RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 9/1 pp. 10-13
  • Ngwarira Kunyengerwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngwarira Kunyengerwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chakaipira Kunyengerwa
  • Tiri Pangozi Here?
  • Zvingaitika Kwauri Here?
  • Zvii Zvaungaita Kuti Usanyengerwa?
  • Shandisa Zvaunenge Wadzidza
  • Ngwarira Kunyengerwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Dzivisa Mudzimu Wenyika Iri Kuchinja
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Nei Uchitenda Zvaunotenda?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Chitendero Ndicho Musimboti Wezvinetso Zvevanhu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 9/1 pp. 10-13

Ngwarira Kunyengerwa

DON QUIXOTE, munhu anozivikanwa zvakanyanya kune dzimwe nyika anotaurwa mungano yakanyorwa nomunyori wokuSpain anonzi Miguel de Cervantes mubhuku rake rakafarirwa zvikuru raiva nezita iroro muzana remakore rechi16. Mubhuku racho, mupfungwa dzaDon Quixote makazara nyaya dzengano dzevarwi vakashinga vari kuuya kuzonunura musikana ari panguva yakaoma. Anobva atanga kuzviona semurwi akashinga. Mune chimwe chikamu, anorova mahwindimiri aanenge achifungidzira kuti vavengi vane simba rakakura. Mupfungwa dzake anenge achizviudza kuti ari kuita zvinodiwa naMwari paanenge achiuraya vavengi ivavo, asi anopedzisira aona kuti kumhanyisana nemhepo.

Ichokwadi kuti nyaya yaDon Quixote, ingano hayo asi kunyengerwa haisi nyaya yokutamba nayo. Funga nezvechidhakwa chinoona sokuti chinogona kunwa chero zvachada, chozongopepuka chavhiringa utano hwacho uye chaparadza mhuri yacho. Kana kuti funga nezvemunhu anenge ane chirwere chokutya kufuta chinonzi anorexia, chokuti kusadya kwaanenge achiita anenge achiti ndiko kuva mutano, asingazivi kuti ari kutozviuraya nenzara.

Kuti pane mumwe wedu angasvikawo pakuzvinyengera here? Zvinosuwisa kuti varipo vamwe vanodaro. Kutaura chokwadi, tose tinogona kuwirwa nedambudziko iroro. Uyewo zvinosanganisira kuti tinogona kunyengerwa nedzidziso dzatakangokura tichiziva dzomumachechi edu, idzo dzinogona kupedzisira dzaita kuti tisava noukama hwakanaka naMwari. Sei tichidaro? Zvii zvaungaita kuti usanyengerwa?

Chakaipira Kunyengerwa

Rimwe duramanzwi rinoti kunyengera “kuudza munhu nhema kuti afare.” Uyewo zvinosanganisira “kuita kuti munhu aite zvinhu achifunga kuti ari kugona, asi iye ari kukanganisa.” Saka shoko iri, pamwe chete nerimwe rokuti “tsausa,” rinoreva kurasisa munhu nounyengeri. Zvechokwadi munhu anenge asingazivi kuti ari “kunyengerwa kana kuti kutsauswa” nemashoko anotaurwa zvisiri izvo nemaune anenge ari padambudziko.

Chokwadi chinorwadza ndechokuti kazhinji munhu wacho ari kunyengerwa anoramba achidavira zvaanofunga kuti ndizvo zvakarurama pasinei nokuti pane uchapupu hunoratidza kuti zvaari kufunga hazvisi izvo. Dzimwe nguva dzidziso dzaanenge anadzo dzinenge dzakabaya dzikatyokera zvokuti kuti umutsudugure uchimuratidza uchapupu hwokuti mafungiro ake haana kururama anobva aisa zvimiti munzeve.

Tiri Pangozi Here?

Unogona kubvunza kuti, ‘Hakusi kunyanya kuwedzeredza here kutaura kuti tose tiri pangozi yokuti tingangonyengerwa pane zvatinodavira zvinodzidziswa mumachechi edu?’ Aiwa hakusi kuwedzeredza. Imhaka yokuti Satani Dhiyabhorosi, uyo Jesu akati “baba venhema,” ari kushanda nesimba kuti atinyengere uye atitsause tose. (Johani 8:44) Bhaibheri rinorondedzera Satani richimuti “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino.” Kubvira kare nakare ari ‘kupofumadza pfungwa’ dzemamiriyoni evanhu. (2 VaKorinde 4:4) Nanhasi ari “kutsausa nyika yose inogarwa.”—Zvakazarurwa 12:9.

Satani akatanga unyengeri hwake kubva pakasikwa vanhu. Somuenzaniso, akaita kuti Evha aone sokuti akanga asingafaniri kuudzwa zvokuita noMusiki wake uye aigona ‘kuva akafanana naMwari, achiziva zvakanaka nezvakaipa,’ kureva kuti aigona kuzvisarudzira zvakanaka nezvakaipa. (Genesisi 3:1-5) Uku ndiko kwakanga kuri kunyengerwa kwokutanga kwakakura chaizvo, nokuti kunyange hazvo vanhu vakanga vapiwa rusununguko rwokusarudza zvavaida kuita, vakanga vasina kusikwa vane kodzero yokudzika mitemo yezvakanaka uye zvakaipa. Mwari oga, soMusiki uye Changamire, ndiye ane kodzero nesimba racho. (Jeremiya 10:23; Zvakazarurwa 4:11) Hapana kurasika kunopfuura kufunga kuti kodzero yokusarudza chakanaka nechakaipa zvinoreva kuti une kodzero yokudzika mutemo wokuti ichi ndicho chakanaka uye ichi ndicho chakaipa. Zvinosuwisa kuti uyu ndiwo musungo unotibata nyore nyore isu vanhu vane zvivi.

Zvingaitika Kwauri Here?

Zvimwe dzidziso dzokuchechi kwenyu dzaunofarira dzava nemazana emakore dzichidzidziswa, zvimwe dzakabva kune chimwe chizvarwa dzikapfuudzwa kune chimwe zvichingodaro. Asi izvozvo hazvirevi kuti ndedzechokwadi. Nemhaka yei? Zvakanyorwa muBhaibheri zvinoratidza kuti pashure pokunge vaapostora vaKristu vafa, varume vanonyengera vakatanga kumuka muungano yechiKristu vakadzidzisa “zvinhu zvisina kururama kuti vatsause vadzidzi vavatevere.” (Mabasa 20:29, 30) Vakatsausa vanhu nounyanzvi vachishandisa “mashoko okunyengetedza” uye “unyengeri husina zvahunobatsira maererano netsika yevanhu.”—VaKorose 2:4, 8.

Mazuva ano zvasiyana here? Kwete, nokuti muapostora Pauro akanyevera kuti zvinhu zvichawedzera kuipa “mumazuva okupedzisira,” nguva ino yatiri kurarama. Akanyora kuti, “Vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa, vachitsausa vamwe uye ivo vachitsauswawo [kana kuti vachinyengedza vamwe nokuzvinyengedza ivo,” Bhaibheri Dzvene].”—2 Timoti 3:1, 13.

Saka kuchenjera kuti tifungisise nyevero yakapiwa nomuapostora Pauro yokuti: “Naizvozvo anofunga kuti akamira ngaachenjere kuti arege kuwa.” (1 VaKorinde 10:12) Ichokwadi kuti pano Pauro akanga ari kutaura nezveukama hwomunhu naMwari. Kutaura chokwadi, kufunga kuti Satani haambotinyengeri kurasika chaiko. Zvechokwadi hapana angati handitsauswi “nemanomano” aSatani. (VaEfeso 6:11) Ndochikonzero nei muapostora Pauro aityira vaKristu vaainamata navo kuti “zvimwe, sokunyengedzwa kwakaitwa Evha nenyoka nemanomano ayo, pfungwa [dzavo] dzingashatiswa dzikabva pakutendeseka nokuchena zvakakodzera Kristu.”—2 VaKorinde 11:3.

Zvii Zvaungaita Kuti Usanyengerwa?

Saka zvii zvaungaita kuti usanyengerwa naSatani? Ungaziva sei kuti uri “kunamata [Mwari] nomudzimu nechokwadi”? (Johani 4:24) Shandisa zvawakapiwa naJehovha Mwari. Chokutanga, akakupa simba rokuva akangwara kuitira kuti ukwanise kusiyanisa chokwadi nenhema. (1 Johani 5:20) Akaitawo kuti ukwanise kuziva mazano aSatani. (2 VaKorinde 2:11) Kutaura zvazviri, akakupa zvose zvaunoda kuti ukunde zvingaitwa naSatani pakuedza kuda kukutsausa.—Zvirevo 3:1-6; VaEfeso 6:10-18.

Chikuru pane zvose, Mwari akakupa chimwe chinhu chokuvimba nacho chokuti uzvidzivirire. Chii ichocho? Ndicho chinhu icho muapostora Pauro akakurudzira waaishanda naye Timoti kuti avimbe nacho panyaya dzokunamata. Apedza kupa nyevero ‘nezvevanhu vakaipa nevanyengeri,’ muapostora Pauro akaudza Timoti kuti ashandise “zvinyorwa zvitsvene,” kureva Shoko raMwari dzvene, Bhaibheri, kuti asanyengerwa.—2 Timoti 3:15.

Ehe, vamwe vangati munhu wose anotenda muna Mwari uye anobvuma kuti Bhaibheri iShoko raMwari rakafuridzirwa naiyewo akanyengerwa. Asi kutaura chokwadi, vaya vanoomesa musoro pasinei nokuti varatidzwa uchapupu hwokuti Musiki ariko, uye hunoratidza kuti zvechokwadi Bhaibheri iShoko raMwari rakafuridzirwa ndivo vakanyengerwa.a—VaRoma 1:18-25; 2 Timoti 3:16, 17; 2 Petro 1:19-21.

Shandisa Shoko raMwari kuti uone chokwadi panzvimbo pokuti unyengerwe “pamusoro peinonzi ‘zivo’ iyo iri yenhema.” (1 Timoti 6:20, 21) Iva nepfungwa dzakanaka sedzaiva nevarume nevakadzi vaiva kuBheriya vakaparidzirwa nomuapostora Pauro. “Vakagamuchira shoko nepfungwa dzinoda kwazvo.” Vakanga vasingori kubvuma nomwoyo wose zvavakanga vadzidziswa nomuapostora Pauro asiwo vakanga “vachinyatsoongorora Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvi zvakanga zvakadaro.”—Mabasa 17:11.

Hapana chakaipa nokuongororora zvaunotenda. Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinokukurudzira kuti ‘uve nechokwadi nezvinhu zvose’ usati wabvuma kuti ndezvechokwadi. (1 VaTesaronika 5:21) Zana remakore rokutanga C.E. rava kuda kunopera, muapostora Johani akakurudzira vaKristu vaainamata navo kuti: “Vadiwa, musatenda kutaura kwose kwakafuridzirwa, asi edzai kutaura kwakafuridzirwa kuti muone kana kuchibva kuna Mwari.” (1 Johani 4:1) Kunyange hazvo imwe dzidziso yechechi ichiita sokuti ‘yakafuridzirwa’ kana kuti inobva kuna Mwari, kuchenjera kuongorora kuti Magwaro anoti kudini kuti uve nechokwadi usati waiti ndeyechokwadi.—Johani 8:31, 32.

Shandisa Zvaunenge Wadzidza

Pachine chimwe chinokosha chaunofanira kuita. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Ivai vaiti veshoko, kwete vanzwi chete, muchizvinyengera nokufunga kwenhema.” (Jakobho 1:22) Hazvina kukwana kungoziva zvinodzidziswa neBhaibheri. Unofanira kuzvishandisa. Sei? Nokuita zvaunorayirwa naMwari uye kusiyana nezvinhu zvaanoti zvakashata.

Somuenzaniso, chimbofunga nezvekuora kwaita tsika mazuva ano. Hazvikuratidzi here kuti Satani ari kubudirira kutsausa vanhu kuti vafunge kuti vanogona kufuratira mitemo yaMwari ine chokuita netsika pasina chinovawana? Pamusana peizvi muapostora Pauro akapa vaKristu nyevero asingaiti zvokuti pamunhondo pamusasa, achiti: “Musatsauswa: Mwari haasi wokuseka. Nokuti zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa.”—VaGaratiya 6:7.

Usambova somurume akanzi naJesu “murume akapusa” uyo ‘anonzwa’ zvinotaurwa naJesu asi otadza ‘kuzviita.’ Kungofanana nekuzvinyengedza kwakaita Cervantes’ Don Quixote, murume uyu akanyengerwa nokuti aifunga kuti anogona kuvaka imba yakasimba pamusoro pejecha. Asi iva somurume “akavakira imba yake padombo guru.” Jesu akati murume uyu “akangwara” nokuti anonzwa zvinotaurwa naJesu ‘ozviita.’—Mateu 7:24-27.

[Mashoko Omuzasi]

a Kana uchida kunzwa zvimwe, ona mabhuku anonzi Is There a Creator Who Cares About You? uye Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 12, 13]

Unoona Zvinhu Sezvazviri Chaizvo Here?

Mumakore okuma1930, imwe nyanzvi yokudhirowa yokuSweden inonzi Oscar Reutersvärd yakadhirowa uye yakagadzira chimwe chinhu chaiva chakaoma kunzwisisa kuti chii. Mufananidzo uri kuruboshwe unoratidza chinhu ichocho asi nomugadziriro wamazuva ano. Kana ukangokanda ziso pachiri, unoona sokuti hapana chakakanganisika pachiri asi chaizvo hapana chinhu chakadaro. Zvisinei, kana zvanyatsoongororwa, pane kaunyengeri kakaitwa ipapo nenyanzvi iyi, kungovhiringidza kana kuti kunyengera maziso nepfungwa zvomunhu anenge akachitarisa.

Kunze kwezvinhu zvataurwa pamusoro apa, kune zvimwewo zvinhu zvinoratidzika sezvazvisiri. Makore anenge 2 000 akapfuura, Bhaibheri rakanyevera kuti: “Chenjerai: zvichida pangava nomumwe munhu angaenda nemi semhuka yake yaabata nouzivi uye nounyengeri husina zvahunobatsira maererano netsika yevanhu, maererano nezvinhu zvokutanga zvenyika, kwete maererano naKristu.”—VaKorose 2:8.

Chinoita kuti mashoko aya anyatsova echokwadi ndechokuti munyori wacho akambonyengerwawo. Sezvo akadzidza ari pamakumbo pomudzidzisi airemekedzwa chaizvo panyaya dzezvitendero mumazuva iwayo uye aiva munhu aizivikanwa nevakuru vakuru, hatingambofungiri kuti aizonyengerwa nyore nyore.—Mabasa 22:3.

Murume uyu Sauro wokuTaso, akasvika pakufunga kuti munhu wose asingatevedzeri tsika nemagariro zvechitendero chechiJudha aitofanira kupiwa mutongo wakaoma. Apiwa masimba nevatungamiriri vechitendero chechiJudha, akaona sokuti raitova basa raainge apiwa naMwari kunotambudza vose vaisatevedzera tsika dzechiJudha. Akatotsigirawo kuti mumwe murume werudzi rwake uyo akapomerwa mhosva yokumhura aurayiwe.—Mabasa 22:4, 5, 20.

Nokufamba kwenguva, Sauro akabatsirwa kuona musiyano uri pakati pezvakanaka nezvakaipa, zvinotenderwa naMwari nezvaasingatenderi. Paakangoziva chete kuti aikanganisa, murume uyu aishingaira akabva achinja mararamiro ake uye akazozivikanwa saPauro, muapostora waJesu Kristu. Pauro awana nzira yechokwadi yokunamata, haana kuzonyengerwa zvakare.—Mabasa 22:6-16; VaRoma 1:1.

Sezvakanga zvakaita Pauro, vanhu vakawanda vaiita zvinhu nomwoyo wose vakambonyengerwa nedzidziso dzatingafananidza nechinhu chakaoma kunzwisisa chatambotaura nezvacho pakutanga, kureva dzidziso dzinoita sedzakanaka asi dzisingabvi muShoko raMwari. (Zvirevo 14:12; VaRoma 10:2, 3) Zvadaro vakazobatsirwa kuona kuti zvavaitenda uye zvibereko zvinobuda mumachechi avo zvakaita sei chaizvo. (Mateu 7:15-20) Pavakawana zivo yakarurama yeBhaibheri, vakachinja zvavaitenda uye mararamiro avo kuitira kuti vafarirwe naMwari.

Unoda kutevedzera muenzaniso waPauro nokuongorora zvaunotenda uchitungamirirwa neShoko raMwari Bhaibheri here? Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 10]

Engravings by Doré

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe