RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 7/1 p. 29
  • Anotsvaka Zvakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Anotsvaka Zvakanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakaita Gore “Munyika Yakanaka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • “Akanaka Kwazvo!”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Ukuru Hunoshamisa Hworunako rwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Jehovha—Muenzaniso Mukuru Worunako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 7/1 p. 29

Swedera Pedyo naMwari

Anotsvaka Zvakanaka

1 MADZIMAMBO 14:13

“JEHOVHA anoongorora mwoyo yose, uye anonzwisisa zvose zvinodiwa nepfungwa.” (1 Makoronike 28:9) Mashoko aya akafuridzirwa anoita kuti tionge kudiwa kwakadzama kwatinoitwa naJehovha. Jehovha anotsvaka zvakanaka zviri mumwoyo yedu kunyange zvazvo tichitadza. Izvi zvinoratidzwa pachena nemashoko aakataura nezvaAbhija, ari pana 1 Madzimambo 14:13.

Abhija aibva mumhuri yaiita zvakaipa. Baba vake Jerobhoamu ndivo vakanga vari vokutanga pamadzimambo evaIsraeri kutsauka.a Jehovha aida kuparadza zvachose imba yaJerobhoamu, “sezvinoita munhu anotsvaira ndove.” (1 Madzimambo 14:10) Asi Mwari akarayira kuti munhu mumwe chete mumhuri yaJerobhoamu ainzi Abhija, uyo airwara zvokuda kufa, avigwe zvinoremekedzeka.b Chikonzero nei? Mwari akatsanangura kuti: “Chimwe chinhu chakanaka kuna Jehovha Mwari waIsraeri chawanikwa maari muimba yaJerobhoamu.” (1 Madzimambo 14:1, 12, 13) Mashoko aya anotiudzei nezvaAbhija?

Bhaibheri haritauri kuti Abhija akanga ari munhu akatendeka pakunamata kwake Mwari. Asi pane chimwe chinhu chakanaka chaaiita. Chakanaka chacho akachiitira “Jehovha,” zvimwe chaiva nechokuita nokumunamata. Vanyori vechiRabhi vanoti Abhija akaenda kutemberi yaiva muJerusarema kana kuti akabvisa varindi vakanga vaiswa nababa vake kuti varambidze vaIsraeri kuenda kuJerusarema.

Kunyange tisinganyatsozivi zvakanaka zvaaiita, zvakanaka zvakaitwa naAbhija zvakaonekwa naMwari. Chokutanga, akazviita nomwoyo wose. Zvakanaka izvi zvaiva “maari,” kureva kuti zvaibva mumwoyo make. Chechipiri, zvakanga zvakasiyana nezvaiitwa nevamwe vose. Abhija akaita zvakanaka izvi kunyange akanga “ari mumba maJerobhoamu.” Imwe nyanzvi inoti: “Zvinhu zvakanaka chaizvo kuti vanhu varambe vachiratidza unhu hwakanaka pasinei nokuti vanobva munzvimbo kana mumhuri dzisingaratidzi unhu hwakanaka.” Mumwe anoti zvakanaka zvakaitwa naAbhija zvaiva “pachena . . . , sokupenya kunoita nyeredzi kana denga rakati tsva, uye misidhari yakanaka chaizvo kana miti iri pedyo nayo isina mashizha.”

Chinonyanya kukosha ndechokuti mashoko ari pana 1 Madzimambo 14:13 anotidzidzisa chimwe chinhu chakanaka nezvaJehovha uye chaanotsvaka matiri. Yeuka kuti pane chimwe chinhu chakanaka “chakawanikwa” muna Abhija. Zviri pachena kuti Jehovha akaongorora mwoyo waAbhija kusvikira aona chimwe chinhu chakanaka maari. Imwe nyanzvi inoti Abhija paaienzaniswa nevomumhuri yake, aiita separera rimwe chete riri “pakati pematombowo zvawo.” Jehovha akakoshesa uye akakomborera zvakanaka zvaaiita, paakaratidza ngoni kumunhu uyu mumwe chete mumhuri yaiita zvakaipa.

Hazvinyaradzi here kuziva kuti Jehovha anotsvaka uye anokoshesa zvakanaka zvatinoita pasinei nokuti tinotadza? (Pisarema 130:3) Kuziva izvi kunofanira kutiita kuti tiswedere pedyo naJehovha, Mwari anonyatsosefa mwoyo yedu kuti atsvake kunyange zvakanaka zviduku zvatinoita.

[Mashoko Omuzasi]

a Jerobhoamu akanga aumba mhuru kuti inamatwe nevaiva muumambo hwaIsraeri hwokuchamhembe hwemadzinza gumi kuitira kuti vanhu varege kuenda kunonamata Jehovha patemberi yokuJerusarema.

b Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, kana munhu asina kuvigwa zvinoremekedzeka zvairatidza kuti aisafarirwa naMwari.—Jeremiya 25:32, 33.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe