RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 4/1 p. 5
  • Kuberekwa Patsva—Kunokosha Zvakadini?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuberekwa Patsva—Kunokosha Zvakadini?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Kuberekwazve—Ndiko Kunoponesa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Kuberekwa Patsva—Tinogona Kuzvisarudzira Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Chii Chinonzi Kuberekwazve?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Anodzidzisa Nikodhimo Usiku
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 4/1 p. 5

Kuberekwa Patsva—Kunokosha Zvakadini?

POSE paaitaura naNikodhimo, Jesu akasimbisa nyaya yokuti kuberekwa patsva kana kuti kuberekwazve kunokosha zvikuru. Akazviratidza sei?

Ona kuti Jesu paaikurukura naNikodhimo akasimbisa sei kukosha kwokuberekwa patsva. Akati: “Kana munhu akasaberekwazve, haangaoni umambo hwaMwari.” (Johani 3:3) Mashoko okuti “akasaberekwazve” uye “haangaoni” anoratidza kukosha kwokuberekwa patsva. Somuenzaniso: Kana mumwe munhu akati, “Kana zuva rikasabuda, hakungavi nechiedza,” anenge achireva kuti kubuda kwezuva kunokosha zvikuru kuti pave nechiedza. Saizvozvowo, Jesu akataura kuti kuberekwazve kunokosha zvikuru kuti munhu aone Umambo hwaMwari.

Pakupedzisira, Jesu asingadi kusiya mubvunzo panyaya yacho, akati: “Imi munofanira kuberekwazve.” (Johani 3:7) Zviri pachena kuti maererano naJesu, kuberekwazve kunokosha—kunofanira kuitwa—kuti munhu ‘apinde muUmambo hwaMwari.’—Johani 3:5.

Sezvo Jesu aiona kuberekwa patsva sechinhu chinokosha, vaKristu vanofanira kuva nechokwadi chokuti vanyatsonzwisisa nyaya iyi. Somuenzaniso, unofunga kuti muKristu anogona here kusarudza kuberekwazve?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

“Kana zuva rikasabuda, hakungavi nechiedza”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe