Kutonga Kwasatani Hakumbofi Kwakabudirira
“Hazvizombofambiri zvakanaka munhu akaipa.”—MUP. 8:13.
1. Sei mashoko okutongwa kwevakaipa kuri kuuya achinyaradza?
VANHU vakaipa vachatoti vatongwe chete. Vachazvidavirira pane zvavaiita. (Zvir. 5:22; Mup. 8:12, 13) Aya mashoko anonyaradza, kunyanya kune vaya vanoda kururamisirwa uye vasina kubatwa zvakanaka nevakaipa. Mukuru pane vose vachatongwa ndiye baba vezvakaipa, Satani Dhiyabhorosi.—Joh. 8:44.
2. Sei paidiwa nguva yokugadzirisa nyaya yakatangwa muEdheni?
2 Kuzvikudza kwakaita kuti Satani afurire vanhu kuramba utongi hwaJehovha muEdheni. Izvozvo zvakabva zvaita kuti vabereki vedu vokutanga vabatane naSatani pakupandukira kutonga kwaJehovha kwakarurama, zvikaita kuti vaonekwe naMwari sevatadzi. (VaR. 5:12-14) Jehovha aiziva hake kuti kusateerera kwavo uye kupanduka kwaizoguma nei. Asi aida kuti dzimwe ngirozi dzose dzionewo kuti zvaizovafambira sei. Saka paidiwa nguva kuti nyaya yacho igadziriswe uye kuti anyatsoratidza nenzira yaizogutsa kuti vakanga vakanganisa chaizvo.
3. Tinoona sei hurumende dzinotungamirirwa nevanhu?
3 Sezvo vanhu vakaramba kutungamirirwa naJehovha, vaifanira kugadza hurumende dzavo. Muapostora Pauro akanyorera vaainamata navo kuRoma achiti hurumende idzodzo “masimba makuru.” Mumazuva aPauro, masimba makuru ainyanya kureva hurumende yeRoma yaitungamirirwa naMambo Nero, uyo akatonga kubvira muna 54 C.E. kusvikira muna 68 C.E. Pauro akati masimba makuru iwayo ‘akaiswa munzvimbo dzawo dzine mwero naMwari.’ (Verenga VaRoma 13:1, 2.) Izvi zvinoreva here kuti Pauro akanga ari kuti kutonga kwevanhu kunopfuura kwaMwari? Kana. Chaaingoreva ndechokuti kana Jehovha achiri kubvumira kuti vanhu vatonge, vaKristu vanofanira kuremekedza “zvakarongwa naMwari” vozviisa pasi pevatongi vakadaro.
Nzira Yakapinza Vanhu Muna Taisireva
4. Tsanangura kuti sei utongi hwevanhu husingazombofi hwakabudirira.
4 Kunyange zvazvo hwakabvumirwa, utongi hwevanhu hunotungamirirwa naSatani hahuzombofi hwakabudirira. Nemhaka yei? Chokutanga, nokuti hahutungamirirwi nouchenjeri hwaMwari. Jehovha chete ndiye ane uchenjeri hwakakwana. Saka ndiye oga anoziva zvinoita kuti utungamiriri hubudirire. (Jer. 8:9; VaR. 16:27) Jehovha anonyatsoziva zvokuita kusiyana nevanhu vanoedza icho vokanda pasi, kana zvaramba voedza chimwe vachingodaro. Utongi hwose hwevanhu husingatevedzeri mitemo yake hapana kwahunosvika. Izvozvo chete, tisingatauri hedu vavariro yakaipa yakaita kuti adaro, ndizvo zvakaita kuti utongi hwaSatani hukundikane kubvira pahwakatanga chaipo.
5, 6. Chii chakaita kuti Satani apandukire Jehovha?
5 Munhu anoziva zvaari kuita haawanzotangi chinhu chaanoziva kuti chichakundikana. Kana akaomesa musoro oramba achichiita, achapedzisira aona kuti ndamba kuudzwa akaonekwa nembonje pahuma. Zvakaitika kubvira makare kare zvakaratidza zvaratidzazve kuti hazvibatsiri kurwisana noMusiki wemasimba ose. (Verenga Zvirevo 21:30.) Zvisinei, Satani akapofumadzwa nokuzvikudza nokudada, achibva afuratira Jehovha. Saka Dhiyabhorosi akasarudza nemaune nzira yaizongoguma nokuparadzwa.
6 Kuzvikudza kwaSatani kwakazoratidzwawo nomumwe mutongi weBhabhironi uyo aidada achiti: “Ndichakwira kumatenga. Ndichakwidza chigaro changu choumambo pamusoro penyeredzi dzaMwari, uye ndichagara pasi pagomo rokusanganira, kumativi ari kure kwazvo okuchamhembe. Ndichakwira kumusoro kwenzvimbo dzakakwirira dzemakore; ndichazvifananidza neWokumusorosoro.” (Isa. 14:13-15) Zvairongwa kuitwa nomutongi asina musoro uyu hazvina kubudirira, uye umambo hweBhabhironi hwakaguma zvainyadzisa. Ndizvowo zvichaitika kuna Satani nenyika yake, avo vasarirwa nenguva pfupi kuti pavo papere.
Jehovha Akavaregerei Vachipanduka?
7, 8. Kubvumira kwaJehovha kuti uipi humboenderera kwakabatsirei?
7 Vamwe vangabvunza kuti sei Jehovha asina kurambidza vanhu kutsigira Satani uye kutevera utongi uhwu hwaisazombobudirira. Chokwadi saMwari Wemasimba ose, aigona kuzviita. (Eks. 6:3) Asi haana kudaro. Uchenjeri hwake hwakaita kuti azive kuti kumborega vanhu vakanga vapanduka vachizvitonga kwaizobatsira nokufamba kwenguva. Zvaizopedzisira zvabuda pachena kuti Jehovha Mutongi akarurama uye ane rudo, uye vanhu vakatendeka vaizobatsirwa nezvaakasarudza.
8 Dai vanhu vakanga varamba kufurirwa naSatani uye vasina kutsvaka kuzvitonga, nhamo dzose dziripo pangadai pasina. Kunyange zvakadaro, kusarudza kwakaita Jehovha kuti arege vanhu vachimbozvitonga kwekanguva kune zvakwakabatsira. Kwakaita kuti vanhu vane mwoyo yakatendeka vazive kuti kuteerera Mwari uye kuvimba naye kuchenjera. Mumazana emakore ose aya, vanhu vaedza hurumende dzakasiyana-siyana asi hapana kana imwe chete ine chayabura. Izvozvo zvakaita kuti vanamati vaMwari vave nechokwadi chokuti utongi hwaJehovha ndihwo hwakanakisisa. Ichokwadi kuti kubvumira kwaJehovha kuti Satani atonge kwaonesa vanhu ndondo, kusanganisira vaya vanonamata Mwari vakatendeka. Kunyange zvakadaro kune zvakwakabatsirawo vanamati vakatendeka ava.
Kupanduka Kwakazoita Kuti Jehovha Akudzwe
9, 10. Tsanangura kuti utongi hwaSatani hwakaita sei kuti Jehovha akudzwe.
9 Kubvumira vanhu kuti vatungamirirwe naSatani uye kuti vazvitonge hakuna kuita kuti utongi hwaJehovha husaremekedzwa. Zvakaitika kubva kare zvinoratidza kuti mashoko aJeremiya aakataura afuridzirwa, okuti vanhu havakwanisi kuzvitonga, ndeechokwadi. (Verenga Jeremiya 10:23.) Kuwedzera kune izvi, kupanduka kwaSatani kwakaita kuti Jehovha awane mukana wokuratidza unhu hwake hwakanaka zvinonyatsooneka. Sei?
10 Sezvo tava kuziva kuti utongi hwaSatani hahusi kubudirira, tinobva tatonyatsoona unhu hwakakwana hwaJehovha kupfuura zvataimboita. Izvi zvinoratidza kuti ari kukudzwa nevaya vanomuda. Kunyange zvazvo zvingaita sezviri kupesana, chokwadi utongi hwaSatani huri kutoita kuti Mwari akudzwe. Zvakaitwa naJehovha pakashorwa uchangamire hwake zvakatoita kuti tione kunaka kwake. Kuti tiratidze kuti izvi ndezvechokwadi, ngatimbokurukurai muchidimbu humwe unhu hwaJehovha toona kuti utongi hwaSatani hwakaita sei kuti Jehovha atowedzera kuratidza unhu uhwu.
11. Jehovha akaratidza sei rudo rwake?
11 Rudo. Magwaro anotiudza kuti “Mwari rudo.” (1 Joh. 4:8) Kusikwa kwevanhu chaiko kuratidzwa kworudo rwaMwari. Uyezve, nzira inotyisa uye inoshamisa yatakasikwa nayo inopupurira kuti Mwari rudo. Jehovha norudo akapawo vanhu musha wakanaka kwazvo une zvose zvinodiwa kuti vafare. (Gen. 1:29-31; 2:8, 9; Pis. 139:14-16) Asi vanhu pavakangotanga kuita zvakaipa, Jehovha akaratidza rudo nedzimwe nzira. Sedzipi? Muapostora Johani akanyora mashoko akataurwa naJesu, okuti: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Joh. 3:16) Pane imwe nzira yokuti Mwari angadai akaratidza nayo rudo inopfuura yokutuma kwaakaita Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga panyika kuti adzikinure vatadzi here? (Joh. 15:13) Kuratidza kwaakaita rudo uku muenzaniso wokuti vanhu vatevedzere, vavewo nomukana wokuratidza rudo rwokuzvipira rwakaita sorwaMwari mazuva ose oupenyu hwavo, sezvakaitwa naJesu.—Joh. 17:25, 26.
12. Jehovha anoratidza sei simba rake?
12 Simba. “Mwari, Wemasimbaose,” ndiye chete ane simba rokusika zvinhu zvipenyu. (Zvak. 11:17; Pis. 36:9) Panozvarwa munhu, anenge akaita sepepa risina chakanyorwa pariri. Paanozofa anenge aita seanyora papepa iroro zvaakasarudza, zvaakaita,, uye zvaakasangana nazvo kweupenyu hwake hwose zvaimusiyanisa nevamwe vanhu. Zvose izvozvo zvinogona kuzorangarirwa naJehovha. Kana nguva yacho yakwana, Jehovha anogona kuzomutsa munhu iyeye, akakwana uye aine zvose zvaimusiyanisa nevamwe. (Joh. 5:28, 29) Saka kunyange Mwari akanga asina chinangwa chokuti vanhu vafe, rufu rwakapa Jehovha mukana wokuratidza kuti simba rake rinopinda kunyange muguva. Zvechokwadi, Jehovha ndi“Mwari, Wemasimbaose.”
13. Chibayiro chaJesu chinoratidza sei kuti Jehovha anoruramisira zvakakwana?
13 Kururamisira. Jehovha haarevi nhema, uyewo haaiti zvakaipa. (Dheut. 32:4; Tito 1:2) Anogara achitaura chokwadi uye achiita zvakarurama, kunyange kana izvozvo zvichiita sezvingazokanganisa zvirongwa zvake. (VaR. 8:32) Jehovha anofanira kunge akarwadziwa chaizvo paakaona Mwanakomana wake waaida achifira padanda rokutambudzikira sezvinonzi aiva munhu asina kutendeka akanga amhura Mwari! Asi nokuti aida vanhu vasina kukwana, Jehovha akabvumira kuti izvi zviitike kuitira kuti aratidze kuti anoruramisira zvakakwana. (Verenga VaRoma 5:18-21.) Kuita zvakaipa kwakazara munyika kwakapa Jehovha mukana wokuti aratidze kuti ndiye musimboti wokururamisira.
14, 15. Ndezvipi zvimwe zvakaitwa naJehovha kuratidza kuti ane uchenjeri zvikuru uye ane mwoyo murefu?
14 Uchenjeri. Adhamu naEvha vachangotadza, Jehovha akavaudza zvaaizoita kuti agadzirise zvakaipa zvakanga zvakonzerwa nokupanduka kwavo. (Gen. 3:15) Kukurumidza kwakadaro kugadzirisa zvinhu uye kuzozivisa kwaakaita chinangwa chake zvishoma nezvishoma kuvashumiri vake kwakaita kuti uchenjeri hwake hunyatsobuda pachena. (VaR. 11:33) Hapana chinogona kutadzisa Mwari kuita zvaanoda. Munyika yakazara nounzenza, hondo, ine vanhu vasinganzwisisi, vasingateereri, vasina ngoni, vane rusarura, vanonyengera, Jehovha akava nomukana wakakura wokuratidza zvisikwa zvake kuti uchenjeri chaihwo chii. Mudzidzi Jakobho akati: “Uchenjeri hunobva kumusoro, kutanga, hwakachena, uyewo hune rugare, hunonzwisisa, hunoda kuteerera, huzere nengoni nezvibereko zvakanaka, hahusaruri, hahunyengeri.”—Jak. 3:17.
15 Kushivirira Uye Mwoyo Murefu. Kushivirira nomwoyo murefu zvaJehovha zvaisazobuda pachena sezvazvakaita dai pasina kuti vanhu havana kukwana, vanotadza uye vanokanganisa. Chido chaJehovha chokuratidza unhu ihwohwo kwezviuru zvemakore chinoratidza kuti unhu uhwu anahwo chaizvo, uye izvi tinofanira kuzvitenda nomwoyo wose. Ndokusaka muapostora Petro akataura kuti tinofanira kuona “kushivirira kwaShe wedu soruponeso.”—2 Pet. 3:9, 15.
16. Sei chido chaJehovha chokutikanganwira chichitifadza zvikuru?
16 Chido Chokukanganwira. Tose tiri vatadzi, tinokanganisa kazhinji. (Jak. 3:2; 1 Joh. 1:8, 9) Tinofanira kutenda Jehovha chaizvo kuti ane chido chokutikanganwira “zvikuru.” (Isa. 55:7) Fungawo zvinotevera: Zvatakaberekwa tiri vatadzi vasina kukwana, tinofara Mwari paanotikanganwira zvatinokanganisa. (Pis. 51:5, 9, 17) Kuona unhu hwaJehovha hunofadza kunosimbisa kumuda kwatinoita uye kunotikurudzira kutevedzera muenzaniso wake pane zvatinoitira vamwe.—Verenga VaKorose 3:13.
Chinoita Kuti Nyika Irware
17, 18. Utongi hwaSatani hwaratidza sei kuti hwakundikana?
17 Nyika yaSatani yose zvayo, iyo yasvika pairi nemhaka yematongero ake, yaratidza kwemakore akawanda kuti yazvitadza. Muna 1991, pepanhau rinonzi The European rakati: “Nyika iri kurwara here? Chokwadi iri kurwara, asi . . . haisi kurwariswa naMwari, iri kurwariswa nevanhu vayo.” Mashoko aya ndeechokwadi. Vabereki vedu vokutanga vakafurirwa naSatani, vakasarudza utongi hwevanhu pane hwaJehovha. Vakabva vatanga urongwa hwehurumende yaitozongokundikana chete. Marwadzo nenhamo zvaona vanhu munyika yose zviratidzo zvokuti utongi hwevanhu huri kurwara.
18 Utongi hwaSatani hunokurudzira vanhu kuti vangozvifunga ivo. Zvisinei, kungozvifunga hakumbofi kwakakunda rudo, ruri nzira yaMwari yokutonga. Utongi hwaSatani hwatadza kuita kuti vanhu vagadzikane, vafare, vasina chokutya. Utongi hwaJehovha hucharamba huchirevererwa! Mazuva ano tine uchapupu hwokurevererwa kwacho here? Hungu, sezvatichaona munyaya inotevera.
Tadzidzei Nezvoutongi Pataverenga . . .
[Mifananidzo iri papeji 25]
Vanhu havana kumbobatsirwa noutongi hwaSatani
[Kwazvakatorwa]
U.S. Army photo
WHO photo by P. Almasy
[Mufananidzo uri papeji 26]
Simba raJehovha rinopinda kunyange muguva
[Mufananidzo uri papeji 27]
Rudo rwaJehovha nokururamisira zvakaratidzwa paakapa Mwanakomana wake kuti ave chibayiro