RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 2/1 p. 3
  • Kutsvaka Chokwadi Nezvekudenga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsvaka Chokwadi Nezvekudenga
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Denga
    Mukai!—2016
  • Kudenga Kwakamboita Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • VaKristu Vose Vakatendeka Vanoenda Kudenga Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Ko Vanhu Vose Vakanaka Vanoenda Kudenga Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 2/1 p. 3

Kutsvaka Chokwadi Nezvekudenga

PFUNGWA yokuenda kudenga inofarirwa nevanhu vakawanda! Tariro yokurarama pashure porufu inodavirwa zvakasiyana-siyana nevaMuslim, vaHindu, vaBhudha, nevari mumachechi echiKristudhomu, uye kunyange nevanhu vakawanda vasingafariri zvechitendero. Vanhu vanowanzofunga kuti kudenga inzvimbo yakanaka uye yemafaro isina kutambura kwavanogona kusangana zvekare “nevadiwa vavo vakafa.” Kunyange zvakadaro, kuvanhu vakawanda chirevo chekare ichi ndechechokwadi chinoti: Vanhu vose vanoda kuenda kudenga asi hapana anoda kufa kuti aende ikoko. Nei zvakadaro?

Kudai takasikwa tichifanira kufa uye kuenda kudenga vanhu vakawanda havaizotarisira kuenda ikoko here sezvinongoitawo mwana anotarisira kukura kana kuti sezvinoita wechiduku anotarisira kuzoroora kana kuti kuzoroorwa? Asi vanhu vakawanda havadi kufa.

Kunyange zvakadaro, vafundisi vanoti pasi pano idandaro kudenga ndiko kwatinofanira kugara. Somuenzaniso, mumwe mufundisi anonzi Theodore Edgar Cardinal McCarrick, aimbova bhishopu mukuru wekuWashington, D.C., zvinonzi akati: “Hatina kusikirwa kugara pasi pano. Takasikirwa kugara kudenga.” Saizvozvowo, aichimbova purezidhendi weU.S. National Association of Evangelicals anonzi akati: “Chinangwa choupenyu ndechokurumbidza Mwari uye chokuenda kudenga . . . nokuti musha wedu uri kudenga.”

Vose vanotenda kuti kune upenyu kudenga pashure porufu vanowanzozviita vasina mashoko akakwana nezvenyaya yacho. George Barna, purezidhendi wekambani yokutsvakurudza mashoko ane chokuita nezvitendero, akawana kuti vanhu vakawanda vanotenda “pfungwa dzine chokuita noupenyu uye kuti kune humwe upenyu pashure porufu vachitora pfungwa idzodzo muzvinhu zvakasiyana-siyana zvakadai semabhuku enganonyorwa, mafirimu nemimhanzi.” KuFlorida mumwe mufundisi weChechi yeEpiscopal zvinonzi akati: “Hapana zvatinoziva nezvedenga asi kuti kudenga ndiko kuna Mwari.”

Zvisinei, nyaya yokudenga inokosha chaizvo inokurukurwa muBhaibheri. Maererano neShoko raMwari, kudenga kwakaita sei maererano nezvinodzidziswa neBhaibheri? Munhu akasikirwa kuti agare kudenga here? Kana vanhu vachienda kudenga, vanenge vachizoitei ikoko?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]

Nei vanhu vakawanda vachida kuenda kudenga asi vashoma vachida kufa kuti vaende ikoko?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe