RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 4/1 pp. 7-8
  • Kuberekwa Patsva—Chinangwa Chacho Ndechei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuberekwa Patsva—Chinangwa Chacho Ndechei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Vamwe Vachatonga, Uye Vakawanda Vachabatsirwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Umambo Hwamwari Hunotonga
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 4/1 pp. 7-8

Kuberekwa Patsva—Chinangwa Chacho Ndechei?

VAKAWANDA vanodavira kuti munhu anofanira kuberekwazve kuti aponeswe nokusingaperi. Asi ona kuti Jesu pachake akati kudii nezvechinangwa chokuberekwa patsva. Akati: “Kana munhu akasaberekwazve, haangaoni umambo hwaMwari.” (Johani 3:3) Saka, munhu anofanira kuberekwazve kuitira kuti apinde muUmambo hwaMwari, kwete kuti aponeswe. Vamwe vangati, ‘Asi mashoko okuti kupinda muUmambo nokuponeswa, haarevi chinhu chimwe chete here?’ Kwete. Kuti tinzwisise kusiyana kwazvakaita, ngatitange taongorora zvinorehwa nemashoko okuti “umambo hwaMwari.”

Umambo ihurumende. Saka, mashoko okuti “umambo hwaMwari” anoreva kuti “hurumende yaMwari.” Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jesu Kristu, “mwanakomana womunhu,” ndiye Mambo woUmambo hwaMwari uye kuti Kristu ane vaanotonga navo. (Dhanieri 7:1, 13, 14; Mateu 26:63, 64) Uyewo zvakaonekwa nomuapostora Johani zvinoratidza kuti vanotonga naKristu vanhu vakasarudzwa “kubva mumadzinza ose nendimi nevanhu norudzi” uye “vachatonga semadzimambo pamusoro penyika.” (Zvakazarurwa 5:9, 10; 20:6) Shoko raMwari rinoratidzawo kuti vaya vachatonga vari madzimambo vanoumba “boka duku” revanhu 144-000 “vakatengwa vachibva panyika.”—Ruka 12:32; Zvakazarurwa 14:1, 3.

Umambo hwaMwari hunotonga huri kupi? “Umambo hwaMwari” hunonziwo “umambo hwokumatenga,” zvinoratidza kuti Jesu uye vaanotonga navo vachatonga vari kudenga. (Ruka 8:10; Mateu 13:11) Naizvozvo, Umambo hwaMwari ihurumende yokudenga ina Jesu Kristu neboka revaanotonga navo vakasarudzwa kubva panyika.

Jesu airevei paakati munhu anofanira kuberekwazve kuti ‘apinde muumambo hwaMwari’? Aireva kuti zvinoda kuti munhu aberekwezve kuti azotonga pamwe naKristu kudenga. Saka, chinangwa chokuberekwa patsva ndechokugadzirira boka duku revanhu kuti vazotonga vari kudenga.

Saka, iye zvino taona kuti kuberekwa patsva kunokosha zvikuru, kunobva kuna Mwari, uye chinangwa chacho ndechokugadzirira boka revanhu vanozotonga vari kudenga. Asi kuberekwa patsva kunomboitika sei?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]

Chinangwa chokuberekwa patsva ndechokugadzirira boka duku revanhu kuti vazotonga vari kudenga

[Mufananidzo uri papeji 7]

Jesu Kristu neboka revaanotonga navo vakasarudzwa kubva panyika ndivo vanoumba Umambo hwaMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe