RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 7/1 pp. 19-21
  • Zvinhu Zvinomwe Zvinobatsira Pakuverenga Bhaibheri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinhu Zvinomwe Zvinobatsira Pakuverenga Bhaibheri
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • 1—Iva nevavariro yakanaka paunoverenga
  • 2—Sarudza shanduro yaunogona kuvimba nayo
  • 3—Nyengetera
  • 4—Verenga zuva nezuva
  • 5—Shandisa nzira dzakasiyana-siyana pakuverenga
  • 6—Fungisisa
  • 7—Batsirwa kuti unzwisise
  • Kubetserwa Nokurava Bhaibheri Zuva Nezuva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Ungaita Sei Kuti Unyatsobatsirwa neBhaibheri?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Shingairira Kuverenga
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Ramba Wakabatisisa Shoko raMwari
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 7/1 pp. 19-21

Zvinhu Zvinomwe Zvinobatsira Pakuverenga Bhaibheri

“Kubvira kare Bhaibheri ndiro raitengwa kupfuura mamwe mabhuku, uye nanhasi zvichakangodaro gore negore.”—TIME MAGAZINE.

“Dzimwe nguva ndinomboverenga Bhaibheri, asi handinakidzwi naro.”—KEITH, MUMWE MUIMBI AKAKURUMBIRA WOKUENGLAND.

ZVINOSHAMISA kuti vakawanda vane Bhaibheri, asi zvinoita sokuti harimbovabatsiri pavanoriverenga. Zvisinei, vamwe vanokoshesa zvavanoverenga muBhaibheri. Somuenzaniso, mumwe mukadzi anonzi Nancy anorondedzera kuti: “Kubvira pandakatanga kuverenga Bhaibheri ndichifungisisa mangwanani oga oga, ndinozviona ndagadzirira kukunda chero matambudziko api zvawo anomuka zuva iroro. Kwemakore 35 apfuura hapana chimwe chinhu chakandibatsira kuderedza kuora mwoyo kupfuura kuverenga Bhaibheri kwandinoita.”

Kunyange hazvo usina kumbobvira waverenga Bhaibheri, kubatsirwa kuri kuitwa vamwe naro kunoitawo kuti ude kuriverenga here? Kana wanga uchitoverenga Bhaibheri, ungada here kuwedzera kubatsirwa naro paunoriverenga? Kana zvakadaro, edza kuita zvinhu zvinomwe zvinotsanangurwa munyaya ino.

1—Iva nevavariro yakanaka paunoverenga

◼ Unogona kuverenga Bhaibheri nemhaka yokuti ibhuku rinongonakidzawo kana kuti nokuti unofunga kuti mutemo kuriverenga kana kuti uine pfungwa yokuti rinogona kukubatsira paunosangana nematambudziko munyika ino. Asi uchanyanya kubatsirwa kana ukaverenga uine chinangwa chokudzidza chokwadi nezvaMwari. Uyezve, uchabatsirwa chaizvo kana vavariro yako iri yokuda kuona kuti zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kubatsira sei upenyu hwako.

Magwaro anosimbisa kukosha kwokuverenga uine vavariro yakanaka nokuenzanisa Bhaibheri negirazi: “Kana munhu ari munzwi weshoko, asiri muiti, iyeyu akafanana nomunhu anotarira chiso chake chaakazvarwa nacho mugirazi. Nokuti anozvitarira, oenda, obva akanganwa kuti iye munhu akaita sei. Asi iye anonyatsotarira mumutemo wakakwana worusununguko uye anorambira mauri, munhu iyeye achafara paanouita, nokuti haana kuva munzwi anokanganwa, asi muiti webasa.”—Jakobho 1:23-25.

Munhu ari kutaurwa nezvake mumuenzaniso uno akatarira chiso chake mugirazi asi akatadza kuchigadzirisa. Zvimwe akangotarira nechimbichimbi, kana kuti haana kuva neshungu yokuzvigadzirisa. Ndizvowo zvichangoitika kana tikaverenga Bhaibheri tichimhanya-mhanya, tichabatsirwa zvishoma kana kuti tichatadza kuita zvatinenge taverenga. Asi tinogona kunyatsofara kana tikaongorora Bhaibheri tiine chinangwa chokuva ‘vaiti veshoko,’ tichiita kuti mafungiro aMwari achinje zvatinofunga nezvatinoita.

2—Sarudza shanduro yaunogona kuvimba nayo

◼ Unogona kunge uine shanduro dzakasiyana-siyana dzeBhaibheri mumutauro wako. Kunyange hazvo shanduro imwe neimwe yeBhaibheri ichigona kukubatsira, dzimwe dzinoshandisa mutauro wekare kana kuti wakaoma unoshandiswa nenyanzvi. (Mabasa 4:13) Dzimwe shanduro dzinotochinja mashoko akarurama ari muBhaibheri dzichiti haaenderani netsika dzavo. Somuenzaniso, sezvataona munyaya dzokutanga dziri mumagazini ino, vamwe vakatsiva zita raMwari rokuti Jehovha nemazita okumuremekedza akadai sokuti “Mwari” kana kuti “Ishe.” Saka pakusarudza kuti woshandisa shanduro ipi, tsvaka iri nyore kunzwisisa inoita kuti unzwe uchida kuramba uchiverenga.

Mamiriyoni evanhu vanoverenga pasi pose akaona kuti Shanduro Yenyika Itsva haina kuoma kunzwisisa uye yakarurama.a Chimboona nyaya yemurume akwegura ari kuBulgaria. Akapinda musangano weZvapupu zvaJehovha akabva apiwa Bhaibheri rake reShanduro Yenyika Itsva. Zvadaro akati, “Ndava nemakore akawanda ndichiverenga Bhaibheri, asi handisati ndamboverenga shanduro iri nyore kunzwisisa uye inobaya mwoyo seiyi.”

3—Nyengetera

◼ Unogona kuwedzera kunzwisisa Bhaibheri kana ukakumbira Munyori waro kuti akubatsire, sezvakaita munyori wepisarema uyo akati: “Vhurai maziso angu, kuti nditarire zvinhu zvinoshamisa zviri mumutemo wenyu.” (Pisarema 119:18) Pose paunoverenga Magwaro, nyengetera kuna Mwari uchimukumbira kuti akubatsire kunzwisisa Shoko rake. Unogonawo kumutenda nokutipa Bhaibheri, nokuti dai asina kudaro hataizoziva Mwari.—Pisarema 119:62.

Mwari anonzwa minyengetero yakadaro yokuda kubatsirwa here? Chimboona zvakaitika kune vasikana vaviri vachiri kuyaruka kuUruguay. Vakashamisika chaizvo nezvinotaurwa neBhaibheri pana Dhanieri 2:44 uye vakanyengetera kuna Mwari kuti atumire mumwe munhu kuti avabatsire kunzwisisa rugwaro urwu. Bhaibheri revasikana ava richakavhurika, Zvapupu zvaJehovha zviviri zvakasvika pamba pavo, zvisingazivi zvakaverenga rugwaro rwacho rwanga rwuchinyengetererwa nevasikana ava, zvikabva zvarutsanangura kuti rwunoreva kuti hurumende dzevanhu dzichatsiviwa neUmambo hwaMwari.b Vasikana ava vakaona kuti zvechokwadi Mwari akanga apindura munyengetero wavo.

4—Verenga zuva nezuva

◼ Vanhu vakawanda vanoda kuzoverenga Shoko raMwari kana paita dambudziko. Somuenzaniso, mumwe munyori wemabhuku akati pashure pokunge magandanga abhomba United States musi waSeptember 11, 2001, vanhu vakadirana vachinotenga maBhaibheri.” Asi Bhaibheri rinotikurudzira kuti tiriverenge zuva nezuva, nokuti rinoti: “Bhuku iri romutemo harifaniri kubva pamuromo pako, unofanira kuriverenga nenzwi riri pasi masikati nousiku, kuti uchenjerere kuita maererano nezvose zvakanyorwa mariri; nokuti kana ukadaro uchaita kuti nzira yako ibudirire, wobva waita nokuchenjera.”—Joshua 1:8.

Kukosha kwokuverenga Bhaibheri nguva dzose kunogona kufananidzwa nomunhu ane chirwere chomwoyo uye anosarudza kudya zvokudya zvinovaka muviri. Mitemo ine chokuita nezvokudya iyi ingamubatsira here kana kuri kuti anongoitevedzera paanenge ava kurwadziwa muchipfuva? Aiwa. Kuti anyatsobatsirwa, nguva dzose anofanira kutevedzera mitemo iyi ine chokuita nezvinhu zvaanofanira kudya. Saizvozvowo kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, kuchaita kuti “nzira yako ibudirire.”

5—Shandisa nzira dzakasiyana-siyana pakuverenga

◼ Zvakanaka kuverenga Bhaibheri kubva kuna Genesisi kusvika kuna Zvakazarurwa, asi pane dzimwe nzira dzinonakidza dzaunogona kushandisa. Zvimwe zvaunogona kuita ndeizvi:

Verenga nezvemumwe munhu ari muBhaibheri. Verenga zvitsauko zvose kana kuti mabhuku anotaura nezvemumwe munhu ainamata Mwari, akadai sa:

• Josefa: Genesisi 37-50.

• Rute: Rute 1-3.

• Jesu: Mateu 1-28; Mako 1-16; Ruka 1-24; Johani 1-21.c

Tsvaka imwe nyaya. Verenga magwaro anotaura nezvenyaya iyoyo. Somuenzaniso, tsvakurudza nyaya ine chokuita nemunyengetero, wobva waverenga zvinotaurwa neBhaibheri nezvayo uyewo nezveminyengetero yakawanda yakaitwa nevamwe yakanyorwa muBhaibheri.d

Verenga zvinonzwika. Zvinokubatsira chaizvo kana ukaverenga zvinonzwika. (Zvakazarurwa 1:3) Munogona kuverenga zvinonzwika muri pamwe nemhuri, muchichinjana kuverenga ndima kana kuti muchiti mumwe averenge mashoko akataurwa nemumwe ari muBhaibheri mumwewo achiverenga akataurwa nomumwe. Vamwe vanonakidzwa nokuteerera Bhaibheri rakaita zvokurekodhwa. Mumwe mukadzi anoti: “Zvakanga zvakandiomera kuti nditange kuverenga Bhaibheri, saka ndakazotanga kuteerera Bhaibheri rakaita zvokurekodhwa. Iye zvino ndava kuona kuti Bhaibheri rinonakidza kupfuura chero novhero ripi zvaro rinonakidza.”

6—Fungisisa

◼ Kumhanya-mhanya kunoitwa munyika mazuva ano uye zvinhu zvinovhiringidza zvinoita kuti kufungisisa kuome. Asi sezvo muviri uchifanira kugaya zvokudya kuitira kuti tive noutano, tinofanirawo kufungisisa zvatinoverenga muBhaibheri kuitira kuti tibatsirwe. Tinoita izvi nokudzokorora nomusoro zvataverenga uye kuzvibvunza mibvunzo yakaita seiyi: ‘Chii chandadzidza nezvaJehovha Mwari? Izvi zvinoshanda sei kwandiri? Ndingazvishandisa sei kuti ndibatsire vamwe?’

Kuita izvozvo kuchaita kuti zvinotaurwa neBhaibheri zviti dyoo pamwoyo pedu uye zvichawedzera kunakidzwa kwatinoitwa patinoverenga Shoko raMwari. Pisarema 119:97 inoti: “Ndinoda mutemo wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose.” Kufungisisa Magwaro kwaiita munyori wepisarema kwakaita kuti ade nomwoyo wose zvinhu zvaaidzidza.

7—Batsirwa kuti unzwisise

◼ Mwari haatarisiri kuti tinzwisise Shoko rake pasina chinotibatsira. Bhaibheri pacharo rinotaura kuti rine “zvimwe zvinhu zvakaoma kunzwisisa.” (2 Petro 3:16) Bhuku raMabasa rinorondedzera mumwe mukuru mukuru wekuItiopiya akatadza kunzwisisa imwe ndima yeBhaibheri yaakaverenga. Mwari akatumira mumwe wevashumiri vake kuti amubatsire, zvikapedzisira zvaita kuti muItiopiya uyu ‘arambe achienda zvake achifara.’—Mabasa 8:26-39.

Newewo unogona kubatsirwa nokuverenga Bhaibheri kana ukayamurwa nemumwe munhu kuti unzwisise zvaunoverenga. Onana neZvapupu zvaJehovha zviri kwaunogara kana kuti nyorera pakero iri papeji 4 yemagazini ino kuti udzidze Bhaibheri usingabhadhari.

[Mashoko Omuzasi]

a Shanduro Yenyika Itsva, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, yakazara kana kuti chikamu mumitauro 83, uyewo inowanikwawo mumitauro 11 iri paIndaneti pawww.watchtower.org.

b Kuti unyatsonzwisisa nezveUmambo hwaMwari uye zvahuchaizoita, ona chitsauko 8 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

c Kana kari kokutanga kuverenga Bhaibheri, edza nokutanga kuverenga nyaya inoti ga-ga-ga ine chokuita noushumiri hwaJesu iri mubhuku raMako.

d Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Rabatsira vanhu vakawanda kuti vazive nezvezvinhu zviri kuitika mazuva ano zvakagara zvataurwa muBhaibheri. Somuenzaniso, chitsauko 17 chinotaura kuti nezvenyaya yokuti Magwaro anotii nezvemunyengetero.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe