“Ndichachemera Kuti Ndibatsirwe Kusvikira Rini?”
“Dai ndangopora hangu!” akadaro Jayne achisvimha misodzi. Aiva nekenza, uye yakanga ichipararira nemuviri wose. Mhuri yake neshamwari vaishuva kuti dai vaikwanisa kurapa chirwere chake uye kuita kuti asarwadziwa! Vakanyengetera kuna Mwari kuti amubatsire. Mwari aizoteerera here? Aiva nehanya here?
MWARI anoziva zviri kusangana nevanhu. Shoko rake Bhaibheri rinoti: “Zvisikwa zvose zvinoramba zvichigomera pamwe chete uye zvichirwadziwa pamwe chete.” (VaRoma 8:22) Mwari anoziva kuti kune vanhu vanosvika mazana emamiriyoni, vakaita saJayne, vari kurwadziwa zuva nezuva mumuviri nemupfungwa. Mwari anoona vanhu vanosvika mamiriyoni 800 vanorara nenzara zuva nezuva, mamwewo mamiriyoni anotambura nekurohwa mudzimba, uye vabereki vakawanda vanoshushikana nezveremangwana revana vavo. Wakambozvibvunza here kana Mwari achaita chimwe chinhu nezvazvo? Chokwadi, sezvo tichida kubatsira vanhu vatinoda, Mwari haangadiwo kubatsira vanhu vaakasika here?
Kana wakambozvibvunza mibvunzo iyi, hausi wega. Makore anopfuura 2 600 apfuura, mumwe murume akatendeka ainzi Habhakuki, akanzwa sezvinoitwa nevakawanda nhasi, uye akabvunza Mwari kuti: “Haiwa Jehovha, ndichachemera kuti ndibatsirwe kusvikira rini, imi musinganzwi? Ndichashevedzera kwamuri kuti mundibatsire pakuitirwa chisimba kusvikira rini, imi musingaponesi? Nei muchiita kuti ndione zvinhu zvinokuvadza, uye muchiramba makatarira zvinhu zvinongotambudza? Nei kupamba nokuita zvechisimba zviri pamberi pangu, nei kupopotedzana kuchiitika, uye nei kukakavara kuchiitwa?” (Habhakuki 1:2, 3) Habhakuki muprofita wechiHebheru, akaona vanhu vachipopotedzana uye vachiitirana chisimba chakaipisisa muzuva rake. Mazuva ano zvinhu zvakadai ndizvo zvinongogara zvichitaurwa uye zvinosembura vanhu vane tsiye nyoro.
Mwari akarerutsa zvaishungurudza Habhakuki here? Kwete. Akateerera mibvunzo yaHabhakuki yaibva pamwoyo achibva anyaradza uye kukurudzira murume uyu aiva akaora mwoyo. Jehovha akasimbisa kutenda kwaHabhakuki nokumuvimbisa kuti achapedza kutambura. Mashoko aMwari etariro anogona kukusimbisawo, sezvaakangoita kuna Jayne nemhuri yake. Nyaya dzinotevera dzichapindura mibvunzo iyi: Tingava sei nechokwadi chokuti Mwari ane hanya nesu? Mwari achaita sei kuti apedze kutambura uye achazviita rini?