RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 12/1 pp. 4-7
  • Jesu—Muenzaniso Wakanaka Zvikuru Wokutevedzera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu—Muenzaniso Wakanaka Zvikuru Wokutevedzera
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Haasi Muenzaniso Wokuti Tingotevedzera Chete
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Uchagamuchira Rudo rwaJesu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Kusvika Pakuziva “Pfungwa dzaKristu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 12/1 pp. 4-7

Jesu—Muenzaniso Wakanaka Zvikuru Wokutevedzera

UNODA here kuva munhu ari nani, anofara? Muapostora Petro anotsanangura kuti tingazviita sei. Anonyora kuti: “Kristu akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake.” (1 Petro 2:21) Chokwadi, sezvo Jesu Kristu akararama upenyu hwaishamisa, tinodzidza zvakawanda pane zvaakaita. Kana tikadzidza kubva kuna Jesu uye tikatevedzera mararamiro aaiita, chokwadi tinofara uye tinova vanhu vari nani. Ngatimboongororai humwe unhu hwaiva nomunhu mukuru uyu toona kuti muenzaniso wake ungatibatsira sei.

Jesu aiva nemafungiro akanaka. Kunyange zvazvo Jesu akanga asina “pokuisa musoro wake,” haana kurarama upenyu hwokuzviomesera. (Mateu 8:20) Aiendawo kumitambo yemabiko. (Ruka 5:29) Chishamiso chake chokutanga, chokuchinja mvura kuiita waini pamuchato, chinoratidza kuti aiwadzana nevamwe uye akanga asingazviomeseri. (Johani 2:1-11) Asi, Jesu akaratidza pachena kuti chii chaainyanya kukoshesa. Akati: “Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite kuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.”—Johani 4:34.

□ Wakamboongorora upenyu hwako here kuti uone kana uchikwanisa kutsvaka zvinhu asi zvisingakutadzisi kuva noukama hwakanaka naMwari?

Jesu aiva nyore kutaura naye. Bhaibheri rinoratidza kuti Jesu aiva noushamwari. Akanga asingagumbuki vanhu pavaiuya kwaari vaine zvaivanetsa kana kuti pavaibvunza mibvunzo yaivhiringidza. Pane imwe nguva akakombwa nevanhu, mumwe mukadzi aiva nechirwere kwemakore 12 akabata nguwo yake, achitarisira kubatsirwa. Mukadzi uyu akanga asingafaniri kusvika pane vanhu, asi Jesu haana kumudzinga, akatoti: “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa.” (Mako 5:25-34) Kunyange vana vainakidzwa nokuva naye, vachiziva kuti aivafarira. (Mako 10:13-16) Aikurukurirana nevadzidzi vake noushamwari uye vakasununguka. Vakanga vasingatyi kuswedera pedyo naye.—Mako 6:30-32.

□ Uri munhu anotaurika naye zviri nyore here?

Aiva netsitsi. Humwe unhu hwakanaka hwaiva naJesu ndehwokuti aikwanisa kunzwisisa manzwiro aiita vamwe uye kuvabatsira. Muapostora Johani anotsanangura kuti Jesu paakaona Mariya achichema hanzvadzi yake Razaro yakanga yafa, Jesu “akagomera neshungu, akanetseka” uye “akasvimha misodzi.” Vaiva vakatarisa vaiona kuti Jesu aida zvikuru mhuri iyi, uye kuti akanga asinganyari kuzviratidza. Chokwadi, akaratidza tsitsi paakazomutsa shamwari yake!—Johani 11:33-44.

Pane imwe nguva mumwe murume aiva nemaperembudzi, chirwere chakaipa chaiita kuti munhu agare kwake oga, akakumbira Jesu achiti: “Ishe, kana muchida henyu, munogona kundichenesa.” Zvakaitwa naJesu zvinonyevenutsa: “Achitambanudza ruoko rwake, akamubata, achiti: ‘Ndinoda. Cheneswa.’” (Mateu 8:2, 3) Haana kungoporesa vanhu kuti azadzise uprofita. Aida kupukuta misodzi yavo. Zvose zvaaiita zvaibva pamashoko asingakanganwiki okuti: “Zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.”—Ruka 6:31.

□ Zvaunoita zvinoratidza kuti unonzwira vamwe tsitsi here?

Jesu ainzwisisa uye aiva akangwara. Kunyange zvazvo akanga asingakanganisi, Jesu haana kumbotarisira kuti vamwe havazokanganisi kana kuzviona ari nani kupfuura vamwe; uye haana kuratidza kuti akanga asinganzwisisi. Pane imwe nguva, mumwe mukadzi “aizivikanwa muguta racho kuti aiva mutadzi” akaratidza kuti aiva nokutenda uye aionga paakageza tsoka dzaJesu nemisodzi yake. Jesu akamubvumira kuti adaro, asi izvi zvakashamisa muridzi wemba uyo akanga amushora. Achinzwisisa zvaiva mumwoyo momukadzi uyu, Jesu haana kushora mukadzi wacho pamusana pezvivi zvake. Asi akati: “Kutenda kwako kwakuponesa; enda hako norugare.” Mukadzi iyeye anofanira kunge akachinja mararamiro ake pamusana pezvakanga zvaitwa naJesu.—Ruka 7:37-50.

□ Unozivikanwa here kuti unokurumidza kurumbidza vamwe uye unononoka kushora?

Akanga asingasaruri uye airemekedza vamwe. Jesu aida zvikuru mudzidzi wake Johani, zvimwe pamusana pokuti vaipindirana unhu uye kuti vaiva noukama.a Kunyange zvakadaro, aingomubata sezvaaiita vamwe vadzidzi vose. (Johani 13:23) Kutaura zvazviri, Johani nomukoma wake Jakobho pavakakumbira zvigaro zvepamusoro muUmambo hwaMwari, Jesu akapindura kuti: “Zvokugara pasi kuruoko rwangu rworudyi kana kuruboshwe rwangu handisi ini ndinopa izvozvo.”—Mako 10:35-40.

Jesu aigara achiremekedza vamwe. Akanga asingabatanidzwi mukusarurana kwaiita vanhu vepanguva iyoyo. Somuenzaniso, vakadzi vaionekwa sevakaderera pane varume. Asi Jesu airemekedza vakadzi. Paakatanga kutaura pachena kuti ndiye Mesiya aitaura nomukadzi akanga asiri muJudha asi aiva muSamariya, uye vaJudha vaitarisira pasi vaSamariya, kana kusatovakwazisa. (Johani 4:7-26) Uye Jesu akaita kuti vakadzi vave zvapupu zvokutanga kumuona paakanga achangomutswa.—Mateu 28:9, 10.

□ Unoratidza kuti hausaruri here vanhukadzi kana uri munhurume, kana kusarura vedzinza rakasiyana, mutauro wakasiyana kana kuti vorudzi rwakasiyana nerwako?

Aiva mwanakomana aiita mabasa ake ose uye aitarisira vanun’una vake. Zvichida baba vaJesu vakamurera, Josefa, vakafa iye achiri muduku. Jesu anofanira kunge aiita basa rokuveza kuti atarisire amai vake uye vanun’una vake nehanzvadzi. (Mako 6:3) Paakanga ava pedyo nokufa, akapa mudzidzi wake Johani basa rokutarisira amai vake Mariya.—Johani 19:26, 27.

□ Unogona kutarisira mhuri yako uchitevedzera Jesu here?

Jesu aiva shamwari yechokwadi. Jesu aiva nemuenzaniso wakanaka wokuratidza ushamwari. Sei? Haana kuramba shamwari dzake pamusana pokukanganisa, kunyange pavairamba vachikanganisa panyaya imwe chete. Vakanga vasingawanzoiti zvaaida kuti vaite. Asi akaratidza kuti aiva shamwari dzavo paaitarisa unhu hwavo hwakanaka pane kuti avape mhosva. (Mako 9:33-35; Ruka 22:24-27) Aivakumbira kuti vataure zvavaifunga asi asingavamanikidzi kuti vabvume zvaaida.—Mateu 16:13-15.

Kupfuura zvose, Jesu aida shamwari dzake. (Johani 13:1) Kusvika papi? Akati: “Hapana ane rudo rukuru kune urwu, kuti mumwe munhu ape mweya wake nokuda kweshamwari dzake.” (Johani 15:13) Pane munhu anogona kupa shamwari dzake chinhu chinokosha kupfuura upenyu hwake here?

□ Unoramba uchishamwaridzana nevamwe here kunyange kana vakugumbura kana kukukanganisira?

Aiva akashinga uye asingatyi. Jesu akanga akasiyana nomunhu uya akati undundu anoratidzwa pamapikicha ezvitendero. Mabhuku eEvhangeri anotsanangura kuti aiva munhu akasimba, uye akapengenuka. Kaviri, Jesu akadzinga vatengesi nezvinhu zvavo kubva mutemberi. (Mako 11:15-17; Johani 2:14-17) Mhomho payakauya kuzosunga “Jesu wokuNazareta,” akamira pamberi achizviratidza kuti ndiye wavaida uye achidzivirira vadzidzi vake, akataura noushingi kuti: “Ndini. Zvino, kana ndiri ini wamuri kutsvaka, regai ava vaende.” (Johani 18:4-9) Hazvishamisi kuti Pondiyo Pirato paakaona kuti Jesu akanga akashinga paaiva akasungwa uye paaibatwa noutsinye, akati: “Tarirai! Munhu wacho!”—Johani 19:4, 5.

□ Unokurumidza here kufunga zvokuita wakashinga paunoona zvaunofanira kuita?

Unhu hwaJesu uhwu nohumwe hwakakurumbira hunoita kuti ave muenzaniso wakanaka zvikuru wokuti titevedzere. Kana tikararama sezvaaiita, tichafara uye tichava vanhu vari nani. Izvi ndizvo zvakaita kuti muapostora Petro akurudzire vaKristu kuti vanyatsotevera tsoka dzake. Unoedza here zvose zvaunokwanisa kuti unyatsotevera tsoka dzaJesu?

Haasi Muenzaniso Wokuti Tingotevedzera Chete

Zvisinei, Jesu aiita zvinopfuura kungova nemuenzaniso wokuti titevedzere. Akati: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.” (Johani 14:6) Jesu haana kungoita kuti chokwadi pamusoro paMwari chizivikanwe uye kuita kuti vanhu vaswedere pedyo naMwari asi akaitawo kuti vakavimbika vawane upenyu.—Johani 3:16.

Achitaura nezvezvaakauyira panyika, Jesu akati: ‘Mwanakomana womunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nokupa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.’ (Mateu 20:28) Paakapa upenyu hwake sechibayiro, Jesu akaita kuti vanhu vakwanise kuwana upenyu husingaperi. Tinofanira kuitei somunhu mumwe nomumwe kuti tibatsirwe nezvaakatiitira? Jesu akatsanangura kuti: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.”—Johani 17:3.

Chokwadi, kuti tiwane upenyu husingaperi tinofanira kudzidza nezvaJesu, tichitevedzera mararamiro aaiita uye tichitenda muchibayiro. Tinokukumbira kuti uwane nguva yokudzidza bhuku rine zivo yacho, Bhaibheri, woedza kuita zvarinotaura, sezvakaitwa naJesu.b

Upenyu hwaJesu hunotidzidzisa kuti tinofanira kuva vanhu vakaita sei. Kufa kwake kwokuzvipira kunotisunungura kubva muchivi uye mubayiro wacho, rufu. (VaRoma 6:23) Kutaura zvazviri, tingadai tiri vanhu vanosiririsa kudai pasina Jesu Kristu! Usambobatikana uye usamboshungurudzika zvokuti unotadza kuwana mukana wokufunga uye kunyatsotevedzera muenzaniso womunhu mukuru zvikuru akamborarama—Jesu Kristu.

[Mashoko Omuzasi]

a Sarome, amai vaJohani, naMariya amai vaJesu vanofanira kunge vaiva vomudumbu rimwe chete. Enzanisa Mateu 27:55, 56 naMako 15:40 uye Johani 19:25.

b Kuti uwane mashoko anonyatsotaura nezvoupenyu hwaJesu paaiva panyika, ona bhuku rinonzi Munhu Mukurusa Ati Amborarama, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 7]

◼ Akanga asingasaruri uye airemekedza vamwe

◼ Aiva shamwari yechokwadi kunyange paaiva ofa

◼ Aiva akashinga

Unoedza here zvose zvaunokwanisa kuti unyatsotevera tsoka dzaJesu?

[Mifananidzo iri papeji 5]

Jesu aiva nemafungiro akanaka . . .

aiva nyore kutaura naye . . .

aiva netsitsi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe