Waizviziva Here?
Mwanakomana kana aiva dangwe aiwana mabasa api nekodzero dzipi dzaikosha?
▪ Kubvira kare kare munguva yemadzitateguru evaIsraeri, vashumiri vaMwari vaipa vanakomana vavo matangwe kodzero dzaikosha. Paifa baba, mwanakomana mukuru ndiye aizoita mabasa aiitwa nemusoro wemhuri. Aitarisira mhuri uye ndiye aitarisira vanhu vose vaizoramba vachigara pamba ipapo. Dangwe ndiro raimiririra mhuri yacho yose pamberi paMwari. Kunyange zvazvo vanakomana vose vaiwanawo nhaka, dangwe ndiro raiwana zvakawanda. Dangwe raiwana zvinhu zvakapetwa kaviri kana zvichienzaniswa nezvaiwanikwa nevamwe vanakomana.
Mumazuva emadzitateguru evaIsraeri, mwanakomana wokutanga aigona kuramba kodzero yake yokuva dangwe. Somuenzaniso, Isau akatengesa kodzero yake yokuva dangwe kumunun’una wake. (Genesisi 25:30-34) Jakobho akatora udangwe hwaRubheni ndokuhupa Josefa. Rubheni haana kuzowana kodzero yokuva dangwe nokuti akaita unzenza. (1 Makoronike 5:1) Zvisinei, Mutemo waMosesi waiti kana murume aine barika, zvakanga zvisingaiti kuti achinjanise kodzero dzedangwe romumwe mukadzi achidzipa dangwe romumwe mukadzi waainyanya kuda. Baba vaifanira kuremekedza kodzero dzedangwe ravo.—Dheuteronomio 21:15-17.
Nei vanyori nevaFarisi vaisungirira “tubhokisi tune magwaro”?
▪ Jesu akashora vanyori nevaFarisi vaaipikisana navo mune zvechitendero, nokuti vaikudza “tubhokisi tune magwaro [twavaipfeka] sezvinhu zvinodzivirira.” (Mateu 23:2, 5) Vaitsigira mapoka iwayo ezvitendero vaisungirira pahuma tubhokisi tutema twaigadzirwa nematehwe. Vaitusungirirawo paruoko, pakati pegokora nehapwa pedyo nemwoyo. Mukati metubhokisi utwu maiva nendima dzeMagwaro. Tsika yokupfeka tubhokisi tune magwaro twaizivikanwa semafirakitera, yakabva pakududzira murayiro wakapiwa naMwari kuvaIsraeri sezvauri, unoti: “Mashoko aya andiri kukurayira nhasi anofanira kuva mumwoyo mako . . . Unofanira kuasungirira paruoko rwako” uye so“rundanyara pakati pemaziso ako.” (Dheuteronomio 6:6-8) Tsika yokusungirira mafirakitera hainyatsozivikanwi kuti yakatanga rini, asi nyanzvi dzakawanda dzinoti yakatanga muzana remakore rechitatu kana kuti rechipiri B.C.E.
Jesu akashora tsika iyi nokuda kwezvikonzero zviviri. Chokutanga, vanyori nevaFarisi vaikudza mafirakitera avo kuti vanhu vaone kuti vainamata chaizvo. Chechipiri, vanhu ava vainge vakarasika vachifunga kuti tubhokisi twavo twaiva nemagwaro twaiva matumwa aigona kuvadzivirira. Shoko rechiGiriki rinoreva tubhokisi utwu rokuti phylakterion, semashandisirwo arinoitwa mumabhuku asingatsananguri zviri muBhaibheri, rinoshandurwa kuti “rusvingo” kana kuti “chinhu chinodzivirira.”