Munhu Haangararami Nechingwa Chete—kupona Kwandakaita Mumajere evaNazi
Yakataurwa naJoseph Hisiger
“Uri kuverenga chii?” Ndakabvunza mumwe musungwa aivawo mujeri pamwe chete neni. Akapindura kuti, “Bhaibheri,” uye akawedzera kuti, “ndinogona kukupa kana ukandipa chingwa chako chevhiki rose.”
NDAKABEREKWA musi waMarch 1, 1914, muMoselle, yaimbova muGermany. Hondo Yenyika I payakapera muna 1918, Moselle yakazotorwazve neFrance. Muna 1940, yakatorwa zvakare neGermany. Hondo Yenyika II payakapera muna 1945, yakatorwazve neFrance. Pose paiitika izvi ndaingochinja-chinja, ndikambova chizvarwa cheGermany ndoita chizvarwa cheFrance, saka ndakadzidza kutaura mitauro yose iri miviri, chiFrench nechiGerman.
Vabereki vangu vaiva vakavimbika kuchechi yeRoma. Zuva roga roga manheru taipfugama semhuri tonyengetera tisati taenda kunorara. Pamisi yeSvondo uye pamazororo enyika, taienda kuchechi. Ndaikoshesa chitendero changu uye ndaiva muboka rekirasi yeketekizima.
Kushingaira Mubasa Rokuparidzira
Muna 1935 vabereki vangu vakashanyirwa neZvapupu zvaJehovha zviviri. Vakakurukura nezvokupindira kwakaita chitendero muhondo yenyika yokutanga. Zvadaro, ndakada kuziva zvakawanda nezveBhaibheri, uye muna 1936 ndakakumbira mupristi kana ndaigona kuwana Bhaibheri. Akandiudza kuti ndaitofanira kudzidza nezvechitendero kuti ndirinzwisise. Zvisinei, izvi zvakatowedzera chido changu chokuva neBhaibheri uye chokuriverenga.
Muna January 1937, mumwe wandaishanda naye, Albin Relewicz, uyo aiva Chapupu akatanga kundiudza zvinodzidziswa neBhaibheri. Ndakamubvunza kuti, “Une Bhaibheri here?” Aiva naro, uye pasina nguva akandiratidza zita raMwari rokuti Jehovha muBhaibheri rechiGerman rinonzi Elberfelder, iro raakabva andipa. Ndakariverenga kwazvo uye ndakatanga kupinda misangano yeZvapupu mutaundi raiva pedyo rainzi Thionville.
Muna August 1937, ndakaenda naAlbin kugungano remarudzi akawanda reZvapupu raiitirwa kuParis. Ikoko ndakatanga kuparidzira paimba neimba. Pasina nguva yakareba, ndakabhabhatidzwa, uye mukutanga kwa1939 ndakava piyona, kureva kuti basa rokuparidzira ndiro rakabva rava basa rangu chairo. Ndakanzi ndiende kunoparidzira kuguta reMetz. Uye muna July, ndakakokwa kuti ndizoshanda pahofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muParis.
Kutambura Munguva Dzehondo
Ndakashanda pabazi kwenguva duku, nokuti muna August 1939, ndakashevedzwa kuti ndizoshanda muuto reFrance. Sezvo hana yangu yaisandibvumira kuti ndibatanidzwe muhondo, ndakatongerwa kugara mujeri. Muna May gore rakatevera racho pandaiva mujeri, Germany yakangoerekana yarwisa France. Pakazosvika June, France yakanga yakundwa, apazve ndakava wechizvarwa cheGermany. Saka muna July 1940 pandakabudiswa mujeri, ndakadzokera kunogara nevabereki vangu.
Sezvo taitongwa nevaNazi, taiungana muchivande tichidzidza Bhaibheri. Taiwana magazini eNharireyomurindi kuna Maryse Anasiak, mukadzi wechiKristu aiva akashinga uyo wandaisangana naye muchitoro chechingwa chechimwe Chapupu. Kusvikira muna 1941, ndakakwanisa kudzivisa zvipingamupinyi zvaisangana neZvapupu muGermany.
Rimwe zuva ndakashanyirwa neGestapo. Pashure pokunge mukuru wavo anyatsonditsanangurira kuti Zvapupu zvakanga zvarambidzwa nomutemo, akandibvunza kana ndaida kuramba ndiri mumwe weZvapupu. Pandakapindura kuti, “Hungu,” akandiudza kuti ndimutevere. Varwadziwa, amai vangu vakafenda. Mukuru weGestapo paakaona izvi, akandiudza kuti ndisare ndichivatarisira.
Pafekitari pandaishandira, ndakanga ndisingakwazisi maneja wacho sezvairayirwa nehurumende yevaNazi. Ndakarambawo kuva mubato revaNazi. Saka musi wakatevera ndakasungwa neGestapo. Pandaibvunzurudzwa, handina kuurura mazita ezvimwe Zvapupu. Aindibvunzurudza akandirova zvine simba mumusoro negaro repfuti uye ndakabva ndafenda. Musi waSeptember 11, 1942, dare reSondergericht (Dare revaNazi) raiva muMetz rakanditongera kugara mujeri makore matatu, richindipa mhosva “yokuparadzira mashoko eSangano reZvapupu zvaJehovha uye eVadzidzi veBhaibheri.”
Papera mavhiki maviri, ndakabuda mujeri raiva kuMetz ndichibva ndafamba rwendo rwakandisvitsa kumusasa wevasungwa kuZweibrücken tambomira kakawanda munzira. Ndiri ikoko ndakashanda nevaiita basa rokugadzirisa njanji. Taichinja njanji, tichidzisunga kuti dzisimbe, uye taiparadzira matombo munjanji. Taingopiwa kapu yekofi nemasiraisi maviri echingwa mangwanani oga oga uye nendiro yemuto masikati nemanheru. Zvadaro, ndakatamisirwa kujeri raiva pedyo neimwe taundi, kwandakashanda mushopu yokugadzirisa shangu. Papera mwedzi inoverengeka, ndakadzoserwa kuZweibrücken, panguva iyi kuti ndinoshanda muminda.
Kurarama Kwete Nechingwa Chete
Mujeri, mumwe wandaiva ndakasungwa naye aiva jaya raibva kuNetherlands. Kudzidza kwandakaita mutauro wakewo zvishoma kwakaita kuti ndikwanise kumuudza zvandaitenda. Akafambira mberi zvakanaka mune zvokunamata, zvokuti akasvika pakundikumbira kuti ndimubhabhatidze murwizi. Paakabuda mumvura, akandimbundira achibva ati, “Joseph, ndava hama yako!” Pandakanzi ndiendezve kunoshanda munjanji, takaparadzaniswa.
Panguva iyi mumwe musungwa aivawo mujeri neni aiva wechizvarwa chokuGermany. Rimwe zuva manheru akatanga kuverenga kamwe kabhuku, raiva Bhaibheri! Ndipo paakandikumbira kuti ndimupe chingwa chandaifanira kudya kwevhiki iye ondipa Bhaibheri. Ndakabva ndangoti, “Ngatidaro!” Kunyange zvazvo ndaisazombodya chingwa kwevhiki yose, handina kumbozvidemba. Ndakatanga kuziva zvairehwa nemashoko aJesu okuti: “Munhu haangararami nechingwa chete, asi nemashoko ose anobuda mumuromo maJehovha.”—Mateu 4:4.
Kunyange zvazvo ndakanga ndava neBhaibheri, dambudziko randakanga ndava naro raiva rokurichengeta. Kusiyana nevamwe vasungwa, Zvapupu zvakanga zvisingabvumirwi kuva neBhaibheri. Saka ndairiverenga ndisingaonekwi usiku, ndiri mumagumbezi. Kwachena, ndairiviga muhembe yangu ndoritakura. Zvakanga zvisingaiti kuti ndirisiye mujeri mandairara nokuti mapurisa aizopinda imomo achiongorora.
Rimwe zuva pataive takaungana kuti titange basa, ndakaona kuti ndakanga ndakanganwa Bhaibheri rangu. Manheru acho ndakadzokera kwandairara, asi handina kuwana Bhaibheri. Ndanyengetera kuna Mwari, ndakaenda kunoona gadhijeri ndokumuudza kuti mumwe munhu akanga atora bhuku rangu uye ndaida kuti andidzorere. Akanga asiri kunyatsoteerera, saka ndakawanazve Bhaibheri rangu. Ndakatenda Jehovha nomwoyo wangu wose!
Rimwe zuva, ndakanzi ndiende kunogeza. Pandaibvisa mbatya dzangu dzakanga dzasviba, ndakawisira Bhaibheri rangu pasi zvine ungwaru. Gadhi asingazvioni ndakariswededza negumbo pandaifanira kugezera. Ndakabva ndariviga padivi pandaigeza. Pandakapedza kugeza, ndakangoita zvandakanga ndamboita ndokuswededza Bhaibheri rangu pambatya dzakachena.
Zviitiko Zvinokurudzira Nezvisingakurudziri Munguva Yousungwa
Mamwe mangwanani muna 1943 vasungwa pavakanga vakaungana muchivanze, ndakaona Albin! Iyewo akanga asungwa. Akanditarisa achiratidza kuti akanga andiziva uye akabva abata pachipfuva chake kuratidza kuti taiva hama. Adaro akaratidza nemaoko kuti aizondinyorera tsamba. Zuva rakatevera racho paakadarika nepandaiva, akawisa kapepa. Asi gadhi akazviona, uye tose takaparadzaniswa nevamwe kwemavhiki maviri. Taingonwa mvura nokudya chingwa chakaoma uye tairara pamapuranga tisina magumbezi.
Zvadaro, ndakaendeswa kujeri kuSiegburg, kwandakashanda mushopu yaiita nezvemasimbi. Basa racho rainetesa, uye zvokudya zvaiva zvishoma. Usiku ndairota zvokudya zvinonaka, makeke nemichero uye ndaibva ndamuka ndiine nzara uye ndiine nyota zvikuru. Ndakaondoroka kwazvo. Zvisinei, zuva roga roga ndaiverenga Bhaibheri rangu duku uye ndaiwana chikonzero chokurarama.
Rusununguko Pakupedzisira!
Rimwe zuva mangwanani muna April 1945, magadhi akaerekana atiza pajeri rataiva ndokusiya magedhi akavhurika. Ndakanga ndasununguka! Asi kutanga ndaifanira kumbogara muchipatara kuti ndive noutano hwakanaka. Pakazopera mwedzi waMay, ndakasvika pamba pevabereki vangu. Vakanga vasingachafungi kuti ndaiva mupenyu. Pavakandiona, Amai vangu vakasvimha misodzi yomufaro. Zvinosuruvarisa kuti vabereki vangu vakafa nguva pfupi pashure pokunge ndadzoka kumba.
Ndakatanga kupindazve neUngano yeThionville. Ndakafara kuonazve mhuri yangu yechiKristu! Zvaifadza kuziva kuti vakanga varamba vakatendeka pasinei nemiedzo yakawanda. Shamwari yangu yepamwoyo Albin yakanga yafa kuRegensburg, kuGermany. Gare gare ndakazivawo kuti munin’ina wangu mwana wababamunini Jean Hisiger akanga ava Chapupu uye kuti akanga aurayiwa nokuti akaramba kupinda muchiuto. Jean Queyroi, wandakamboshanda naye kuhofisi yebazi kuParis, akanga atsungirira makore mashanu ari mumusasa wevashandi kuGermany.a
Ndakakurumidza kuitazve basa rokuparidza muguta reMetz. Panguva iyoyo, ndaiwanzosangana nemhuri yekwaMinzani. Mwanasikana wavo, Tina, akabhabhatidzwa musi waNovember 2, 1946. Aishingaira muushumiri, uye akanga ari tsvarakadenga chaiyo kwandiri. Takaroorana musi waDecember 13, 1947. Muna September 1967, Tina akatanga kuparidza zvenguva yakazara, uye akaramba ari mubasa iroro kusvikira parufu rwake muna June 2003, ava nemakore 98. Ndinogara ndichifunga Tina zvikuru.
Nhasi, zvandava nemakore anopfuura 90, ndinoziva kuti Shoko raMwari ndiro raigara richindipa simba rokutsungirira miedzo uye kuikunda. Dzimwe nguva ndaigara nenzara, asi nguva dzose ndaidyisa pfungwa dzangu nemwoyo Shoko raMwari. Uye Jehovha akandisimbisa. ‘Zvaakataura zvakandichengetedza ndiri mupenyu.’—Pisarema 119:50.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Nharireyomurindi yaOctober 1, 1989, mapeji 22-26, inotaura nezvenyaya youpenyu yaJean Queyroi.
[Mufananidzo uri papeji 21]
Shamwari yangu yepamwoyo Albin Relewicz
[Mufananidzo uri papeji 21]
Maryse Anasiak
[Mufananidzo uri papeji 22]
Bhaibheri randakachinjanisa nechingwa changu chevhiki rose
[Mufananidzo uri papeji 23]
Nomusikana wangu, Tina, muna 1946
[Mufananidzo uri papeji 23]
Jean Queyroi nomudzimai wake, Titica