Tevedzera Kutenda Kwavo
Aingopishana Nokutya Uye Nokusava Nechokwadi
PETRO akanga ari mubishi rokukwasva igwa paakakanda maziso ake murima. Akanga aona chiedza chaipenyera kure kure here nechokumabvazuva? Asi kwakanga kwava kuda kuedza? Musana wake nemapendekete ake zvakanga zvava kurwadza pamusana pokukwasva kwemaawa akawanda. Mhepo yaipeperetsa bvudzi rake yakanga yaita kuti Gungwa reGarireya rive nemafungu aiita kuti munhu abatire ura mumaoko. Mafungu acho aingorovera paigwa ravo ravaishandisa pakuredza, uye achimuchakwatisa. Asi akaramba achingokwasva.
Petro nevamwe vake vakanga vasiya Jesu ari oga shure pane imwe nzvimbo yemhenderekedzo. Zuva iroro, vakanga vaona Jesu adyisa boka rezviuru zvevanhu vaiva nenzara nechingwa nehove shomanana chete. Vanhu vakaratidza kuti vakanga vafara nazvo nokuda kuita Jesu mambo, asi iye akanga asingadi kubatanidzwa mune zvematongerwo enyika. Akanga akatsungawo kubatsira vateveri vake kuti vasabatanidzwa mune zvematongerwo enyika. Aita kuti mapoka evanhu adzokere kumisha yawo, akaudza vadzidzi vake kuti vakwire muigwa vakananga kune rimwe divi remhenderekedzo iye paaienda mugomo oga kunonyengetera.—Mako 6:35-45; Johani 6:14, 15.
Mwedzi wakanga usina kunyatsoita denderedzwa rizere waiva mudenga vadzidzi pavakapinda muigwa; iye zvino wakanga wava kufamba zvishoma nezvishoma wakananga kumadokero. Kunyange zvakadaro, vakangokwanisa kufamba makiromita mashomanana chete. Kutinhira kwemhepo yaiva nesimba uye kwemafungu zvaiita kuti vaiva muigwa vatadze kunyatsokurukurirana. Pamwe Petro akanga asiri kutaura nevamwe achipishana nepfungwa.
Aiva nezvakawanda zvokufunga nezvazvo! Ave achifamba naJesu weNazareta kwemakore maviri aive nezvizhinji zvakaitika. Akanga adzidza zvakawanda, asi aiva achiine zvakawanda zvokudzidza. Kuda kwake kudzidza—kurwisa zvipingamupinyi zvakadai sokusava nechokwadi nokutya—zvinoita kuti ave muenzaniso wakanaka wokutevedzera. Ngationei kuti sei.
“Tawana Mesiya”!
Petro akanga asingazombokanganwi musi waakasangana naJesu weNazareta. Munin’ina wake, Andireya, ndiye akanga atanga kumuunzira mashoko aishamisa aiti: “Tawana Mesiya.” Nemashoko iwayo, upenyu hwaPetro hwakatanga kuchinja. Chokwadi hwakanga hwatochinja zvachose.—Johani 1:41.
Petro aigara kuKapenaume, guta raiva kumhenderekedzo yemvura yaiva isina munyu yomuGungwa reGarireya! Iye naAndireya vaishanda naJakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi mubhizimisi rokuredza. Petro akanga asingangogari nomudzimai wake chete asiwo naamai vomudzimai wake uye nomunin’ina wake Andireya. Kuchengeta mhuri yakadaro nebasa rokuredza hove chokwadi zvaida kushanda nesimba, uye unyanzvi. Tinogona kufungidzira mazuva akawanda ousiku hurefu pachishandwa—varume vachibudisa mambure avo ari pakati pemaigwa maviri uye vachiisa mumaigwa avo chero hove dzavainge vabata. Tinogona kufungidzirawo vachishanda zvakaoma mukati mezuva vachironga hove nokudzitengesa, vachiruka mambure uye vachiachenesa.
Bhaibheri rinotiudza kuti Andireya, aiva mudzidzi waJohani Mubhabhatidzi. Chokwadi Petro akanyatsoteya nzeve paaiudzwa nomunin’ina wake mashoko akataurwa naJohani. Rimwe zuva, Andireya akaona Johani achinongedzera Jesu weNazareta uye achiti: “Onai, Gwayana raMwari!” Andireya akabva ava muteveri waJesu uye akaudza Petro nechido mashoko aya anofadza: Mesiya akanga asvika! (Johani 1:35-40) Pashure pokunge vanhu vaviri vapanduka muEdheni makore 4 000 akanga apfuura, Jehovha Mwari akanga avimbisa kuti mumwe munhu anokosha aizouya kuti ape vanhu tariro. (Genesisi 3:15) Andireya akanga asangana noMununuri uyu, Mesiya pachake! Petro akamhanya kuti anoonawo Jesu.
Kubvira zuva iroro, Petro akanga ava kuzivikanwa nezita rokuti Simoni, kana Simiyoni. Asi Jesu akamutarisa ndokuti: “‘Ndiwe Simoni mwanakomana waJohani; iwe uchanzi Kefasi’ (zita rakashandurwa kuti Petro).” (Johani 1:42) “Kefasi” izita rakajairika rinoreva kuti “dombo” kana kuti “ibwe.” Zviri pachena kuti mashoko aJesu aiva ouprofita. Akafanoona kuti Petro aizova ibwe—rakatsiga, risingazununguki, uye aiva munhu akavimbika pavateveri vaKristu. Petro aizviona saizvozvo here? Zvinoita sokuti akanga asina chokwadi nezvaaive. Kunyange vamwe vaverengi vemazuva ano veEvhangeri vanongoona zvishoma zvakaita seibwe pana Petro. Vamwe vakati aiita seakanga asina kutsiga, aingochinja-chinja, aigarova nomwoyo miviri.
Petro aimbokanganisawo. Jesu aizviziva. Asi kufanana naBaba vake, Jehovha, aigara achitarisa zvakanaka muvanhu. Jesu akaona zvinhu zvakanaka zvaigona kuzoitwa naPetro, uye akamubatsira kuti avakiridze umwe unhu hwakanaka hwaaiva nahwo. Mazuva anowo, Jehovha neMwanakomana wake vanotarisa unhu hwakanaka hwatinahwo. Zvingave zvakaoma kuti tibvume kuti tine umwe unhu hwakanaka chaizvo hwavanokwanisa kuona patiri. Zvisinei, tinofanira kuvimba maonero avanotiita toda kudzidziswa navo uye kuumbwa navo sezvakaitwa Petro.—1 Johani 3:19, 20.
“Rega Kutya”
Petro angangove akaperekedza Jesu parwendo rwake rwokuparidza rwakazotevera. Saka, angave akaona Jesu achiita chishamiso chake chokutanga chokuchinja mvura kuva waini pamabiko omuchato wokuKana. Chinotonyanya kukosha ndechokuti akanzwa mashoko aJesu anofadza uye etariro yoUmambo hwaMwari. Kunyange zvakadaro, akasiya Jesu ndokudzokera kubhizimisi rake. Mwedzi yakazotevera, Petro akasanganazve naJesu uye panguva ino Jesu akakumbira Petro kuti amutevere nguva dzose kwoupenyu hwose.
Petro akanga achangobva kutsungirira basa rousiku hwaiodza mwoyo. Varedzi vakanga vaisa mambure avo kakawanda mvura vachingoabudisa asina kana hove. Chokwadi Petro akashandisa ruzivo rwake rwose nounyanzvi hwake kuti akunde dambudziko racho, achiedza kuredza munzvimbo dzakasiyana-siyana mugungwa racho achitsvaka paidyira hove. Hapana mubvunzo kuti sezvaingoitwawo nevamwe varedzi vehove vakawanda, pane dzimwe nguva aishuva kupinda mumvura yacho kuti atinhire hove dzacho kumambure ake. Chokwadi, mafungiro akadaro aizongowedzera kumuodza mwoyo. Petro akanga asingaredzi hove zvokungovaraidza nguva; vanhu vairarama nehove dzaaibata. Pakupedzisira akabuda mugungwa ari maoko chete. Kunyange zvakadaro, mambure aifanira kucheneswa. Saka akanga ari mubishi rokushanda pakasvika Jesu.
Boka rakanga rakakomba Jesu richiteerera zvose zvaaitaura. Sezvo akanga akakombwa nevanhu vakawanda, Jesu akapinda muigwa raPetro ndokumukumbira kuti akwasve zvishoma achipinda mugungwa. Inzwi rake zvarainyatsonzwika ari mumvura, Jesu akakwanisa kudzidzisa boka racho. Petro akanga akanyatsoteya nzeve, sezvaiitawo vaya vaiva pamhenderekedzo. Haana kumboneta nokuteerera Jesu paaitaura dingindira rokuparidza kwake—Umambo hwaMwari. Chokwadi chaiva chikomborero kubatsira Kristu kuparadzira mashoko aya etariro munyika yacho yose! Asi zvaishanda here? Vaizorarama nei? Zvichida Petro akafungazve nezvousiku hurefu hwaakanga asina kubata hove.—Ruka 5:1-3.
Jesu paakapedza kutaura, akaudza Petro kuti: “Enda pakadzika, mudzikise mambure enyu kuti mubate.” Petro akanga asina chokwadi nazvo. Akati: “Murayiridzi, usiku hwose tashanda zvakaoma tikasabata chinhu, asi nokuti marayira ndichadzikisa mambure.” Zvimwe Petro akanga asingachadi kudzikisa mambure acho zvakare kunyanya panguva ino hove padzakanga dzisisiri kudya! Kunyange zvakadaro, akateerera, zvichida achipa chiratidzo kune vamwe vake vaiva mune rimwe igwa kuti vavatevere.—Ruka 5:4, 5.
Petro akanzwa kumwe kurema kwaakanga asingatarisiri paakatanga kubudisa mambure mumvura. Ashamiswa, akadhonza nesimba mambure acho, uye pasina nguva, akanga ava kuona hove dzakawanda dzichitamba-tamba mumambure acho! Nokukurumidza akashevedza varume vaiva mune igwa rechipiri kuti vauye kuzobatsira. Pavakadaro, vakabva vangoona kuti igwa rimwe chete rakanga risingakwanisi kutakura hove dzose. Vakazadza maigwa acho ose, uye pakanga pachingova nehove dzakawanda—maigwa acho akatanga kunyura nokuremerwa. Petro akashamiswa nazvo kwazvo. Akanga amboona simba raKristu, asi panguva ino ndiye akanga aratidzwa simba racho zvakananga! Akanga aona munhu anogona kuita kuti kunyange hove chaidzo dzipinde mumambure! Petro akatya kwazvo! Akapfugama pamberi pake akati: “Ibvai kwandiri Ishe, nokuti ndiri munhu anotadza.” Aizokwanisa sei kufamba noMunhu airatidza simba raMwari zvakadaro?—Ruka 5:6-9.
Nomutsa Jesu akati: “Rega kutya. Kubvira zvino uchange uchibata vanhu vari vapenyu.” (Ruka 5:10, 11) Iyi yakanga isiri nguva yokutya kana yokusava nechokwadi nezvaiitika. Kusava nechokwadi kwaPetro nezvokuredza kwakanga kusina pakwakavakirwa; kutya zvikanganiso zvake nounhu hwake hwokusakwana kwaivawo kusina pakwakavakirwa. Jesu aiva nebasa guru rokuita, ushumiri hwaizochinja remangwana revanhu. Aishumira Mwari “achakanganwira zvikuru.” (Isaya 55:7) Jehovha aizovatarisira, mune zvokunamata uye zvokurarama nazvo.—Mateu 6:33.
Petro akakurumidza kuteerera, ndizvowo zvakaita Jakobho naJohani. “Vakadzosa zvikepe kunyika yakaoma, vakasiya zvinhu zvose vakamutevera.” (Ruka 5:11) Petro akatenda muna Jesu uye muMunhu akanga amutuma. Apa akanga agona kusarudza. VaKristu mazuva ano vanokunda kutya kwavo nokusava nechokwadi kuti vashumire Mwari vanenge vachiratidzawo kutenda. Kuvimba naJehovha kwakadaro kwakakodzera.—Pisarema 22:4, 5.
“Nei Usina Kuva Nechokwadi?”
Makore anenge maviri pashure pokunge asangana naJesu, Petro aikwasva igwa usiku ihwohwo hwaiva nemhepo yaivhuvhuta muGungwa reGarireya sezvambotaurwa kwokutanga. Chokwadi, hatingazivi zvaaifunga panguva iyi. Tinogona kumufungira zvakawanda! Jesu akanga aporesa amai vomudzimai waPetro. Akanga apa Mharidzo yepaGomo. Nokudzidzisa kwake nemabasa ake esimba, akanga aratidza kakawanda kuti aiva Munhu Akanga Asarudzwa naJehovha, Mesiya. Mwedzi zvayakadarika, Petro akanga asingachanyanyi kutya uye kusava nechokwadi sezvaaigara achiita. Jesu akanga atosarudza Petro kuti ave mumwe wevaapostora 12! Kunyange zvakadaro, kutya kwaPetro nokusava kwake nechokwadi zvakanga zvisina kupera zvachose sezvatichaona.
Munguva yokurinda yechina yousiku, kana kuti nguva iri pakati pa3:00 kiroko mangwanani neinozobuda zuva, Petro akangoerekana orega kukwasva igwa ndokubva agara akati twasu. Nechokure uko—mumafungu—maiva nechimwe chinhu chaifamba! Yaiva mvura yemafungu yairatidza chiedza chemwedzi here? Kwete, chinhu chacho chaiva chichifamba zvakatsiga chakati twasu. Aiva munhu! Munhu chaiye aitofamba zvake pamusoro pemvura yegungwa! Munhu wacho zvaakanga osvika pedyo, zvaiita sokunge aizofamba akaererana navo. Zvavatyisa, vadzidzi vakafunga kuti raiva dzangaradzimu. Munhu wacho akati: “Shingai, ndini; musatya.” Aiva Jesu!—Mateu 14:25-31.
Petro akabva ati: “Ishe, kana muri imi, ndirayirei kuti ndiuye kwamuri nepamusoro pemvura.” Zvaakatanga kutaura apa zvaingova zvechivhundukira. Achifara zvikuru akanga aona chishamiso chaakanga asati amboona, Petro akada kuona kuti zvaakanga atenda zvaaiva zvechokwadi here. Akada kubatanidzwa pane zvaiitika. Nomutsa Jesu akamushevedza. Petro akabuda muigwa racho ndokutanga kufamba pamusoro pegungwa. Chimbofungidzira kuti Petro akafungei paakaona achitsika pakatsiga uye achimira pamusoro pemvura. Zvinofanira kunge zvakamukanga mate mukanwa zvaaifamba achienda kwaive naJesu. Zvisinei, akangoerekana atangazve kufunga zvimwe semaitiro ake.—Mateu 14:29.
Petro aifanira kuramba akatarira kuna Jesu. NdiJesu akanga ari kushandisa simba raJehovha, akanga ari kuita kuti Petro arambe ari pamusoro pemafungu. Uye Jesu akanga ari kumuitira izvi nokuti Petro akanga atenda. Asi Petro akatanga kufunga zvimwe. Tinoverenga kuti: “Achitarira dutu, akatya.” Petro akatarira mafungu aifambiswa nemhepo achirovera paigwa, akatya. Zvichida akafungidzira achinyura mugungwa iri. Zvaakawedzera kutya mumwoyo make, kutenda kwakewo kwadzikira. Munhu akanga ambonzi Ibwe pamusana pokuita somunhu akatsiga akatanga kunyura sedombo nokuti akanga oshayiwa kutenda. Petro aigona kushambira, asi pari zvino haana kuvimba nesimba iroro. Akashevedzera achiti: “Ishe, ndiponesei!” Jesu akabva amubata ruoko ndokumusimudza. Zvadaro, vachiri kufamba pamusoro pemvura, akabva audza Petro chidzidzo chinokosha achiti: “Iwe ane kutenda kuduku, nei usina kuva nechokwadi?”—Mateu 14:30, 31.
Mashoko aya okuti ‘kusava nechokwadi’ akanga akanyatsokodzera. Kusava nechokwadi isimba rinogona kuparadza. Kunogona kuparadza kutenda kwedu. Tinofanira kurwa zvakaoma kuti tive nokutenda! Sei? Nokuramba takatarira mberi. Kana tikaramba tichifunga zvinhu zvinoita kuti titye, zvinotiodza mwoyo, zvinotitsausa kuna Jehovha neMwanakomana wake, kusava nechokwadi kwedu kuchawedzera. Tikaramba tichifunga nezvaJehovha neMwanakomana wake, zvavakaita, zvavari kuita, uye zvavachaitira vaya vanovada, tichasimbisa kutenda kwedu.
Petro zvaaitevera Jesu pavaidzokera kuigwa, akaona mafungu acho achipera. Gungwa reGarireya rakabva ranyarara kuti zii. Petro akabva abatana nevamwe vake pavaiti, “Chokwadi imi muri Mwanakomana waMwari.” (Mateu 14:33) Kunze zvakwakanga kwoda kuyedza, mwoyo waPetro wakazara nokuonga. Akanga asingachatyi uye ava nechokwadi. Asi zvaizomutorera nguva yakareba kuti asvike pakuva muKristu akaita seibwe sezvakanga zvafanoonwa naJesu. Asi akanga akatsunga kuramba achiedza, kuramba achikura. Wakatsunga kuitawo saizvozvo here? Chokwadi uchawana kuti zvakakodzera kutevedzera kutenda kwaiva naPetro.
[Mufananidzo uri papeji 22, 23]
Jesu akaona zvakanaka zvaigona kuitwa nomuredzi wehove uyu aizvininipisa
[Mufananidzo uri papeji 23]
‘Ishe, ndiri munhu anotadza’
[Mufananidzo uri papeji 24, 25]
“Achitarira dutu, akatya”