Nhema 1: Mweya Haufi
Dzidziso yenhema iyi yakabva kupi?
“Vazivi vekare vechiKristu ndivo vakatanga kushandisa dzidziso yechiGiriki yokuti mweya haufi uye vaifunga kuti mweya wakasikwa naMwari uye wakaiswa naMwari mumuviri pakunambwa.”—The New Encyclopædia Britannica (1988), Volume 11, peji 25.
Bhaibheri rinotii?
“Mweya unotadza, uchafa.”—Ezekieri 18:4, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
Nezvokusikwa kwomunhu wokutanga, Bhaibheri rinoti: “Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu [chiHebheru, neʹphesh].”—Genesisi 2:7.
Shoko rechiHebheru rokuti neʹphesh, rakashandurwa kuti “mweya,” rinoreva ‘chisikwa chinofema.’ Mwari paakasika munhu wokutanga Adhamu, Haana kuisa maari mweya usingafi asi simba rinopa upenyu rinotsigirwa nokufema. Saka, “mweya” unotaurwa neBhaibheri unoreva chinhu chipenyu chacho chose zvacho. Kana mweya ukasawana simba roupenyu rinopiwa naMwari, unofa.—Genesisi 3:19; Ezekieri 18:20.
Dzidziso yokuti mweya haufi yakakonzera mimwe mibvunzo: Mweya unoenda kupi kana rufu rwaitika? Chii chinoitika kumweya yakaipa? Vanozviti vaKristu pavanobvuma nhema dzinoti mweya haufi, izvi zvinoita kuti vabvume imwezve dzidziso yenhema yokuti kune moto unonzi hero.
Enzanisa nendima idzi dziri muBhaibheri: Muparidzi 3:19; Mateu 10:28; Mabasa 3:23
CHOKWADI:
Parufu munhu anenge asisipo