Nhema 6: Mwari Anobvumira Kuti Mifananidzo Nezvidhori Zvishandiswe Pakunamata
Dzidziso yenhema iyi yakabva kupi?
“Mifananidzo yakanga isingashandiswi nevaKristu vepakutanga . . . Kushandiswa kwemifananidzo muchechi muzana remakore rechina nerechishanu kwakaonekwa sekwakarurama zvichibva papfungwa yokuti vanhu vasingazivi vanogona kudzidza zviri nani chiKristu kubva pamifananidzo kudarika kudzidza nomumharidzo kana mumabhuku.”—Cyclopedia of Biblical, Theological, and Ecclesiastical Literature, naMcClintock uye Strong, Volume 4, peji 503 uye 504.
Bhaibheri rinotii?
“Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika. Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira.” (Eksodho 20:4, 5, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Muapostora Johani akanyorera vaKristu vomuzana remakore rokutanga kuti: “Vana vaduku, zvichenjererei pazvidhori.”—1 Johani 5:21.
Mifananidzo, sokutaura kunoita machechi, inzira yokutaura nokukudza vanhu vainomiririra here? “Pakutanga,” inodaro The Encyclopedia of Religion, “mifananidzo ingave yainyanya kushandiswa [kudzidzisa] uye kushongedza; yaidzivirirwa pachishandiswa zvikonzero izvi. Asi nenguva isipi yakanga yava kushandiswa pakunamata. Zvidhori zvakazokurumbira muchechi yoKumabvazuva yeOrthodoxy inoratidza kuti ndizvo zvakaitika.” Zvisinei, muprofita Isaya akabvunza kuti: “Ko zvino mungangofananidza Mwari naaniko, kana kuti mungamufananidza nechifananidzo chipiko?”—Isaya 40:18, Bhaibheri Rinoera.
Enzanisa nendima idzi dziri muBhaibheri: Isaya 44:13-19; Mabasa 10:25, 26; 17:29; 2 VaKorinde 5:7
CHOKWADI:
Mwari haadi kuti tishandise mifananidzo uye zvidhori
RAMBA NGANO, OMERERA KUCHOKWADI
Tinogona kugumisei kubva pane zvatadzokorora muchidimbu zvenhema idzi dzichiri kudzidziswa nemachechi akawanda? “Ngano [dzechiGiriki, myʹthos] idzi dzakanyatsorukwa” hadzigoni kubudisa chokwadi chiri muBhaibheri chiri nyore uye chinonyaradza.—2 Petro 1:16.
Naizvozvo nechido, usazeza kuenzanisa Shoko raMwari—mune chokwadi—nezvawakadzidziswa. (Johani 17:17) Ukadaro, vimbiso iyi ichava yechokwadi kwauri inoti: “Muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.”—Johani 8:32.