zvidzokere pazvaimbova, mudanane sezvamaimboita? Kana zvakadaro, unofanira kuziva mhinduro dzemibvunzo mitatu: Zvinorevei kuzvipira kuimba yako? Zvinetso zvipi zvinogona kukutadzisa kuzvipira kwako? Ungaitei kuti urambe wakazvipira kune wawakaroorana naye?
Kuzvipira Kudii?
Ungatsanangura sei kuzvipira kune wawakaroorana naye? Vamwe vangati kunobva pakunzwa uine zvaunofanira kuita. Somuenzaniso, vakaroorana vakawanda vanoramba vakazvipira mudzimba dzavo pamusana pevana vavo kana kuti pamusana pokuti vanonzi naMwari vadaro, ari iye akatanga mhuri. (Genesisi 2:22-24) Chokwadi, mafungiro akadaro akanaka uye anobatsira kuti imba irambe yakasimba panoita zvinetso. Asi kuti pave nomufaro, vakaroorana vanofanira kuzvipira nomwoyo wose kwete kungozviona sebasa.
Jehovha Mwari akaronga kuti imba iite kuti vaviri vafare zvikuru uye vagutsikane. Akaronga kuti murume ‘afare nomudzimai wake’ uye kuti mudzimai ade murume wake uye anzwe achidiwa nomurume wake sezvaanozviita. (Zvirevo 5:18; VaEfeso 5:28) Kuti vadanane saizvozvo, vakaroorana vanofanira kudzidza kuvimbana. Zvinokoshawo ndezvokuti vave noushamwari hwoupenyu hwose. Kana murume nomudzimai vakavimbana uye vakava shamwari chaidzo, vacharamba vachizvipira kuimba yavo. Vachadanana sezvinorondedzerwa muBhaibheri kuti vanhu vaviri vanenge vava “nyama imwe.”—Mateu 19:5.
Saka, kuzvipira kunogona kufananidzwa nedhaka rinobatanidza zvidhinha zveimba yakasimba. Dhaka racho rinogadzirwa nezvinhu zvinoverengeka zvinosanganisira jecha, samende uye mvura. Ndizvo zvakaitawo kuzvipira, kunoumbwa nezvinhu zvakadai sekuvimbana, ushamwari, uye kuziva kuti une zvaunofanira kuita. Chii chingakanganisa kudanana kwakadaro?
Zvinetso Zvacho Ndezvipi?
Zvinoda kushanda nesimba uye kurega zvimwe zvinhu zvaunoda kuti pave nokuzvipira. Zvinotoda kuti umbosendeka zvaunofarira kuti ufadze mumwe wako. Zvisinei pfungwa yokuzvirereka kuti uite zvinofarirwa nomumwe munhu—yokuzviita usingabvunzi kuti, ‘Ndinowanei?’—haifarirwi nevakawanda uye inotogumbura vamwe. Asi zvibvunze kuti, ‘Pavanhu vakaroorana vandinoziva, vangani vane umbimbindoga vanofara?’ Kana varipo, vashoma. Nei? Munhu ane umbimbindoga haangarambi achizvipira kuimba yake kana achifanira kurega zvimwe zvinhu, kunyanya kana asingaoni kubatsira kwazvinomuita munguva pfupi. Kana pasina kuzvipira, imba hainakidzi, pasinei nokuti rudo rwacho rwainge rwakasimba sei vaviri vacho pavakatanga kudanana.
Bhaibheri rinobvuma kuti imba inoda kuti vaviri vashande nesimba. Rinoti “murume akaroora anozvidya mwoyo nezvinhu zvenyika, kuti angafarirwa sei nomudzimai wake,” uyezve, “mukadzi akaroorwa anozvidya mwoyo nezvinhu zvenyika, kuti angafarirwa sei nomurume wake.” (1 VaKorinde 7:33, 34) Zvinosuruvarisa kuti kunyange vaya vakaroorana vasina umbimbindoga havagari vachibvuma kuzvidya mwoyo kwomumwe wavo kana kukoshesa kuzvipira kwaanenge achiita. Vakaroorana pavanotadza kuramba vachidanana, imba yavo ingangoita kuti vave “nedambudziko munyama” kwazvo kupfuura kana vachikoshesana.—1 VaKorinde 7:28.
Kana imba yenyu ichizoramba yakasimba munguva dzakaoma uye ichizobudirira panguva iya inenge isina zvinetso, munofanira kuva nepfungwa yokuti muchagara mose kwoupenyu hwose. Mungava sei nemafungiro iwayo, uye ungakurudzira sei wawakaroorana naye kuti arambe akazvipira kwauri?
Kusimbisa Kwaungaita Kuzvipira Kwenyu
Chinhu chinonyanya kukosha kushandisa nokuzvininipisa mazano anobva muShoko raMwari, Bhaibheri. Kana ukaita izvi ‘uchazvibatsira’ iwe newawakaroorana naye. (Isaya 48:17) Funga nezvematanho maviri chete aunokwanisa kutora.
1. Ita kuti imba yenyu ive iyo inonyanya kukosha.
Muapostora Pauro akanyora kuti, “muve nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.” (VaFiripi 1:10) Mukuona kwaMwari, zvinoitwa nomurume nomudzimai wake pakugarisana kwavo zvinonyanya kukosha. Murume anoremekedza mudzimai wake acharemekedzwawo naJehovha. Uyewo mudzimai anokudza murume wake a“nokosha kwazvo pamberi paMwari.”—1 Petro 3:1-4, 7.
Imba yako inokosha zvakadii kwauri? Kazhinji, unonyanyopedzera nguva yakawanda pane chinhu chaunonyanya kukoshesa. Zvibvunze kuti: ‘Mumwedzi wakapfuura, nguva yandakanga ndaronga kuti ndinge ndiine mumwe wangu yakanga yakawanda zvakadii? Zvii zvandakaita kuti ndiratidze wandakaroorana naye kuti tichiri shamwari?’ Kana wakashandisa nguva shoma kutarisira wawakaroorana naye, mumwe wako angaomerwa nokubvuma kuti wakazvipira kuimba yenyu.
Wawakaroorana naye anofunga kuti wakazvipira kuimba yenyu here? Ungazviziva sei?
EDZA IZVI: Nyora papepa zvinhu zvishanu zvinotevera: mari, basa, muchato, zvinhu zvamunovaraidzwa nazvo, uye shamwari. Chizviisa manhamba uchitanga nezvinonyanya kukosheswa newawakaroorana naye. Kumbira mumwe wako kuti aitewo zvakafanana. Kana mapedza, chinjanai mapepa enyu. Kana mumwe wako achiona sokuti hausi kupedza nguva yakakwana uye hausi kushanda nesimba kubatsira imba yenyu, kurukurai zvamunofanira kugadzirisa kuti musimbise kuzvipira kwenyu. Zvibvunzewo kuti, ‘Ndingaitei kuti ndiwedzere kufarira zvinokosheswa newandakaroorana naye?
2. Vimbika mune zvose.
Jesu Kristu akati: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mateu 5:28) Kana munhu akaita upombwe, anokanganisa chaizvo imba yake, uye Bhaibheri rinoti ndizvo zvinogona kuita kuti varambane. (Mateu 5:32) Zvisinei, mashoko aJesu ari pamusoro apa anoratidza kuti pfungwa dzakaipa dzinogona kugara mumwoyo womunhu kwenguva yakareba asati aita upombwe hwacho. Kurera pfungwa dzakadaro mumwoyo medu kunotova kusazvipira.
Kuti urambe wakazvipira kuimba yako, tsidza kuti hauzofi wakaona zvinonyadzisira. Pasinei nezvinotaurwa nevakawanda, kuona zvinonyadzisira kunokanganisa muchato. Ona kuti mumwe mukadzi anotaura sei manzwiro ake nezvetsika yaiitwa nomurume wake yokuona zvinonyadzisira: “Murume wangu anoti kuona zvinonyadzisira kunoita kuti tinakidzwe pabonde. Asi izvozvo zvinongoita kuti ndinzwe sendisingakoshi, kuti handimugutsi. Paanenge achiona zvinonyadzisira, ndinochema kusvika ndarara.” Ungati murume uyu ari kusimbisa kuzvipira kumuchato wake here kana kuti ari kutoukuvadza? Unofunga kuti ari kuita kuti zvive nyore here kumudzimai wake kuti arambe akazvipira kumuchato wavo? Ari kumubata seshamwari yake yepamwoyo here?
Murume akatendeka Jobho akataura mashoko anoratidza kuti akanga akazvipira kumudzimai wake uye kuna Mwari ‘nokuita sungano nemaziso ake.’ Akanga akatsunga kuti ‘asaramba akatarira mhandara.’ (Jobho 31:1) Ungatevedzera sei Jobho?
Kuwedzera pakusaona zvinonyadzisira, unofanira kuita kuti mwoyo wako usada kushamwaridzana zvisina kukodzera nomumwe mukadzi. Chokwadi, vakawanda vangafunga kuti kutamba norudo nomumwe mukadzi wausina kuroorana naye hakukuvadzi muchato. Asi Shoko raMwari rinoyambira kuti: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose uye wakaipa kwazvo. Ndiani angauziva?” (Jeremiya 17:9) Mwoyo wako uri kukunyengedza here? Zvibvunze kuti: ‘Ndiani wandinonyanya kufunga nezvake—mudzimai wangu here kana kuti mumwewo wandisina kuroorana naye? Ndiani wandinotanga kuudza zvinenge zvandinakidza—mudzimai wangu here, kana kuti mumwewo mukadzi? Kana mudzimai angu akandikumbira kuti ndisanyanya kushamwaridzana nomumwe mukadzi, ndaizoita sei? Ndaizotsamwa here kana kuti ndaizogadzirisa zvaanenge andikumbira ndichifara?’
EDZA IZVI: Kana ukaona kuti uri kutorwa mwoyo nomumwe munhu wausina kuroorana naye, edza kungotaura naye zvinhu zvinokosha uye zvinhu zvebasa chete. Usatarisa zvinhu zvaunofunga kuti ari nani kupfuura wawakaroorana naye. Asi, tarisa unhu hwakanaka hwomunhu wawakaroorana naye. (Zvirevo 31:29) Yeuka kuti zvii zvakaita kuti mudanane. Zvibvunze kuti, ‘Mumwe wangu haasisina here unhu uhwu, kana kuti ndini ndisisiri kuhuona?’
Tanga Iwe
Michael naMaria, vane mashoko ari kwokutanga, vakasarudza kutsvaka mazano okuti vangagadzirisa sei zvinetso zvavo. Chokwadi, kutsvaka mazano rinongova danho rokutanga. Kubvuma kuti vane zvinovanetsa uye kutsvaka kubatsirwa kunonyatsoratidza kuti Michael naMaria vakazvipira kumuchato wavo, uye kuti vanoda chaizvo kushanda nesimba kuti ubudirire.
Kunyange imba yako iine zvinetso kana kuti isina, wawakaroorana naye anoda kuziva kuti wakazvipira kuti muchato wenyu ubudirire. Tora matanho anobatsira kuti mumwe wako abvume kuti wakazvipira. Unoda here kuita izvi?
a Mazita akachinjwa.
b Kunyange zvazvo nyaya ino ine muenzaniso womurume aiona zvinonyadzisira, mudzimai anoitawo saizvozvo anenge asingazvipiri kuimba yake.
ZVIBVUNZE KUTI . . .
Zvinhu zvipi zvandingarega kuita kuti ndiwane nguva yokuva nomumwe wangu?
Ndingaitei kuti mumwe wangu ave nechokwadi chokuti ndakazvipira kumuchato wedu?