Swedera Pedyo naMwari
“Ini Jehovha Mwari Wenyu Ndiri Mutsvene”
“MUTSVENE, mutsvene, mutsvene ndiJehovha Mwari.” (Zvakazarurwa 4:8) Nemashoko aya Bhaibheri rinotsanangura kuti Jehovha mutsvene, zvichireva kuti akachena uye akarurama zvikuru kwazvo. Mwari haatomborina chivi; haagoni kukanganiswa nechivi munzira ipi zvayo. Izvi zvinoreva here kuti vanhu vasina kukwana havana tariro yokuva noukama naMwari mutsvene zvikuru? Kwete! Ngatimboongororai mashoko anotipa tariro akanyorwa muna Revhitiko chitsauko 19.
Jehovha akaudza Mosesi kuti: “Taura neungano yose yevanakomana vaIsraeri.” Zvaakazotaura zvaishanda kumunhu wose werudzi urwu. Mosesi aifanira kuvaudzei? Mwari akaramba achitaura kuti: “Uti kwavari, ‘Munofanira kuva vatsvene, nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene.’” (Ndima 2) MuIsraeri mumwe nomumwe aifanira kuva netsika dzakarurama. Shoko rokuti “munofanira” rinoratidza kuti akanga asiri kuvakumbira asi aivapa murayiro. Saka Mwari aivatarisira kuita zvavakanga vasingakwanisi here?
Ona kuti Jehovha akataura nezvokuva mutsvene kwake achivapa chikonzero chomurayiro wacho, kwete achida kuti vaenzane naye. Nemamwe mashoko, Jehovha haana kuudza vanamati vake vasina kukwana vaiva muIsraeri kuti vave vatsvene saiye. Izvozvo hazvaizoita. Jehovha, “Mutsvenetsvene,” ndiye mutsvene zvikuru kupfuura vanhu vose. (Zvirevo 30:3) Zvisinei, nemhaka yokuti Jehovha mutsvene, anotarisira kuti vanamati vake vave vatsvene—kureva kuti vaite zvavanokwanisa sevanhu vasina kukwana. Inzira dzipi dzavangaratidza nadzo kuti vatsvene?
Avapa murayiro wokuti vave vatsvene, Jehovha achishandisa Mosesi akavaudza zvavaida zvaisanganisira zvinhu zvose zvoupenyu hwavo. MuIsraeri mumwe nomumwe aitarisirwa kuteerera mitemo yetsika seizvi: kuremekedza vabereki nevakwegura (ndima 3, 32); kuva nehanya nematsi, mapofu, uye vamwe vakaremara (ndima 9, 10, 14); kuva akavimbika uye kusasarura pamabasa ake nevamwe (ndima 11-13, 15, 35, 36); uye kuda vaainamata navo sezvaaizviita. (Ndima 18) Kuchengeta kwaiita muIsraeri mirayiro iyi nemimwe yakanga yataurwa, kwaiita kuti ave ‘mutsvene kuna Mwari wake.’—Numeri 15:40.
Murayiro wezvokuva vatsvene unotibatsira kuti tinzwisise zvinofungwa naJehovha Mwari uye nzira dzake. Tinodzidza kuti kana tichida kuva noukama hwakasimba naye, tinofanira kuita zvatinokwanisa kurarama tichitevedzera mitemo yetsika dzakarurama. (1 Petro 1:15, 16) Kana tikatevedzera mitemo iyoyo, tinogona kunakidzwa nokurarama upenyu hwakanaka.—Isaya 48:17.
Murayiro wokuti vanamati vake vave vatsvene unoratidza kuti Jehovha anovimba nevanamati vake. Jehovha haatitarisiri kuti tiite zvatisingakwanisi kuita. (Pisarema 103:13, 14) Anoziva kuti tiri vanhu, takasikwa mumufananidzo wake, tinokwanisa kuva vatsvene—kunyange zvazvo tingasasvika paari. (Genesisi 1:26) Unonzwa here uchida kudzidza zvakawanda nezvokuswedera pedyo kwaungaita naMwari mutsvene Jehovha?
[Mufananidzo uri papeji 9]
Tinokwanisa kuva vatsvene