Bheteri rokuBrooklyn Rava Nemakore 100
GORE ra1909 raikosha kuNew York City. Bhiriji rinonzi Queensboro rakatanga kushanda, raibatanidza guta reQueens neManhattan, uye bhiriji rokuManhattan rakatangawo kushanda, ndokubatanidzazve Manhattan neBrooklyn.
Raivawo gore rinokosha kune Zvapupu zvaJehovha. Makore akanga achangobva kupfuura, Charles Taze Russell, purezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society, sangano repamutemo reZvapupu zvaJehovha, akanga afanoona kukura kwebasa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika yose. (Mateu 24:14) Akaona kuti kutamisira dzimbahwe reSociety kubva kuPittsburgh, muPennsylvania, kuenda kuBrooklyn, muNew York, raizova danho rinokosha pakuti zvidaro. Urongwa hwokutama hwakatanga muna 1908, uye kutama kwacho kwakazoitwa gore rakatevera racho richangotanga.
Nei Kutamira kuBrooklyn?
Kareko vaya vaitungamirira mubasa rokuparidza vaiziva kuti kuparidza nehurukuro dzaibudiswa mumapepanhau kwaigona kubudirira pakuparadzira chokwadi cheBhaibheri. Kutaura zvazviri, pakazosvika gore ra1908, hurukuro dzeBhaibheri dzaRussell dzaibuda vhiki nevhiki dzakanga dzabudiswa mumapepanhau 11 aiti kana adhindwa ose pavhiki aisvika 402 000.
Zvisinei, Russell akanyora kuti: “Hama dzinoziva mashandiro anoita vemapepanhau . . . dziri kutivimbisa kuti kudai hurukuro dzinobuda vhiki nevhiki idzi dzaizobudiswa [muguta guru] zvaizoita kuti hurukuro idzi dzibudiswe mumapepanhau ose ari muUnited States; zvokuti mugore rimwe chete bedzi pangava nemazana emapepanhau anenge ava kugara achibudisa hurukuro idzi.” Saka pakabva pava nechipatapata chokutsvaka nzvimbo yainyatsokodzera kuwedzera basa rokuparidza.
Nei Brooklyn yaiva nzvimbo yakakodzera? Russell akati: “Tose zvedu tanyengetera nezvazvo, takagumisa kuti guta reBrooklyn, N.Y., rine vanhu vakawanda zvikuru . . . uye rinozivikanwa se‘Guta reMachechi,’ pamusana pezvikonzero izvi, ringava nzvimbo yakanyatsokodzera pabasa iri rokucheka.” Zvakaguma zvaitika zvinoratidza kuti zvaiva zvakanaka kuti vasarudze kudaro. Munguva pfupi, mapepanhau 2 000 akanga ava kubudisa hurukuro dzahama Russell.
KuNew York kune zvimwe zvakwaive kwakanakira. Pakazosvika 1909, mahofisi emapazi akanga atova muGreat Britain, Germany, neAustralia uye paitova nemamwe aitarisirwa kuti aizovapo. Saka zvaiva nomusoro kuti dzimbahwe renyika yose rive muguta riri pedyo negungwa raivawo nemigwagwa yakawanda uye njanji dzaienda kune dzimwe nzvimbo.
Nei Rakanzi Bheteri?
Dzimbahwe rokutanga reWatch Tower Bible and Tract Society rakavapo muma1880, muAllegheny (yava chikamu chePittsburgh), muPennsylvania. Panguva iyoyo, rainzi Bible House (Imba yeBhaibheri). Pakazosvika 1896, imba iyi yaingova nevanhu 12 vaishandapo.
Zvisinei, kutamira kuBrooklyn kwakaitika muna 1909 kwakaita kuti imba yokugara yevashandi inzi Bheteri.a Nei yakanzi Bheteri? Zvivako zvakatengwa neWatch Tower Society zvaiva panhamba 13 kusvika 17 mumugwagwa unonzi Hicks, zvaiva zvomumwe mufundisi akakurumbira ainzi Henry Ward Beecher uye zvaiva nezita rokuti Beecher Bethel (Bheteri raBeecher). Paimbogarwa naBeecher, panhamba 124 Columbia Heights, pakatengwawo. Nharireyomurindi yaMarch 1, 1909 yakati: “Zvinoshamisa kuti takawana Beecher Bethel yekare uye tikatenga paaimbogara tisingazvitarisiri. . . . Musha mutsva uyu tichauti ‘Bheteri,’ uye hofisi itsva neimba yevateereri tichazviti, ‘The Brooklyn Tabernacle’ (Tebhenekeri yokuBrooklyn); mazita aya achatsiva rokuti ‘Bible House.’”
Iye zvino, zvivako zvakawedzerwa kuvakwa zviri kuBrooklyn uye zviri kune dzimwe nzvimbo mbiri dzomuNew York State, kuWallkill uye kuPatterson, kusanganisira dzimba dzokugara, dzimba dzokudhindira mabhuku, uye mahofisi, zvava kunzi Bheteri. Kutaura zvazviri, kune misha yeBheteri munyika 113 pasi rose. Kune vashandi vanopfuura 19 000 vari kushumira varipo vachibatsira kuparadzira mashoko eBhaibheri.
Vashanyi Vanotambirwa Noushamwari
Zvivako izvi zvakatsaurirwa musi waJanuary 31, 1909. Muvhuro womusi waSeptember 6, 1909, waiva wokuti vaenzi vauye kuzoona Bheteri. Mazana eVadzidzi veBhaibheri, raimbova zita reZvapupu zvaJehovha, vakauya kuzoona nzvimbo yacho. Vakawanda vacho vaibva kugungano reruwa rechiKristu rakaitwa kuSaratoga Springs, yaive makiromita 320 kuchamhembe kweNew York City. Charles Taze Russell akagamuchira ndokukwazisa vaenzi vacho.b
Vaenzi vachiri kugamuchirwa nomufaro paBheteri. Kutaura chokwadi, gore rimwe nerimwe vanhu vanopfuura 40 000 vanoshanyira Bheteri rokuBrooklyn vachizoona zvapakaita. Bheteri rokuBrooklyn riri kuramba richiita basa rinokosha mukuwedzera basa rine chokuita noUmambo hwaJehovha, zvichiita kuti mamiriyoni evanhu akomborerwe.
a Shoko rechiHebheru rokuti “Bheteri” rinoreva kuti “Imba yaMwari.” MuBhaibheri, guta reBheteri raizivikanwa zvikuru muIsraeri. Guta reJerusarema chete ndiro rinonyanya kutaurwa nezvaro.
b Kuti uwane mamwe mashoko akadzama anotaura zvakaitika kare, ona mapeji 718-723 ebhuku rinonzi Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.