Mazano Okuti Mhuri Ifare
Mumwe Wako Paanenge Achida Kunyatsotarisirwa
Kubvira pandakabatwa chirwere chinotora nguva refu chokungopera simba nokungonzwa kuneta, murume wangu ndiye ave achienda kubasa. Asi haambotauri neni nezvemabhiri ezvinoda kubhadharwa. Nei asingambondiudziwo. Zvinhu zvinofanira kuva zvisina kutimirira zvakanaka panyaya dzemari zvokuti anoziva kuti ndikazviziva ndichavhiringidzika chaizvo.—Nancy.a
KUROORANA kungava dambudziko, asi mumwe paanorwara kwenguva refu mumwe wacho akasimba, matambudziko angawedzera.b Uri kutarisira mumwe wako ari ndonda here? Kana zvakadaro, pamibvunzo inotevera pane unokunetsa here: ‘Ndichakunda sei kana mumwe wangu akawedzera kurwara? Ndicharamba ndichitarisira mumwe wangu kusvikira rini uyewo ndichiita basa rose rokubika, kuchenesa, uye kuenda kubasa? Nei ndichinzwa ndine mhosva pamusana pokuva noutano hwakanaka?’
Uyewo, kana uriwe uri kurwara, ungafunga kuti: ‘Ndingazviremekedza sei ini ndisingakwanisi kuita mabasa angu andaifanira kunge ndichiita? Mumwe wangu anogumbuka here pamusana pokuti ndiri kurwara? Kufara kwataiita tiri vaviri kwakapera here?’
Zvinosuruvarisa kuti vamwe vakarambana pamusana pokusawirirana kwakakonzerwa nokurwara kwenguva refu. Asi izvi hazvirevi kuti imba yenyu ichaparara.
Vakaroorana vakawanda vanokunda uye vanotobudirira pasinei nokurwara kwenguva refu. Somuenzaniso, funga nezvaYoshiaki naKazuko. Kukuvara kwomuzongoza kwakaita kuti Yoshiaki asakwanise kunyange kutsuduguka asingabatsirwi nemumwe munhu. Kazuko anotsanangura kuti: “Murume wangu anoda kubatsirwa pane zvose. Somugumisiro wokumutarisira, mutsipa wangu, mapfudzi, uye maoko zvinorwadza, uye ndinopota ndichinorapwa pachipatara chinobatsira vanorwadziwa nemajoini uye mapfupa. Ndinowanzonzwa kuti kutarisira mumwe wangu kwava kundikunda.” Asi pasinei nematambudziko acho, Kazuko anoti: “Ukama hwedu hwasimba chaizvo.”
Saka, chii chinoita kuti vafare mumamiriro ezvinhu akadaro? Chimwe chacho ndechokuti vaya vanoramba vachiti gutsikanei neimba yavo vanoona kurwara kwacho sokuri kutambudza vose vari vaviri kwete ari kurwara chete. Chokwadi, kana mumwe achirwara, vose vanonetseka chaizvo, kunyange zvazvo vachinetseka zvakasiyana. Ukama hwokutsigirana uhwu hwomurume nomudzimai hunotsanangurwa pana Genesisi 2:24 seizvi: “Murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira mudzimai wake uye vachava nyama imwe.” Saka, kana mumwe aine chirwere chisiri kupera, zvinokosha kuti murume nomudzimai wake vashande pamwe chete kuti vakunde dambudziko racho.
Uyewo, kutsvakurudza kunoratidza kuti vakaroorana vanoramba vaine ukama hwakanaka mumwe paanenge achirwara kwenguva refu vanobvuma zvinenge zvavapo uye vanodzidza nzira dzinobatsira kuti vararame zvinoenderana nezvinenge zvavapo. Unyanzvi hwakawanda hwavakadzidza kuti vakwanise kurarama nedambudziko ravo hunowanikawo muBhaibheri mune mazano asingachinji nokufamba kwenguva. Funga nezvemazano matatu anotevera.
Ratidzanai Kuti Mune Hanya
Muparidzi 4:9, inoti: “Vaviri vari nani kupfuura mumwe chete.” Nei? Nokuti, sezvinotsanangurwa nendima 10, “kana mumwe wavo akawa, mumwe wacho anogona kusimudza mumwe wake.” ‘Unosimudza mumwe wako’ here nokutaura mashoko okumutenda?
Munokwanisa here kutsvaka dzimwe nzira dzokuti mubatsirane? Yong, ane mudzimai akaoma rutivi rwomuviri zvishoma, anoti: “Nguva dzose ndinoedza kuratidza mudzimai wangu kuti ndine hanya naye. Pose pandinonzwa ndiine nyota, ndinofunga kuti naiyewo angava nenyota. Kana ndichida kubuda panze kuti ndimboona nzvimbo inoyevedza, ndinomubvunza kana achida kubudawo neni. Tiri kurwadziwa tose uye tiri kutsungirira dambudziko racho pamwe chete.”
Asiwo kana uchitarisirwa nemumwe wako, pane here zvimwe zvinhu zvaunokwanisa kuita usingakanganisi utano hwako? Kana zvakadaro, izvi zvingaita kuti uwedzere kuzvikoshesa uyewo kuti mumwe wako akwanise kuramba achikutarisira.
Pane kufunga kuti unoziva nzira yakanaka chaizvo yokuratidza mumwe wako kuti une hanya, wadii kumubvunza zvaanganyanya kuda kuitirwa? Nancy, ataurwa kwokutanga, akazoudza murume wake kunetseka kwaaiita nokusaziva nyaya dzemari dzemhuri yavo. Iye zvino murume wake anoedza kukurukura naye zvakawanda nezvenyaya yacho.
EDZA IZVI: Nyora pasi zvinhu zvaunofunga kuti mumwe wako angaita kuti uti rerukirwei nemamiriro ako ezvinhu, uye ita kuti mumwe wako aitewo saizvozvo. Madaro, chinjanai zvamanyora. Mumwe nemumwe wenyu anofanira kusarudza zano rimwe chete kana kuti maviri angashandisika.
Ivai Nepurogiramu Yakanaka
Mambo akanga akachenjera Soromoni akanyora kuti: “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa.” (Muparidzi 3:1) Zvisinei, zvingaita sokuti hazviiti kuramba muine purogiramu yakanaka tichifunga nezvokuvhiringidzwa kungaita purogiramu yemhuri nechirwere chinotora nguva refu. Mungaitei kuti muve nepurogiramu yakanaka?
Mungapota muchimbosiyana nekuzvidya mwoyo nenyaya dzakakomba dzezvokurapwa. Mungakwanisa kunakidzwa here nezvimwe zvinhu zvamaimboita pamwe chete urwere husati hwauya? Kana musingakwanisi, ndezvipi zvimwe zvinhu zvitsva zvamungaedza? Zvingava sechinhu chiri nyore chakadai sokuverengerana kana kuti chakaoma sokudzidza mutauro mutsva. Kuva nechimwe chinhu chamusingatadziswi kuita nechirwere kungasimbisa ukama hwenyu se“nyama imwe”—zvoita kuti munyanye kufara.
Chimwe chinhu chinobatsira kuti murambe muchiita zviri pakati nepakati kushamwaridzana nevamwe. Bhaibheri rinotaura pana Zvirevo 18:1, kuti: “Munhu anozviparadzanisa nevamwe achazvitsvakira zvaanoda zvoudyire; acharwa nouchenjeri hwose hunobatsira.” Waona here mundima iyoyo kuti kuzviparadzanisa nevamwe kungava nemugumisiro usina kunaka papfungwa? Asi kushamwaridzana nevamwe nguva nenguva kungaita kuti ufare, zvokubatsira kufunga zvakanaka. Wadii kukumbira kuti mumwe munhu akushanyire?
Dzimwe nguva, vaya vanenge vachitarisira vamwe vavo vanova nedambudziko rokuita zvinhu nenzira yokusanyanyisa. Vamwe vanoita basa rakawandisa zvoita kuti vapere simba zvishoma nezvishoma uye izvi zvinoisa utano hwavo pangozi. Vanopedzisira vasingachakwanisi kuramba vachitarisira mumwe wavo wavanoda. Saka kana uchitarisira mumwe wako ane chirwere chinogara nguva refu, usakanganwa zvaunodawo iwe pachako. Gara uchitsaura nguva yokusava nezvinovhiringidza yokuti uzorore.c Vamwe vakaona zvichibatsira nguva nenguva kutaura zvinovadya mwoyo neshamwari yavanovimba nayo yechirume kana vari varume kana kuti yechikadzi kana vari vakadzi.
EDZA IZVI: Nyora papepa zvipingamupinyi zvauri kutarisana nazvo paunenge uchitarisira mumwe wako. Chinyora matanho aungatora kuti uzvikunde kana kuti ukwanise kupfuurira kunyange zviripo. Pane kunyanya kuzvidonongodza, zvibvunze kuti, ‘Ndeipi nzira iri nyore zvikuru, uye iri pachena yokunatsiridza zvinhu?’
Edza Kuramba Uine Maonero Akanaka
Bhaibheri rinonyevera kuti: “Usati: ‘Nei mazuva ekare aiva nani pane aya?’” (Muparidzi 7:10) Saka usanyanya kufunga kuti upenyu hungadai hwakaita sei kudai urwere hwacho husipo. Yeuka kuti munyika ino, mafaro ose ane paanogumira. Chinokosha pano ndechokubvuma zviripo moita zvamunokwanisa.
Chii chingakubatsirai, iwe nemumwe wako panyaya iyi? Kurukurai pamwe chete zvikomborero zvamunazvo. Farai kana mumwe akava nani kunyange zvishoma. Ivaiwo nezvamunotarisira mune remangwana, uye vavarirai kuita zvamunokwanisa.
Mumwe murume anonzi Shoji nomudzimai wake anonzi Akiko vakashandisa zano riri pamusoro apa zvikavafambira zvakanaka. Pane imwe nguva pashure pokunge Akiko abatwa hosha inonzi fibromyalgia, vaifanira kusiya basa ravo ravaiita roushumiri hwechiKristu hwenguva yakazara. Vakaora mwoyo here? Hungu ndizvo zvakaitika. Asi Shoji anopa zano chero vapi zvavo vari mumamiriro ezvinhu akafanana kuti: “Usazviodza mwoyo nokufunga zvinhu zvausingachakwanisi kuita. Ramba uine maonero akanaka. Kunyange kana muri vaviri muchitarisira kuzorarama sezvamaimboita, iye zvino rambai muchifunga nezveupenyu hwenyu huripo. Kana ndirini, zvinoreva kuti ndinofanira kuisa pfungwa pamudzimai wangu uye pakumubatsira.” Zano rakadaro rinoshanda ringakubatsirawo kana mumwe wako achifanira kunyatsotarisirwa.
a Mamwe mazita akachinjwa.
b Nyaya ino inotaura nezvepaya mumwe paanenge achingoramba achirwara. Zvisinei, vakaroorana vane mamwe matambudziko avari kurwisana nawo akakonzerwa netsaona kana kuti kunetseka mupfungwa akadai sokuora mwoyo vangabatsirwawo nokushandisa mashoko anotevera.
c Zvichienderana nemamiriro ako ezvinhu, zvingava zvakanaka kufunga nezvokuti pano neapo ungawana here rubatsiro rwenyanzvi pakutarisira utano kana mamwe masangano angava ari munzvimbo yamunogara kana achiwanika.
ZVIBVUNZE KUTI . . .
Zvii zvatinofanira kuita ini nemumwe wangu kunyanya iye zvino?
Kutaura zvakawanda nezvokurwara kwacho
Kutaura zvishoma nezvokurwara kwacho
Kunetseka zvishoma
Kunyanya kuratidzana kuti mune hanya
Kufarira zvakafanana zvisinei nechirwere chacho
Kunyanya kushamwaridzana nevamwe
Kuvavarira kuita zvinhu tiri vaviri