3 Dzidza Chokwadi nezvaJesu
“Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:16.
ZVII ZVINGAKUTADZISA? Vamwe vangaita kuti udavire kuti Jesu haana kumborarama. Vamwe vanobvuma kuti akararama asi vanoti aingova munhuwo zvake akafa kare.
UNGAKURIRA SEI ZVINOKUTADZISA? Tevedzera mudzidzi Natanieri.a Shamwari yake Firipi yakamuudza kuti akanga awana Mesiya—“Jesu, mwanakomana waJosefa, wokuNazareta.” Zvisinei, Natanieri haana kungobvumira mudenga. Kutaura zvazviri, akapindura kuti: “Pane chinhu chakanaka chingabva muNazareta here?” Kunyange zvakadaro akabvuma paakanzi naFiripi ‘uya uzvionere.’ (Johani 1:43-51) Newewo uchabatsirwa kana ukaongorora pachako uchapupu pamusoro paJesu. Ungaita sei?
Ongorora uchapupu hwekare hunoratidza kuti Jesu aiva munhu chaiyeiye. Josephus naTacitus ndevamwe vanyori venhoroondo dzekare vanoremekedzwa vakararama muzana remakore rokutanga uye vakanga vasiri vaKristu. Vanotaura kuti Jesu Kristu munhu chaiye akararama. Tacitus paaitsanangura kuti Mutongi weRoma ainzi Nero akapomera sei vaKristu mhosva yomoto wakaitika muRoma muna 64 C.E. akanyora kuti: ‘Nero akapomera mhosva boka revanhu vainzi vaKristu, vaivengwa nevaRoma nemhaka yetsika dzavo dzechiKristu, achivatambudza zvikuru. Zita rokuti vaKristu rakabva pamunhu ainzi Christus kana kuti Kristu, uyo akarangwa zvakaipisisa nomumwe wevatongi vedu ainzi Pondiyo Pirato, panguva yaitonga Tibheriyo.’
Ichitaura nezvezvaitaurwa nevanyori venhoroondo vomuzana remakore rokutanga uye rechipiri nezvaJesu uye vaKristu vokutanga, Encyclopædia Britannica, ya2002 inoti: “Nhoroondo idzi dzakazvimirira dzoga dzinoratidza kuti kare kunyange vavengi vechiKristu havana kumboramba kuti Jesu akanga ariko, izvo zvakazotanga kurambwa kubva kumagumo kwezana remakore rechi18, rechi19, uye kusvika pakutanga kwerechi20.” Muna 2002, imwe nyaya iri mumagazini inonzi The Wall Street Journal yakati: ‘Nyanzvi dzakawanda, kunze kwevaya vasingatendi kuti Mwari aripo, dzakatobvuma kuti Jesu weNazareta munhu akamborarama.’
Chimbofunga nezvouchapupu hunoratidza kuti Jesu akamutswa. Jesu paakasungwa nevaimuvenga, shamwari dzake dzepamwoyo dzakamusiya, uye shamwari yake Petro yakaramba kuti yaimuziva pamusana pokutya. (Mateu 26:55, 56, 69-75) Jesu asungwa, vateveri vake vakabva vangoita waziva kwake waziva kwake. (Mateu 26:31) Vadaro, nenguva isipi vadzidzi vake vakatangazve kuita basa. Vashinga, Petro naJohani vakaenda kunoparidzira varume vaya vakanga vaita kuti Jesu aurayiwe. Vadzidzi vaJesu vakanzwa vakurudzirwa chaizvo zvokuti vakaparadzira dzidziso yake muUmambo hwose hweRoma, vachisarudza havo kufa pane kurega kudavira zvavaitenda.
Chimwe chikonzero chakaita kuti vaerekane vachinja mafungiro avo chaiva chii? Muapostora Pauro anotsanangura kuti Jesu akamutswa kuvakafa uye “akazviratidza kuna Kefasi [Petro], akazozviratidza kune vane gumi nevaviri.” Pauro anotizve: “Pashure paizvozvo akazviratidza kuhama dzinopfuura mazana mashanu panguva imwe chete.” Zvapupu zvakawanda zvakaona izvi zvichiitika zvakanga zvichiri kurarama panguva yakanyora Pauro mashoko aya. (1 VaKorinde 15:3-7) Zvingave zvaiva nyore kuti vanopikisa izvi varambe uchapupu hwomunhu mumwe chete kana hwevaviri vakazviona zvichiitika. (Ruka 24:1-11) Asi uchapupu hwevanhu vaipfuura mazana mashanu hwakaratidza pachena kuti zvechokwadi Jesu akamutswa kuvakafa.
MUBAYIRO WOKUDZIDZA NEZVAJESU NDOWEI? Vaya vanotenda muna Jesu uye vanomuteerera vanogona kukanganwirwa zvivi zvavo uye kuramba vaine hana yakachena. (Mako 2:5-12; 1 Timoti 1:19; 1 Petro 3:16-22) Kana vakafa, Jesu anovimbisa kuvamutsa “pazuva rokupedzisira.”—Johani 6:40.
Kana uchida mamwe mashoko, ona chitsauko 4 chinoti, “Jesu Kristu Ndiani?,” uye chitsauko 5 chinoti, “Rudzikinuro rwaKristu—Chipo Chikuru Kwazvo chaMwari,” mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?b
[Mashoko Omuzasi]
a Zvinoita sokuti vakanyora Evhangeri Mateu, Mako naRuka vakashandisa zita rokuti Bhatoromeyo vachireva Natanieri.
b Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Ita sezvakaitwa naNatanieri, kuongorora uchapupu hunotaura nezvaJesu