RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 5/1 pp. 22-25
  • Bheteri rokuBrooklyn Rava Nemakore 100

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bheteri rokuBrooklyn Rava Nemakore 100
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Kutamira kuBrooklyn?
  • Nei Rakanzi Bheteri?
  • Vashanyi Vanotambirwa Noushamwari
  • Iri Ndiro Ringava Basa Rakanakisisa Kwauri Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kurangarira Nokuonga “Imba yaMwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Kuzivisa Kudzoka Kwashe (1870-1914)
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Jehovha Anounganidza Ndokushongedzera Vanhu Vake Nokuda Kwebasa
    Zvapupu zvaJehovha Zvinoita Kuda kwaMwari Mukubatana Munyika Yose
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 5/1 pp. 22-25

Bheteri rokuBrooklyn Rava Nemakore 100

GORE ra1909 raikosha kuNew York City. Bhiriji rinonzi Queensboro rakatanga kushanda, raibatanidza guta reQueens neManhattan, uye bhiriji rokuManhattan rakatangawo kushanda, ndokubatanidzazve Manhattan neBrooklyn.

Raivawo gore rinokosha kune Zvapupu zvaJehovha. Makore akanga achangobva kupfuura, Charles Taze Russell, purezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society, sangano repamutemo reZvapupu zvaJehovha, akanga afanoona kukura kwebasa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika yose. (Mateu 24:14) Akaona kuti kutamisira dzimbahwe reSociety kubva kuPittsburgh, muPennsylvania, kuenda kuBrooklyn, muNew York, raizova danho rinokosha pakuti zvidaro. Urongwa hwokutama hwakatanga muna 1908, uye kutama kwacho kwakazoitwa gore rakatevera racho richangotanga.

Nei Kutamira kuBrooklyn?

Kareko vaya vaitungamirira mubasa rokuparidza vaiziva kuti kuparidza nehurukuro dzaibudiswa mumapepanhau kwaigona kubudirira pakuparadzira chokwadi cheBhaibheri. Kutaura zvazviri, pakazosvika gore ra1908, hurukuro dzeBhaibheri dzaRussell dzaibuda vhiki nevhiki dzakanga dzabudiswa mumapepanhau 11 aiti kana adhindwa ose pavhiki aisvika 402 000.

Zvisinei, Russell akanyora kuti: “Hama dzinoziva mashandiro anoita vemapepanhau . . . dziri kutivimbisa kuti kudai hurukuro dzinobuda vhiki nevhiki idzi dzaizobudiswa [muguta guru] zvaizoita kuti hurukuro idzi dzibudiswe mumapepanhau ose ari muUnited States; zvokuti mugore rimwe chete bedzi pangava nemazana emapepanhau anenge ava kugara achibudisa hurukuro idzi.” Saka pakabva pava nechipatapata chokutsvaka nzvimbo yainyatsokodzera kuwedzera basa rokuparidza.

Nei Brooklyn yaiva nzvimbo yakakodzera? Russell akati: “Tose zvedu tanyengetera nezvazvo, takagumisa kuti guta reBrooklyn, N.Y., rine vanhu vakawanda zvikuru . . . uye rinozivikanwa se‘Guta reMachechi,’ pamusana pezvikonzero izvi, ringava nzvimbo yakanyatsokodzera pabasa iri rokucheka.” Zvakaguma zvaitika zvinoratidza kuti zvaiva zvakanaka kuti vasarudze kudaro. Munguva pfupi, mapepanhau 2 000 akanga ava kubudisa hurukuro dzahama Russell.

KuNew York kune zvimwe zvakwaive kwakanakira. Pakazosvika 1909, mahofisi emapazi akanga atova muGreat Britain, Germany, neAustralia uye paitova nemamwe aitarisirwa kuti aizovapo. Saka zvaiva nomusoro kuti dzimbahwe renyika yose rive muguta riri pedyo negungwa raivawo nemigwagwa yakawanda uye njanji dzaienda kune dzimwe nzvimbo.

Nei Rakanzi Bheteri?

Dzimbahwe rokutanga reWatch Tower Bible and Tract Society rakavapo muma1880, muAllegheny (yava chikamu chePittsburgh), muPennsylvania. Panguva iyoyo, rainzi Bible House (Imba yeBhaibheri). Pakazosvika 1896, imba iyi yaingova nevanhu 12 vaishandapo.

Zvisinei, kutamira kuBrooklyn kwakaitika muna 1909 kwakaita kuti imba yokugara yevashandi inzi Bheteri.a Nei yakanzi Bheteri? Zvivako zvakatengwa neWatch Tower Society zvaiva panhamba 13 kusvika 17 mumugwagwa unonzi Hicks, zvaiva zvomumwe mufundisi akakurumbira ainzi Henry Ward Beecher uye zvaiva nezita rokuti Beecher Bethel (Bheteri raBeecher). Paimbogarwa naBeecher, panhamba 124 Columbia Heights, pakatengwawo. Nharireyomurindi yaMarch 1, 1909 yakati: “Zvinoshamisa kuti takawana Beecher Bethel yekare uye tikatenga paaimbogara tisingazvitarisiri. . . . Musha mutsva uyu tichauti ‘Bheteri,’ uye hofisi itsva neimba yevateereri tichazviti, ‘The Brooklyn Tabernacle’ (Tebhenekeri yokuBrooklyn); mazita aya achatsiva rokuti ‘Bible House.’”

Iye zvino, zvivako zvakawedzerwa kuvakwa zviri kuBrooklyn uye zviri kune dzimwe nzvimbo mbiri dzomuNew York State, kuWallkill uye kuPatterson, kusanganisira dzimba dzokugara, dzimba dzokudhindira mabhuku, uye mahofisi, zvava kunzi Bheteri. Kutaura zvazviri, kune misha yeBheteri munyika 113 pasi rose. Kune vashandi vanopfuura 19 000 vari kushumira varipo vachibatsira kuparadzira mashoko eBhaibheri.

Vashanyi Vanotambirwa Noushamwari

Zvivako izvi zvakatsaurirwa musi waJanuary 31, 1909. Muvhuro womusi waSeptember 6, 1909, waiva wokuti vaenzi vauye kuzoona Bheteri. Mazana eVadzidzi veBhaibheri, raimbova zita reZvapupu zvaJehovha, vakauya kuzoona nzvimbo yacho. Vakawanda vacho vaibva kugungano reruwa rechiKristu rakaitwa kuSaratoga Springs, yaive makiromita 320 kuchamhembe kweNew York City. Charles Taze Russell akagamuchira ndokukwazisa vaenzi vacho.b

Vaenzi vachiri kugamuchirwa nomufaro paBheteri. Kutaura chokwadi, gore rimwe nerimwe vanhu vanopfuura 40 000 vanoshanyira Bheteri rokuBrooklyn vachizoona zvapakaita. Bheteri rokuBrooklyn riri kuramba richiita basa rinokosha mukuwedzera basa rine chokuita noUmambo hwaJehovha, zvichiita kuti mamiriyoni evanhu akomborerwe.

a Shoko rechiHebheru rokuti “Bheteri” rinoreva kuti “Imba yaMwari.” MuBhaibheri, guta reBheteri raizivikanwa zvikuru muIsraeri. Guta reJerusarema chete ndiro rinonyanya kutaurwa nezvaro.

b Kuti uwane mamwe mashoko akadzama anotaura zvakaitika kare, ona mapeji 718-723 ebhuku rinonzi Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Unozivei NezveWATCH TOWER BIBLE and TRACT SOCIETY?

Sangano rava kuzivikanwa seWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania rakatanga muna 1884 richinzi Zion’s Watch Tower Tract Society. Chinangwa charo chaiva chokuparadzira chokwadi chiri muBhaibheri kune dzimwe nyika pachinyanya kushandiswa mapepa akadhindwa. Pari zvino, Watch Tower Bible and Tract Society ndiro rimwe remasangano epamutemo ari kushandiswa neZvapupu zvaJehovha munyika yose.c—VaFiripi 1:7.

Watch Tower Bible and Tract Society yakabudisa maBhaibheri nemabhuku anotsanangura Bhaibheri mumitauro 473. Yakabudisa maBhaibheri anosvika mamiriyoni 150 eShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene yakazara kana kuti yeMagwaro echiKristu echiGiriki mumitauro 72. Kuwedzera kuShanduro yeNyika Itsva, Society yakadhinda nemichina yayo kana kuti yakadhindisa shanduro dzemaBhaibheri anotevera: American Standard Version, The Bible in Living English, The Emphatic Diaglott, Holman’s Linear Parallel Edition, King James Version (kusanganisira rinonzi Bible Students Edition), uye The New Testament Newly Translated and Critically Emphasized, Second Edition.

Pane kungodhinda maBhaibheri, mumakore gumi chete apfuura, Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa mabhuku, magazini, maturakiti, maCD, maDVD, nemamwe mabhuku anotsanangura Bhaibheri zvinopfuura mabhiriyoni 20.d Zvizhinji zvezvinhu izvi zvaidhindwa, kurongedzwa, uye zvichitumirwa kubva kumisha yeBheteri iri munyika dzakadai seArgentina, Australia, Brazil, Britain, Canada, Colombia, Finland, Germany, India, Italy, Japan, Korea, Mexico, Myanmar, Nigeria, Philippines, South Africa, Spain, uye United States.

1998-2008

ZVAKAITWA MUNA

Mabhuku

458 230 708

Magazini

11 292 413 199

Maturakiti

7 996 906 376

Mabhurocha

862 050 233

MaCD nemaMP3

34 621 130

MaDVD

13 500 125

Zvimwe

129 083 031

Nhamba Yose

20 786 804 802

c Muna 2008, kwaiva neZvapupu zvaJehovha 7 124 443 munyika 236. Zvaipinda muungano dzinosvika 103 267.

d Zvinhu izvi hazvitengeswi. Basa rokudzidzisa Bhaibheri rinoitwa neZvapupu zvaJehovha rinotsigirwa nezvipo zvokuzvidira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe