RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 12/1 pp. 26-29
  • Kuda Kufumura Kwakandiwanisa Chokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuda Kufumura Kwakandiwanisa Chokwadi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro Yakachipa Zvikuru
  • Pandaida Kufumura Zvapupu
  • Upenyu Hunogutsa Uye Hune Chinangwa
  • “Ndaiva Nemibvunzo Yakawanda Kupfuura Mhinduro”
    Bhaibheri Rinochinja Upenyu
  • Kuenda Kunze Kwenyika—Uchitsvaka Upenyu Huri Nani
    Mukai!—2013
  • Kuvaka Pamwe Chete Pamwero Wenyika Yose
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 12/1 pp. 26-29

Kuda Kufumura Kwakandiwanisa Chokwadi

Yakataurwa naR. Stuart Marshall

Mupristi wechechi yeRoma akati,“Hatitauri neZvapupu zvaJehovha, zvinoshandisa Bhaibheri.” Mhinduro yake yakandishamisa, nokuti ndakanga ndamukumbira kuti abatsire mudzimai wangu kuona kuti zvinodzidziswa neZvapupu zvaJehovha zvinopikisana. Ndakasarudza kudzidza Bhaibheri neZvapupu kuti ndizoratidza mudzimai wangu kuti zvinodzidzisa nhema.

NDAIVA nemakore 43 pandakasarudza kushandisa njere dzangu uye ruzivo rwechitendero kuti ndifumure Zvapupu zvaJehovha kuti zvinodzidzisa nhema. Kubva ndichiri muduku kusvika ndava kukoreji, ndaidzidza pazvikoro zvechechi yeRoma. Kunyange zvazvo ndakawana dhigirii rokudzidza nezvemashandisirwo emari muna 1969, ndikaitawo kosi dzaidzidzisa nezvezvitendero, hapana pandakambodzidza Bhaibheri pane zvose zvandaidzidziswa nechechi yeRoma.

Ndapedza kudzidza kukoreji, ndakaroora Patricia McGinn, aipindawo chechi yeRoma. Tose takapfuurira nokudzidza tikawana madhigirii epamusoro paYunivhesiti yeStanford. Mwanakomana wedu Stuart, akaberekwa muna 1977, uye takazotamira kuSacramento iri kuCalifornia muU.S.A. Kwemakore 23 akatevera, ndaishandira dunhu reCalifornia musangano rinonzi Legislative Analyst’s Office (LAO), tichiongorora kuti mashandisirwo emari aizobatsira sei mune zvedzidzo mudunhu iri. Ndaishanda nesimba uye ndairarama upenyu hwakanaka. Ndaifadzwa nokurera mwanakomana wedu sezvaaikura. Mudzimai wangu aiva akavimbika kupfuura vanhu vose pakunditsigira uye ndaimutsigirawo.

Mhinduro Yakachipa Zvikuru

Mwanakomana wedu paakanga ava nemakore maviri, Patricia akapiwa Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha ndokutanga kuridzidza navo. Akazobhabhatidzwa papera makore matatu. Ndaifunga kuti Zvapupu zvaJehovha zvinogarira pfungwa panyaya yemazororo uye yokuwedzerwa ropa, asi ndakaona kuti zvavanodzidzisa pane dzimwe nyaya zvine musoro. Rimwe zuva muna 1987 ndakazoshamisika ndava kutaura zvandinofunga pandakanzi nditsanangure maonero angu kuvamiririri vedunhu pamusangano weseneti nedare rezvedzidzo.

Yunivhesiti yokuCalifornia yaida mari yokuti ikwikwidzane nemamwe matunhu kuti ipiwe basa renyika yedu remabhiriyoni matanhatu emadhora okuAmerica. Basa racho raiva rokugadzira muchina muhombe wesayenzi. Ndakanga ndapikisa pfungwa yokutsvaka mari yacho, ndichiti nokufamba kwenguva hazvaizobatsira upfumi hwenyika. Yunivhesiti yakabva yaita kuti masayendisiti maviri akanga awana mibayiro yokugona basa auye kuzotsigira chirongwa ichi pamberi pedare. Mumwe nomumwe wavo akatsanangura kuti chirongwa chacho chaizowedzera ruzivo rwezvesayenzi. Mumwe akati ruzivo rwacho rwaizobatsira kuti tizive matangiro akaita chisiko. Mumwe wacho akati zvaizobatsira kuti tinzwisise kuti upenyu hwepanyika hwakatanga sei.

Sachigaro wedare racho akabva anditarisa.

Akabvunza kuti, “Unofunga kuti tinenge tatambisa mari here kana tikashandisa mabhiriyoni matanhatu emadhora kuti tiwane mhinduro dzemibvunzo iyi?”

Ndakapindura kuti, “Ndinobvuma kuti mibvunzo iyi inokosha, asi Zvapupu zvaJehovha zvinouya kumba kwangu mangwanani oMugovera woga woga zviine magazini angapindura mibvunzo iyi, uye imwe chete inowanikwa nechipo chemasenzi 25. Handifungi kuti mhinduro yamuchawana mashandisa mabhiriyoni matanhatu emadhora pachirongwa ichi ingava iri nani kupfuura yazvo yemasenzi 25.”

Vanhu vose vakabva vati bvu-u kuseka, kusanganisira masayendisiti maviri aya. Kunyange zvazvo dare rakabvuma kuti chirongwa chacho chitsigirwe nemari, hapana akapikisa pfungwa yangu.

Nokufamba kwenguva, ndakaona kuti ndaifanira kugadzirisa zvimwe zvinhu zvaiitika pamba. Papera makore matanhatu ndichikurukura naPatricia nezveBhaibheri uye Zvapupu zvaJehovha, ndakaodzwa mwoyo paaida kutora nguva yakawanda achiita basa rokuparidzira. Izvi zvaireva kuti aizofanira kushanda nguva shoma pabasa rake rokuyunivhesiti. Zvaindirwadza kuti munhu ane pfungwa chaiye angasarudza sei kudaro, uye paiita sokuti pakanga pasina zvandaikwanisa kuita kana kumuudza zvaizoita kuti achinje pfungwa.

Ndakaedza kutsvaka rubatsiro rwemumwe munhu aiva nyanzvi, ainyatsoziva Bhaibheri kundipfuura, aizofumura nyore nyore kuti zvinodzidziswa neZvapupu zvaJehovha zvinopesana neBhaibheri. Kungofumura dzidziso imwe chete kwaizobatsira kufumura dzimwe dzose. Ndizvo chete zvandaida kuti ndibatsire mudzimai wangu aiva nenjere. Ndakataura nomupristi wechechi yeRoma kwataimboenda naPatricia. Mashoko ari panotangira nyaya ino ndiwo andakazoudzwa nomupristi. Mupristi wacho paakaramba kutaura nomudzimai wangu, ndakabva ndaziva kuti kunyange zvazvo zvaizoda nguva yakareba, ndini ndaitofanira kufumura zvinhu zvisina kururama kuti Patricia aone.

Pandaida Kufumura Zvapupu

Pandaidzidza Bhaibheri neZvapupu, chakanyanya kundinakidza kudzidza nezvouprofita hweBhaibheri. Ndakaverenga nezvouprofita hwaIsaya hwokukundwa kweBhabhironi hwakanyorwa makore 200 zvisati zvaitika, huchitotaura zita raKoreshi kuti ndiye aizokunda uye huchitsanangura kuti aizotsausa Rwizi rwaYufuratesi kuti akunde Bhabhironi. (Isaya 44:27–45:4) Makore akapfuura, ndakanga ndadzidza nezvokuparadzwa kweBhabhironi ndichidzidza chiuto. Ndakadzidzawo kuti muprofita Dhanieri akanga afanotaura pachine makore anopfuura 200 nezvamambo ane simba weGirisi, uye kuti pashure pokunge afa, umambo hwake hwaizokamurwa kuva umambo huna hune simba shoma. (Dhanieri 8:21, 22) Zvakandifungisa kuti ndizvo chaizvo zvandakadzidza nezvaAlexander Mukuru pandaidzidza nezvenhoroondo dzekare. Ndakazvionera ndoga kuti mabhuku aya eBhaibheri akanga anyorwa zvinhu zvacho zvisati zvaitika nokutsvakurudza kwandakaita mune mamwe mabhuku.

Kuramba ndichidzidza neZvapupu kwakaita kuti ndive nechokwadi chokuti Bhaibheri iShoko raMwari, chinhu chandisina kumboziva pamakore ose andaidzidza nezvechitendero chechechi yeRoma. Ruzivo urwu rwaizondituma kuitei? Ndakasarudza kuzvitsaurira kuna Jehovha kuti ndive mumwe weZvapupu zvake. (Isaya 43:10) Ndakabhabhatidzwa muna 1991, makore maviri chete pashure pokunge ndataura nomupristi uya. Mwanakomana wedu akazobhabhatidzwa gore rakatevera racho.

Sezvo upenyu hwedu hwakanga hwachinja, takabva tachinjawo zvinangwa zvedu. Chimwe chezvandakatanga kuita ndichangobhabhatidzwa, kwaiva kuronga kuti makore mashanu aizotevera apo mudzimai wangu aizosvitsa makore 50 asiye basa rake rokudzidzisa payunivhesiti. Aida kuva mushumiri wenguva yakazara, panguva iyoyo zvaireva kuti aifanira kushandisa maawa 1 000 pagore, kana kuti maawa anenge 83 pamwedzi woga woga, achidzidzisa vanhu chokwadi cheBhaibheri. Pakazosvika gore ra1994, akanga agadzirisa purogiramu yake yokubasa zvokuti akava mushumiri wenguva yakazara. Zvinangwa zvangu zvokutanga zvaisanganisira kunatsiridza ushumiri hwangu, kuita zvandinogona kuti ndibatsire muungano yedu, uye kuzvipira kuita akaunzi dzokuvakwa kweDzimba dzoUmambo munzvimbo yedu.

Ndaiwanawo mikana yokukurukura nezveBhaibheri kubasa nguva nenguva. Mumwe mukadzi aiva Chapupu asi kutenda kwake kwakanga kwadzikira, akatanga kushandira sangano reLAO achiongorora mashandisirwo emari. Kutenda kwake kwakanga kwadzikira nokuti akanga asisavimbi neBhaibheri. Ndakamubatsira kuti ave noukama hwakanaka naJehovha zvakare uye izvi zvakandifadza. Akazodzokera kudunhu raakanga akurira uye akatanga kushandisa nguva yakawanda achiita basa rokuparidzira.

Muna 1995, ndakapinda musangano wedare reseneti yedzidzo wetsvakurudzo yaitsigirwa nehurumende nemari. Sachigaro wedare akabvunza vamiririri vehurumende kuti chii chakanga chaitika kuchirongwa chokugadzira muchina uya muhombe wesayenzi. Vakapindura kuti chirongwa ichi chakanga chapiwa dunhu reTexas asi vakanga vasati vapedza nokuda kwezvikonzero zvitatu. Chokutanga, mari yaidiwa pachirongwa ichi yakakwira kubva pamabhiriyoni matanhatu emadhora kuenda pamabhiriyoni mapfumbamwe emadhora vasati vachitanga. Chechipiri, hurumende yaida kuti mari yacho ishandiswe kutsigira hondo yokuIraq yakaitika muna 1991. Chechitatu, vakawana kuti vaigona kuwana mhinduro dzemibvunzo youpenyu kubva kuZvapupu zvaJehovha vangobvisa chipo chemasenzi 25 chete chete! Zvakaita sokuti zvandakanga ndataura zvakaramba zvichidzokororwa nevanhu vakawanda uye zvakanga zvava kutaurwazve pane mumwe musangano wematare edzidzo.

Munhu wose akaseka, dzimwe nhengo dzedare dzakanditarisa. Ndakabva ndaudza vose vakanga varipo kuti, “Iye zvino munogona kutoawana mahara.”

Upenyu Hunogutsa Uye Hune Chinangwa

Mudzimai wangu paakanga ava pamudyandigere, takaronga kuti iniwo ndizorega basa mumakore mashanu aizotevera. Ndakabvunza bvunza noungwaru mamwe makambani kana aigona kundipinza basa risingashandwi nguva yakawanda sezvo ndakanga ndava kuda kushandisa nguva yakawanda ndichidzidzisa vamwe chokwadi cheBhaibheri. Sangano reLAO rakandibvumira kushanda nguva shoma, chinhu chandakanga ndisingambotarisiri. Naizvozvo, muna 1998, ndakatangawo kushanda somushumiri anoparidzira nguva yakawanda.

Rimwe zuva, ari mangwanani, sezvo ini nomudzimai wangu taigadzirira kuenda kunoparidzira, takagamuchira foni yaibva kuhofisi yebazi rokuUnited States reZvapupu zvaJehovha riri kuBrooklyn muNew York. Sezvo vakanga vambobvunza vanhu vakawanda, vakafona vachindibvunza kana ndaida kuzobatsira pabasa raida kuitwa kuBrooklyn. Ndakabva ndangobvuma. Izvi ndizvo zvakaita kuti tishande padzimbahwe renyika yose kwemwedzi 18. Kuti ndipedzise chirongwa ichi ndakasiya basa rokushandira dunhu reCalifornia nguva yangu isati yakwana. Pashure peizvozvo, takazvipira kuti tinovaka Imba yeMagungano yeZvapupu zvaJehovha kuFairfield muCalifornia. Takatengesa imba yedu yaiva kuSacramento uye takatamira kune rimwe furati rokuPalo Alto. Kukurumidza kusiya basa kwakaita kuti ndiwane mamwe makomborero. Kubvira ipapo takashanda pamahofisi emapazi eZvapupu zvaJehovha kuNigeria, South Africa, Canada, Britain, uye Germany.

Kungofanana neZvapupu zviya zvakatibatsira, ini nomudzimai wangu tiri kunakidzwa nokubatsira vamwe kuti vadzidze chokwadi cheBhaibheri. Chokwadi ndinoona kuti kudzidziswa naJehovha kwakandibatsira zvikuru kana ndichienzanisa nedzidzo yangu yepamusoro. Dzidzo iyi yakasiyana zvikuru nedzimwe dzose dziri panyika nokuti inodzidzisa zvinhu zvakawanda zvinokosha uye zvinonzwisisika. Jehovha akadzidzisa Zvapupu zvake kuti zvidzidzise chokwadi cheBhaibheri nenzira inosvika pamwoyo uye inobatsira pfungwa. Izvi ndizvo zvinondipa simba rokuramba ndichidzidza. Ini nomudzimai wangu tiri kufara noupenyu hwatava nahwo uye nechikomborero chokushandisa dzidzo yedu kuti tishumire Changamire wezvinhu zvose zvakasikwa, Jehovha Mwari.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]

Pandaidzidza Bhaibheri neZvapupu, chakanyanya kundinakidza kudzidza nezvouprofita hweBhaibheri.

[Mufananidzo uri papeji 27]

Ndiina Patricia musi watakachata

[Mufananidzo uri papeji 29]

Tinonakidzwa kubatsira vamwe kuti vadzidze chokwadi cheBhaibheri

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe