2 Wana Zivo Yakarurama yaMwari
“Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete.”—Johani 17:3.
ZVII ZVINGAKUTADZISA? Vamwe vanoti hakuna Mwari. Vamwe vanoti Mwari haasi munhu, asi anongova simba guru. Vamwe vanodavira kuti munhu vanodzidzisa dzidziso dzinopikisana nezvake nounhu hwake.
UNGAKURIRA SEI ZVINOKUTADZISA? Imwe nzira yokuziva nayo Mwari ndeyokutarisa zvinhu zvaakasika. Muapostora Pauro akati: “Zvaari [Mwari] zvisingaoneki, iro simba rake risingagumi nokuva kwake Mwari, zvinonyatsooneka kubvira pakasikwa nyika, nokuti zvinonzwisiswa panoonekwa zvinhu zvakaitwa.” (VaRoma 1:20) Nokunyatsoongorora zvinhu zvakasikwa, unogona kudzidza zvakawanda nezvouchenjeri uye simba roMusiki wedu.—Pisarema 104:24; Isaya 40:26.
Zvisinei, kuti munhu anyatsoziva unhu hwaMwari zvakarurama, anofanira kuvhura Shoko raMwari Bhaibheri, oriongorora oga. Usabvumira vamwe kuti vakusarudzire pane zvaunenge wafunga kuita. Pane kudaro, teerera zano iri reBhaibheri: “Regai kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino, asi shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu, kuti muedze, muzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.” (VaRoma 12:2) Somuenzaniso, chimbofunga nezvemashoko anotevera ari muBhaibheri anoratidza kuti Mwari munhu akaita sei.
Mwari ane zita. Pakutanga zita raMwari raiwanika kakawanda chaizvo muBhaibheri rose. Shanduro dzakawanda dzairitaura pana Pisarema 83:18 panoti: “Vazive kuti imi moga, imi mune zita rinonzi Jehovha, ndimi wokumusorosoro kumusoro kwapasi pose.”—Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
Jehovha Mwari anogona kufadzwa kana kutsamwiswa nezvinoitwa nevanhu. Pashure pokunge Jehovha asunungura vaIsraeri muuranda hwomuIjipiti, vaimborega kuteerera zano rake rouchenjeri. ‘Akarwadziswa’ nokupanduka kwavo. Zvavakaita ‘zvakarwadzisa Mutsvene waIsraeri.’—Pisarema 78:40, 41.
Jehovha ane hanya nomumwe nomumwe wedu. Jesu paaitaura nevadzidzi vake akati: “Shiri duku mbiri hadzitengeswi nemari isingakoshi here? Asi hapana imwe yadzo ingawira pasi Baba venyu vasingazivi. Asi imi kunyange bvudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Naizvozvo musatya: imi munokosha kupfuura shiri duku zhinji.”—Mateu 10:29-31.
Mwari haana rudzi rwaanofarira kupfuura mamwe marudzi. Muapostora Pauro akaudza vaGiriki vaiva muAtene kuti Mwari “akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe chete, kuti agare pamusoro penyika yose.” Akataurawo kuti Mwari ‘haasi kure nomumwe nomumwe wedu.’ (Mabasa 17:26, 27) Muapostora Petro akati: “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:34, 35.
MUBAYIRO WOKUDZIDZA BHAIBHERI NDOWEI? Vamwe “vanoshingairira kushumira Mwari; asi havazviiti maererano nezivo yakarurama.” (VaRoma 10:2) Kana uchiziva zvinodzidziswa neBhaibheri nezvaMwari, hauzombotsauswi uye uchakwanisa ‘kuswedera pedyo naMwari.’—Jakobho 4:8.
Kana uchida mamwe mashoko, ona chitsauko 1 chinoti, “Chokwadi Pamusoro paMwari Ndechipi?,” mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?a
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mufananidzo uri papeji 6]
Imwe nzira yokuziva nayo Mwari ndeyokutarisa zvinhu zvaakasika