Swedera Pedyo naMwari
Anotiremekedza Nokutipa Rusununguko Rwokusarudza
VABEREKI vanotarisirwa kuti varatidze vana vavo muenzaniso wakanaka. Kana vabereki vakaita zvakanaka izvozvo zvinogona kubatsira mwana kuti akure ane unhu hwakanaka uye akwanise kuita zvisarudzo zvine musoro muupenyu. Asi zvinosuwisa kuti vabereki vakawanda vanotadza kuva muenzaniso wakanaka kuvana vavo. Saka zvinoreva here kuti vana vacho hapana chakanaka chavachabura? Mhinduro yacho tinoiwana mumashoko anonyaradza okuti Jehovha Mwari akapa mumwe nomumwe wedu chipo chokusarudza kuita zvatinoda. Ngatimbokurukurai nyaya yaHezekiya inowanikwa pana 2 Madzimambo 18:1-7.
Hezekiya aiva “mwanakomana waAhazi mambo waJudha.” (Ndima 1) Ahazi akatsausa vanhu vaaitonga kubva pakunamata Jehovha kwakachena. Mambo uyu akaipa ainamata Bhaari nokutoita tsika dzokupisa vanhu sezvibayiro. Akatoita kuti mumwe chete kana kuti vakati wandei pavanun’una vaHezekiya vaurayiwe. Ahazi akavhara masuo etemberi uye “akagadzira atari dzake pamakona ose muJerusarema.” “Akagumbura Jehovha.” (2 Makoronike 28:3, 24, 25) Zviri pachena kuti Hezekiya akanga aina baba vakaipa. Asi Hezekiya aizotevedzera zvakaipa zvakaitwa nababa vake here?
Hezekiya paakangogadzwa kuva mambo pashure pokufa kwababa vake, akaratidza kuti zvakaitwa nababa vake zvakanga zvisiri kuzoita kuti atevere tsoka dzavo. Hezekiya “akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha.” (Ndima 3) Hezekiya akavimba naJehovha, uye “hakuna kana nomumwe akamutevera akaita saiye pamadzimambo ose aJudha.” (Ndima 5) Mugore raakatanga kutonga, mambo uyu wechiduku akatanga kuita kuti kunamata kwechokwadi kutangezve akabvisa nzvimbo dzakakwirira, idzo dzaishandiswa pakunamata zvidhori zvavanamwari venhema. Temberi yakatangazve kushandiswa, uye kunamata kwechokwadi kwakatangazve. (Ndima 4; 2 Makoronike 29:1-3, 27-31) Hezekiya “akaramba akanamatira kuna Jehovha . . . , Jehovha akava naye.”—Ndima 6, 7.
Chii chakaita kuti Hezekiya asatevera tsoka dzakashata dzababa vake? Kungava here kuti amai vake Abhija, avo vatisingazivi hedu zvakawanda nezvavo, vakadzidzisa mwana wavo kuita zvakanaka? Muenzaniso wakanaka waIsaya uyo akatanga basa rake rokuprofita Hezekiya asati azvarwa, ndiwo ungava wakaita kuti mambo wechiduku uyu aite zvakanaka here?a Bhaibheri haritauri. Chero zvazvingava, chokwadi chiripo ndechokuti: Hezekiya akasarudza kurarama upenyu hwakanga hwakasiyana nokure nehwababa vake.
Muenzaniso waHezekiya unokurudzira munhu wose zvake angava akarerwa nevabereki vakanga vasina mararamiro akanaka. Zvakaitika kare hazvichinjiki; zvinhu zvinorwadza zvakaitika hazvifi zvakabva mupfungwa dzedu. Asi izvozvo hazvirevi kuti hapana chakanaka chatichaita muupenyu. Iye zvino tinogona kuita zvisarudzo zvinogona kuita kuti tive neramangwana rinofadza. Sezvakangoita Hezekiya, tinogonawo kusarudza kuda uye kunamata Mwari wechokwadi, Jehovha. Izvozvo zvinoita kuti tirarame upenyu hunogutsa iye zvino uye tigone kuwana upenyu husingaperi munyika itsva yaMwari. (2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:3, 4) Zvechokwadi tinofanira kutenda Mwari uyo akatipa chipo chinokosha zvikuru, chorusununguko rwokusarudza!
[Mashoko Omuzasi]
a Isaya akaprofita kubvira munenge muna 778 B.C.E. kusvikira gore ra732 B.C.E. rapfuura. Hezekiya akatanga kutonga muna 745 B.C.E., paakanga ava nemakore 25.