RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 5/1 pp. 16-17
  • Kutevera Kwatingaita Kristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutevera Kwatingaita Kristu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Umambo hwaMwari Chii? Nzira Yokuratidza Nayo Kuti Tinohuda
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Uchagamuchira Rudo rwaJesu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Sei VaKristu Vachibhabhatidzwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • ‘Uya Uve Muteveri Wangu’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 5/1 pp. 16-17

Zvatinodzidziswa naJesu

Kutevera Kwatingaita Kristu

Vanhu pavaitenda zvaitaurwa naJesu, aiwanzoti: “Iva muteveri wangu.” (Mateu 9:9; 19:21) Zvii zvinofanira kuitwa nomunhu kuti azova mudzidzi waJesu, kureva kuva muKristu? Funga nezvemhinduro dzemibvunzo mitatu inokosha.

Unofanira kubata sei vamwe?

▪ Mudzidzi waJesu anofanira kutevedzera mirayiro ine chokuita nemabatiro anofanira kuitwa vamwe. Somuenzaniso, Jesu akati: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” Zvakadini kana mumwe munhu akakugumbura? Jesu akati: “Kurumidza kugadzirisa nyaya nomunhu anokumhan’arira.” Akaudzawo vateveri vake kuti: “Kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakanganwiriwo kudarika kwenyu.”—Mateu 5:25; 6:15; 7:12.

Kune vakaroorana, Jesu akapa zano iri: “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Usaita upombwe.’ Asi ini ndinoti kwamuri, munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” MuKristu wechokwadi anoita kuti zvinodzidziswa naJesu zvichinje pfungwa uye mwoyo wake.—Mateu 5:27, 28.

VaKristu vechokwadi vanorega zvakavanakira vachiitira kubatsira vamwe. Jesu aizvipira. Somuenzaniso, rimwe zuva vaneta nokuparidzira kwavaiita, Jesu nevaapostora vake vakashaya nguva yokutodya. Saka Jesu akaenda navo nechikepe kunzvimbo yakanga isina vanhu kuti vanozorora. Asi vanhu vakanzwa nezvekwaaienda uye vakamhanya, vakamutangira kusvika. Nyaya yacho iri muBhaibheri inoti: “Achibuda, akaona boka guru revanhu, asi akasiririswa navo, nokuti vakanga vakaita semakwai asina mufudzi. Zvino akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.” (Mako 6:30-34) Unogona kutevedzera Jesu nokuita zvaunokumbirwa naMwari, kunyange ukasangana nematambudziko.

Nei uchifanira kuudza vamwe mashoko akanaka?

▪ Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vaudze vamwe mashoko akanaka. Akaudza vaapostora kuti: “Pamunenge muchienda, paridzai, muchiti, ‘Umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.’” (Mateu 10:7) Vateveri vaJesu vane mashoko anokosha chaizvo. Jesu akanyengetera achiti: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete.”—Johani 17:3.

Jesu akafanotaura nezvebasa raizoitwa nemamiriyoni evateveri vake. Akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose.” (Mateu 24:14) Kana wakadzidza nezveUmambo hwaMwari uye uchitenda zvinotaurwa neBhaibheri, hapana mubvunzo kuti uchanakidzwa nokuudza vamwe zvaunoziva. Vateveri vaJesu vakawanda vanotanga kutaura nezveUmambo hwaMwari kuhama dzavo.—Johani 1:40, 41.

Nei uchifanira kubhabhatidzwa?

▪ Jesu paakabhabhatidzwa murwizi rwaJodhani, zviri pachena kuti akanyengetera kuti: ‘Ndauya kuzoita zvamunoda, haiwa Mwari.’ (VaHebheru 10:7) Kana uchida kuita zvinodiwa naMwari newewo unofanira kubhabhatidzwa. Jesu akarayira kuti: ‘Itai kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza.’—Mateu 28:19.

Munhu paanobhabhatidzwa, zvinhu zvipi zvaanotarisirwa kuzoita uye zvii zvaachawana? Vateveri vaJesu vakabhabhatidzwa vanoshumira Mwari nemweya yavo yose. Jesu akataura mashoko eMutemo waMwari unoti: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose.” (Mateu 22:37) Akataurawo kuti: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe.” (Mateu 16:24) Kubhabhatidzwa kunoratidza kuti munhu asarudza kuzviramba uye kuti ava waMwari. Vaya vane ukama hunokosha hwakadai vanogona kukumbira Mwari kuti avape hana yakachena.—1 Peter 3:21.

Kana uchida mamwe mashoko, ona chitsauko 18 chebhuku iri, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe