RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 12/1 p. 17
  • Anoda Kuti Tibudirire

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Anoda Kuti Tibudirire
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Joshua 1:9—“Shinga, Usimbe”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Zvakayeukwa naJoshua
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 6—Joshua
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raJoshua
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 12/1 p. 17

Swedera Pedyo naMwari

Anoda Kuti Tibudirire

Joshua 1:6-9

VABEREKI vane hanya vanoda chaizvo kuona vana vavo vachibudirira, uye vachiva noupenyu hwakanaka uye hunogutsa. Jehovha Baba vedu vokudenga vanodawo kuti vana vavo vepasi pano vabudirire. Anoratidza kuti anotida chaizvo nokutiudza zvatingaite kuti tibudirire. Somuenzaniso, chimbofunga nezvemashoko aakaudza Joshua, akanyorwa pana Joshua 1:6-9.

Chimbofunga nezvezviri kuratidzwa kurudyi. Mosesi afa, Joshua ndiye ava mutungamiriri mutsva wevaIsraeri vanosvika mamiriyoni. VaIsraeri vari kugadzirira kupinda munyika yakavimbiswa madzitateguru avo naMwari. Mwari ane mazano aanoda kupa Joshua. Kana akateerera, zvichamubatsira kuti abudirire. Asi mazano iwayo haasi kungopiwa kuti abatsire Joshua chete. Kana isu tikaashandisawo tinogona kubudirira.—VaRoma 15:4.

Jehovha anoudza Joshua kuti ashinge uye asimbe—kwete kamwe chete asi katatu. (Ndima 6, 7, 9) Chokwadi Joshua anofanira kushinga uye kusunga dzisimbe kuti abudirire kutungamirira rudzi urwu kupinda muNyika Yakapikirwa. Saka izvi angazviita sei?

Joshua anokwanisa kuwana ushingi uye simba kubva muzvinyorwa zvakafuridzirwa. Jehovha anoti, “Uchenjerere kuita maererano nomutemo wose wawakarayirwa nomushumiri wangu Mosesi.” (Ndima 7) Panguva iyoyo, Joshua angangove aive nemabhuku eBhaibheri mashoma chete ainge akaitwa zvokunyorwa.a Zvisinei, kungova neShoko raMwari hakusi iko kunoita kuti abudirire. Kuti rimubatsire, Joshua anofanira kuita zvinhu zviviri.

Kutanga, Joshua anofanira kuramba achizadza mwoyo wake neShoko raMwari. Jehovha anoti: “Unofanira kuriverenga nenzwi riri pasi masikati nousiku.” (Ndima 8) Rimwe Bhuku rinoti: “Mwari airayira Joshua kuti ayeuke Mutemo Wake nokuzviverengera ‘achizevezera,’ ‘nokurifungisisa,’ kana kuti ‘nokunyora zvaainge achifungisisa.’” Kuverenga nokufungisisa Shoko raMwari zuva nezuva kuchabatsira Joshua kusangana nezvipingamupinyi zviri mberi kwake.

Chechipiri, Joshua anofanira kushandisa zvaanenge adzidza kubva muShoko raMwari. Jehovha anomuudza kuti: “Uchenjerere kuita maererano nezvose zvakanyorwa mariri; nokuti kana ukadaro uchaita kuti nzira yako ibudirire.” (Ndima  8) Kubudirira kwaJoshua kunobva pakuita zvinodiwa naMwari. Chii chingazvitadzisa? Zvinodiwa naMwari zvinogara zvichibudirira.—Isaya 55:10, 11.

Joshua akateerera zano raJehovha. Akazoguma ava kunyatsorarama upenyu hunogutsa achishumira Jehovha akatendeka.—Joshua 23:14; 24:15.

Unodawo kurarama upenyu hunogutsa sezvakaita Joshua here? Jehovha anoda kuti ubudirire. Asi hazvina kukwana kungova neshoko rake Bhaibheri. Mumwe muKristu ave akatendeka kwenguva refu akati: “Bvisa Bhaibheri pamapeji akadhindwa woriisa mumwoyo wako.” Kana ukaramba uchizadza mwoyo wako neshoko raMwari uye ukashandisa zvaunenge wadzidza muupenyu hwako, saJoshua, “uchaita kuti nzira yako ibudirire.”

[Mashoko Omuzasi]

a Joshua anofanira kunge akanga aine zvinyorwa zvakafuridzirwa zvaisanganisira mabhuku mashanu aMosesi (Genesisi, Eksodho, Revhitiko, Numeri, uye Dheuteronomio), bhuku raJobho, uye pisarema rimwe chete kana maviri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe