Zvazvinoreva Kuziva Zita raMwari
ZITA rako rine zvarinoreva here? Mune dzimwe nyika, zvakajairika kupa mwana zita rine zvarinoreva. Zita rinenge rasarudzwa ringaratidza zvinotendwa nevabereki vacho uye zvavanokoshesa kana zvavanotarisira kuti mwana wacho azoita.
Tsika yokupa mazita ane zvaanoreva haina kutanga nhasi. Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, vanhu vaiwanzopiwa mazita ane zvaanoreva. Mazita aigona kuratidza zvaitarisirwa munhu wacho kuti aite. Somuenzaniso, Jehovha paakaudza Dhavhidhi nezvebasa raizoitwa nemwanakomana wake Soromoni, akati: “Achanzi Soromoni [shoko rinobva pakuti “Rugare”] uye ndichaita kuti vaIsraeri vave norugare norunyararo mumazuva ake.”—1 Makoronike 22:9.
Dzimwe nguva Jehovha aipa zita idzva kumunhu akanga ava kuda kuita rimwe basa. Mudzimai waAbrahamu akanga asingabereki akapiwa zita idzva rokuti Sara, rinoreva “Mambokadzi.” Sei akapiwa zita iroro? Jehovha akatsanangura kuti: “Ndichamukomborera uyewo ndichakupa mwanakomana anobva kwaari; ndichamukomborera uye achava marudzi; madzimambo emarudzi achabva maari.” (Genesisi 17:16) Zviri pachena kuti, kana tichida kunzwisisa kuti sei Sara akapiwa zita idzva, tinofanirawo kunzwisisa basa idzva raaifanira kuzoita.
Zvakadini nezita rinokosha kupfuura mamwe ose, rokuti Jehovha? Rinorevei? Mosesi paakabvunza Mwari nezvezita rake, Jehovha akapindura kuti: “Ndichava iye wandichava.” (Eksodho 3:14) Shanduro yaRotherham inoshandura ndima iyi ichiti: “Ndichaita chero zvandinenge ndada.” Zita raJehovha rinoratidza kuti ndiMwari anokwanisa kuita zvakawanda-wanda. Muenzaniso unonyatsojekesa izvi ndouyu: Amai vanofanira kuita mabasa akawanda zuva roga roga pavanenge vachitarisira vana vavo—kuva mukoti, kuva mubiki, kuva mudzidzisi, zvichienderana nezvinenge zvichidiwa. Ndizvo zvinoitawo Jehovha, asi iye anotoita zvinopfuura izvi. Kuti azadzise chinangwa chaanoda kuitira vanhu nenzira yerudo, anogona kuita chero zvaanoda, zvichienderana nezvinenge zvichidiwa. Saka kuziva Jehovha nezita kunosanganisira kunzwisisa, kuremekedza, uye kuonga mabasa akawanda aanoita.
Zvinonzwisa tsitsi kuti vaya vasingazivi Mwari nezita rake havagoni kuona kunaka kwounhu hwake. Zvisinei kana ukadzidza Bhaibheri, unogona kunzwisisa mabasa aJehovha anosanganisira kuva Mupi wezano akachenjera, Muponesi ane simba, uye Mugoveri ane rupo. Zvinorehwa nezita rokuti Jehovha, zvinoshamisa zvechokwadi.
Asi hazvisi nyore kuti usvike pakuziva Mwari nezita. Nyaya inotevera icharatidza kuti sei zvakadaro.