Dzidzisa Vana Vako
Muzukuru waPauro—Akaponesa Sekuru Vake
WAIZVIZIVA here kuti muapostora Pauro aiva nehama dzaiva vateveri vaJesu?a— Magwaro anoratidza kuti hanzvadzi yake nemwanakomana wayo vaiva vateveri vaJesu. Uye muzukuru iyeye akaponesa Pauro! Hatizivi zita rake kana raamai vake, asi tinoziva zvaakaita. Ungada kuzvinzwa here?—
Pauro achangodzoka parwendo rwake rwechitatu rwoumishinari uye ari muJerusarema. Zviri pachena kuti igore ra56 C.E. Pauro asungwa uye ari kufanira kuendeswa kunotongwa. Asi vavengi vaPauro havadi kuti atongwe. Vari kuda kuti afe! Saka vanoronga kuti varume vanenge 40 vamuvandire munzira vomuuraya.
Zvinongoitikawo kuti muzukuru waPauro anonzwa zvarongwa zvacho. Unoziva zvaanobva aita here?— Anoenda kuna Pauro omuudza zvaakarongerwa. Pauro anobva audza mumwe wevakuru veuto kuti: “Enda nejaya iri kumutungamiriri wehondo, nokuti rinoda kumuudza chimwe chinhu.” Mukuru wacho anobva aenda nejaya racho kumutungamiriri wehondo, Kraudhiyo Risiyasi, uye anotaura kuti jaya racho rine mashoko anokosha. Kraudhiyo anoenda nemuzukuru waPauro vonotaurirana vari voga, uye jaya racho rinomuudza zvose zvakanga zvarongwa.
Kraudhiyo anomurayira kuti: “Usaudza chero ani zvake kuti wandibudisira pachena zvinhu izvi.” Anobva ashevedza vakuru veuto vaviri uye anovaudza kuti vaite kuti varwi 200, vatasvi vemabhiza 70, uye varume 200 vane mapfumo vagadzirire kufora vakananga kuKesariya. Nenguva dza9 manheru iwayo, varume vacho 470 vanoenda uye vanosvitsa Pauro akachengeteka kuKesariya kuna Gavhuna weRoma anonzi Ferikisi. Mutsamba yaanonyora kuna Ferikisi, Kraudhiyo anotaura nezvezvakanga zvarongwa kuti Pauro aurayiwe.
Saka vaJudha vanofanira kuenda kudare riri kuKesariya kuti vanotaura zvavanopomera Pauro ikoko. Asi, havana uchapupu hunoratidza kuti Pauro ane chakaipa chaakaita. Kunyange zvakadaro, Pauro anochengetwa ari mujeri kwemakore maviri zvaitwa pasina kururamisira. Saka, anobva akumbira kuti aende kunotongwa kuRoma, uye anoendeswa ikoko.—Mabasa 23:16–24:27; 25:8-12.
Tinodzidzei munyaya iyi yomuzukuru waPauro?— Kuti zvinoda kushinga kuti utaure zvinhu zvinofanira kuzivikanwa uye kuti kana tikadaro, tinogona kuponesa upenyu hwevamwe. Kunyange Jesu paaiziva kuti vavengi vake “vakanga vachitsvaka kumuuraya,” akaramba achiudza vanhu nezvoUmambo hwaMwari. Jesu akatiudza kuti tiitewo saizvozvo. Tichadaro here? Tichadaro kana takashinga sezvakanga zvakaita muzukuru waPauro.—Johani 7:1; 15:13; Mateu 24:14; 28:18-20.
Pauro akakurudzira shamwari yake duku Timoti kuti: “Ramba uchizvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako. Rambira pazvinhu izvi, nokuti kana ukaita izvi uchazviponesa iwe nevaya vanokuteerera.” (1 Timoti 4:16) Chokwadi, muzukuru waPauro akaita maererano nokukurudzirwa kwaakanga aitwa nasekuru vake. Uchadaro here?
a Kana uri kuverenga nomwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kumbotura befu uye kukurudzira mwana kuti ataure zvaanofunga.