RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 10/1 p. 10
  • Jehovha Anokumbirei Kwatiri?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anokumbirei Kwatiri?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • “Kuda Mwari Kunoreva Izvi”
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 5—Dheuteronomio
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Rudo rwaMwari Runogara Nekusingaperi
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Mosesi Murume Aiva Nerudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 10/1 p. 10

Swedera Pedyo naMwari

Jehovha Anokumbirei Kwatiri?

Dheuteronomio 10:12, 13

HAZVISI nyore nguva dzose kusarudza kuteerera kana kusateerera. Mutungamiriri ane hasha kana anoshusha angangoteererwa nevaya vari pasi pake chete asi vachigunun’una. Asi Jehovha anoteererwa nevanamati vake zvichibva pamwoyo. Nei? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, ngationgororei mashoko aMosesi ari pana Dheuteronomio 10:12, 13.a

Paaipedzisa kutaura zvaidiwa naMwari, Mosesi akabvunza mubvunzo unonakidza wokuti: “Jehovha Mwari wako ari kukumbirei kwauri?” (ndima 12) Mwari ane kodzero yokutibvunza chero zvaanoda. Kupfuura zvose, ndiye Changamire Ishe uye ndiye Tsime uye Mutsigiri woupenyu. (Pisarema 36:9; Isaya 33:22) Jehovha ane kodzero yokutikumbira kuti timuteerere. Asi haatimanikidzi kumuteerera. Anotikumbirei? Kuti tive “vanoteerera zvichibva pamwoyo.”—VaRoma 6:17.

Chii chingatikurudzira kuteerera Mwari nemwoyo unoda? Mosesi anotaura chimwe chacho, achiti: ‘Itya Jehovha Mwari wako.’b (Ndima 12) Kutya uku hakusi kutya kukuvadzwa asi kwakanaka kwokuremekedza Mwari nenzira dzake. Kana tichitya Mwari, hatizomugumburi.

Saka chinangwa chedu chikuru chokuteerera Mwari chinofanira kuva chei? Mosesi anoti: “Umude, ushumire Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose.” (Ndima 12) Kuda Jehovha hakungorevi kungonzwa uchimuda chete. Rimwe bhuku rinotsanangura kuti: “Mashoko echiito echiHebheru anotaura nezvemanzwiro pane dzimwe nguva anorevawo migumisiro inovapo pamusana pezvinhu zvinenge zvaitwa zvichikonzerwa nemanzwiro.” Bhuku rimwe chete iri rinoti kuda Mwari kunoreva ‘kuita zvinoratidza kumuda.’ Nemamwe mashoko, kana tichida Mwari zvechokwadi, tichaita zvinomufadza.—Zvirevo 27:11.

Tinofanira kuteerera Mwari kusvika papi? Mosesi anoti: “Ufambe munzira dzake [Mwari] dzose.” (Ndima 12) Jehovha anoda kuti tiite zvose zvaanotikumbira. Kunyatsoteerera kwedu saizvozvo hakutibatsiri here? Kwete kunotibatsira.

Achatikomborera kana tikamuteerera tichida. Mosesi akanyora kuti: “Uchengete mirayiro yaJehovha . . . yandiri kukurayira nhasi, kuti zvikunakire.” (Ndima 13) Chokwadi murayiro wose watinopiwa naJehovha—zvose zvaanotikumbira—zvakatinakira. Hazvingambotadzi kutinakira nokuti Bhaibheri rinoti, “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Saka, akangotipa mirayiro yakadaro kuti zvinhu zvitinakire nokusingaperi. (Isaya 48:17) Tikaita zvose zvatinokumbirwa naJehovha tichadzivirirwa pazvinhu zvakawanda zvinoodza mwoyo iye zvino uye towana zvikomborero zvisingaperi panenge pava kutonga Umambo hwake.c

Hunongova uchenjeri kana tikasarudza kuteerera Jehovha nomwoyo wose uye tichida patinenge tichisarudza kumuteerera kana kuti kwete panyaya yezvinhu zvaanotikumbira. Kana tikaratidza kuti takatendeka saizvozvo tichaswedera pedyo naJehovha, Mwari ane rudo anotifarira nomwoyo wose.

[Mashoko Omuzasi]

a Kunyange zvazvo mashoko aMosesi aishanda kuvaIsraeri vekare, mashoko acho anoshanda kune vose vanoda kufadza Mwari mazuva ano.—VaRoma 15:4.

b Mubhuku rose raDheuteronomio, Mosesi anosimbisa kuti kutya Mwari kunofanira kutungamira upenyu hwevashumiri vake.—Dheuteronomio 4:10; 6:13, 24; 8:6; 13:4; 31:12, 13.

c Kana uchida mamwe mashoko, ona chitsauko 3 chinoti, “Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika Ndechei?,” mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe