RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 4/1 pp. 6-7
  • Zvakadzidziswa naJesu NezvaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakadzidziswa naJesu NezvaMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Unofanira Kunyengetera kuna Jesu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • ‘Mwanakomana Anoda Kuzivisa nezvaBaba’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Chokwadi nezvaJehovha naJesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
  • Tinofanira Kunyengetera Kuna Jesu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 4/1 pp. 6-7

Zvakadzidziswa naJesu NezvaMwari

“Hakunawo anoziva kuti Baba ndiani asi Mwanakomana nevaya vaanenge asarudza kuti vamuzive.”—RUKA 10:22, BHAIBHERI DZVENE TESTAMENDE ITSVA.

MWANAKOMANA waMwari wedangwe paakamborarama asati auya pasi pano, akapedza nguva yakareba kwazvo achishamwaridzana naBaba vake. (VaKorose 1:15) Mwanakomana uyu akapedzisira ava kunyatsoziva mafungiro, manzwiro uye maitiro aBaba vake. Mwanakomana paakauya pasi ava munhu ainzi Jesu, aida chaizvo kudzidzisa chokwadi nezvaBaba vake. Tinogona kudzidza zvakawanda nezvaMwari nokuteerera zvinotaurwa neMwanakomana uyu.

Zita raMwari Zita raMwari rokuti Jehovha raikosheswa chaizvo naJesu. Mwanakomana uyu aidiwa chaizvo aida kuti vamwe vazive uye vashandisewo zita raBaba vake. Zita raJesu rinoreva kuti “Jehovha Muponesi.” Usiku huya asati afa zuva rakatevera, Jesu aigona kunyengetera kuna Jehovha kuti: “Ndakavazivisa zita renyu.” (Johani 17:26) Hazvishamisi kuti Jesu akashandisa zita raMwari uye akaitawo kuti vamwe varizive. Uye vateereri vaJesu vaizonzwisisa sei chokwadi nezvaJehovha vasingazivi zita rake uye zvarinoreva?a

Rudo rukuru rwaMwari Pane imwe nguva Jesu achinyengetera akati: “Baba, . . .makandida nyika isati yavambwa.” (Johani 17:24) Sezvo Jesu akaratidzwa rudo naMwari kudenga, paaiva pasi pano akaedza kuratidza rudo irworwo munzira dzakasiyana-siyana dzakanaka.

Jesu akaratidza kuti rudo rwaJehovha rwakakura. Jesu akaona kuti: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “nyika” harirevi “pasi.” Apa rakashandiswa richireva vanhu—kutaura zvazviri, riri kureva vanhu vose zvavo. Mwari anoda vanhu chaizvo zvokuti akapa Mwanakomana wake anokosha kwazvo kuti vanhu vakatendeka vasunungurwe pachivi norufu uye kuti vave netariro youpenyu husingaperi. Hatingakwanisi kunyatsonzwisisa rudo rwakadzama zvakadaro.—VaRoma 8:38, 39

Jesu akasimbisa chokwadi chinokosha: Jehovha anoda chaizvo vashumiri vake somunhu mumwe nomumwe. Jesu akadzidzisa kuti Jehovha akafanana nemufudzi anoona gwai rimwe nerimwe serakasiyana nerimwe. (Mateu 18:12-14) Jesu akati hapana kana shiri imwe ingawira pasi Jehovha asingazivi. Jesu akawedzera kuti: “Kunyange bvudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose.” (Mateu 10:29-31) Kana Jehovha achikwanisa kuona kuti pane shiri iri kushayikwa mudendere rayo, saka zvinongoratidza kuti anotarisira chaizvo mumwe nemumwe wevanamati vake. Kana bvudzi rimwe nerimwe romusoro wedu richigona kuverengwa uye kuonekwa naJehovha, saka angatadza here kuziva zvose nezveupenyu hwedu—zvatinoda, zvinotitambudza, uye nhamo dzedu?

Baba vokudenga Sezvataona munyaya yapfuura, Jesu ndiye Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga. Hazvitishamisi kuti Mwanakomana uyu aidiwa kwazvo akataura kuna Jehovha achimuti “Baba.” Kutaura zvazviri, mumashoko okutanga aJesu akanyorwa aakataura mutemberi paaingova nemakore 12, akataura nezvaJehovha achiti “Baba vangu.” (Ruka 2:49) Shoko rokuti “Baba” rinowanika kanenge ka190 mumabhuku Evhangeri. Jesu akataura kakasiyana-siyana nezvaJehovha achiti “Baba venyu,” “Baba vedu,” uye “Baba vangu.” (Mateu 5:16; 6:9; 7:21) Nokushandisa kwaaiita shoko iroro akasununguka, Jesu akaratidza kuti zvinoita kuti vanhu vane zvivi, vasina kukwana vave noukama hwepedyo naJehovha uye kuti vavimbe naye.

Ane ngoni uye anoda kukanganwira Jesu aiziva kuti vanhu vasina kukwana vanoda chaizvo kukanganwirwa naMwari. Mumufananidzo wake wemwana akarasika, Jesu akafananidza Jehovha nababa vane rudo, vanokanganwira vanotambanudza maoko avo vachigamuchira mwanakomana anenge apfidza. (Ruka 15:11-32) Saka mashoko aJesu anotisimbisira kuti Jehovha anotarisa kuti munhu anotadza angangochinja mwoyo zvobva zvaita kuti amukanganwire. Jehovha anoda chaizvo kukanganwira mutadzi anopfidza. Jesu akatsanangura kuti: “Saizvozvo ndinokuudzai kuti kuchava nomufaro mukuru kudenga pamusoro pomutadzi mumwe chete anopfidza kupfuura kufarirwa kunoitwa vakarurama makumi mapfumbamwe nevapfumbamwe vasina chikonzero chokupfidza.” (Ruka 15:7) Ndiani asinganzwi achida kuva pedyo naMwari ane ngoni dzakadaro?

Munzwi womunyengetero Paaiva kudenga asati auya pasi pano Jesu akazvionera oga kuti Jehovha “Munzwi womunyengetero” uye kuti anofarira minyengetero yevashumiri vake vakatendeka. (Pisarema 65:2) Saka, paaiparidza, Jesu akadzidzisa vaimuteerera kuti vaifanira kunyengeterera chii uye sei. Jesu akapa zano achiti, “usadzokorora-dzokorora zvinhu zvakafanana.” Akakurudzira vateereri vake kuti vanyengeterere kuti kuda kwaMwari “kuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” Tinogona kunyengetera nezvezvinhu zvinotiraramisa zuva nezuva, kuti tikanganwirwe zvivi zvedu, uye kuti tikunde miedzo. (Mateu 6:5-13) Jesu akadzidzisa kuti Jehovha anoita sababa paanopindura minyengetero yevashumiri vake yavanoita nemwoyo wose vaine kutenda.—Mateu 7:7-11.

Kuti ave nechokwadi, Jesu akaedza kudzidzisa chokwadi nezvaJehovha uye kuti ndiMwari worudzii. Asi Jesu aiva nechimwe chinhu chine chokuita naJehovha chaaida chaizvo kuti vamwe vazive—chaizoshandiswa naJehovha kuti zvinhu zvichinje panyika yose kuti azadzise zvinangwa zvake nezvepasi uye vanhu vari pariri. Chokwadi, shoko raJesu nezvechinhu ichi ndiro raiva dingindira rokuparidza kwake.

[Mashoko Omuzasi]

a Zita rokuti Jehovha rinowanika kanenge ka7 000 mumagwaro epakutanga-tanga eBhaibheri. Zvinorehwa nezita iri zvinowanzobatanidzwa nemashoko okuti “Ndichava iye wandichava.” (Eksodho 3:14) Mwari anokwanisa kuva chero chaanoda kuti azadzise chinangwa chake. Saka zita iri rinonyatsotivimbisa kuti Mwari anoita zvaanenge ataura uye kuti zvose zvaanenge avimbisa zvinotoitika.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe