Waizviziva Here?
Ndiani aiva “mukuru mukuru wetemberi,” uye aiita basa rei?
Pavatungamiriri vechitendero vechiJudha vakaita kuti Petro naJohani vasungwe pavaiparidza paiva “nomukuru mukuru wetemberi.” (Mabasa 4:1-3) Bhaibheri haritauri kuti mukuru mukuru wetemberi aiita mabasa api, asi mamwe mabhuku enhoroondo dzekare anotipa mamwe mashoko.
Zvinoita sokuti Jesu paairarama, basa iri raiitwa nomupristi aiva nechinzvimbo chechipiri kubva pamupristi mukuru. Mukuru mukuru wetemberi aichengetedza runyararo patemberi yaiva muJerusarema. Aitungamirira pakunamatwa kwaiitwa patemberi uyewo kutarisira anganzi mapurisa epatemberi. Vamwe vaiva pasi pake vaitarisira varume vairinda avo vaivhura magedhi epatemberi mangwanani nokuavhara manheru, vachiva nechokwadi chokuti hapana aienda munzvimbo dzakanga dzisingatenderwi, uye vaichengetedza nzvimbo yaichengeterwa pfuma mutemberi.
Vapristi nevaRevhi vaishanda patemberi vakarongwa kuva mapoka 24, boka rimwe nerimwe raishanda kwevhiki rimwe chete vachiita majana, izvi zvaiita kuti boka rimwe nerimwe rishande kaviri pagore. Kunenge kuti boka rimwe nerimwe raiva nomukuru mukuru waro.—1 Makoronike 24:1-18.
Vakuru vakuru vepatemberi vaiva varume vane simba. Vanotaurwawo pamwe chete nevapristi vakuru avo vakaruka mazano okuti Jesu aurayiwe, uye vakashandisa vanhu kuti Jesu asungwe.—Ruka 22:4, 52.
Pana Mateu 3:4 panoti Johani Mubhabhatidzi aidya “mhashu nouchi.” Mhashu ndidzo dzainyanya kudyiwa here mazuva iwayo?
Vamwe havana chokwadi nazvo kana Johani aidya mhashu, vanoti Mateu aireva michero yomumwe muti unonzi mumhashu, mumwe muchero womusango, kana kuti kunyange hove dzakasiyana-siyana. Zvisinei, shoko rechiGiriki rakashandiswa naMateu rinoreva dzimwe mhando dzemhashu dzinonzi mbuma [Acrididae] mazuva ano. Mhashu dzomurenje ndidzo dzainyanya kuzivikanwa chaizvo muIsraeri, dzaizivikanwa nokufamba dziri mapute anoparadza.—Joeri 1:4, 7; Nahumi 3:15.
Vanhu vekare vakadai sevokuAsiriya nevokuItiopiya vaiona mhashu semachikichori chaiwo uye dzichiri kudyiwa mazuva ano nevamwe vaJudha vechiYemen uye vaBedouins. MuIsraeri, mhashu dzainzi dzaiva zvokudya zvevarombo. Musoro, nemakumbo uye dumbu zvabviswa, chipfuva chaidyiwa chiri chimbishi kana kuti chagochwa kana kuti chaomeswa nezuva. Dzimwe nguva mhashu dzaiiswa munyu, vhiniga, kana kuti uchi. Mumwe munyori wenhau dzakaitika kare anonzi Henri Daniel-Rops anoti dzainaka semagakanje.
Sezvo Johani aiparidza murenje, zvingangova zvaiva nyore kuti awane mhashu. (Mako 1:4) Zvadziine 75 muzana yemapurotenzi, mhashu, pamwe chete neuchi hwomusango, zvaiva zvokudya zvaivaka muviri chaizvo.
[Mufananidzo uri papeji 28]
Varanda vokuAsiriya vakatakura mhashu nemapomegraneti
[Kwazvakatorwa]
Kubva mubhuku rinonzi Discoveries Among the Ruins of Nineveh and Babylon (1853)