RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 9/1 pp. 26-29
  • Vimba naJehovha Achakubatsira Zvechokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vimba naJehovha Achakubatsira Zvechokwadi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndakabatana Nevabereki Vangu Pakunamata
  • Kufara Muushumiri Pasinei Nokuoma Kwoupenyu
  • Kutambudzwa Mundima Dzaiva Kumaodzanyemba
  • Kusungwa Kunzvimbo Dzokuchamhembe
  • Kupayona, Bheteri Uye Kuroora
  • Upenyu Hune Zvakawanda Zvakaitika, Hunogutsa
  • Kokorodzano Chibvumikiso Chouhama Hwedu
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • “Vanyajambwa Vokuvengwa Namarudzi Ose”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Upenyu Hwangu Musangano Rinotungamirirwa Nomudzimu raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 9/1 pp. 26-29

Vimba naJehovha Achakubatsira Zvechokwadi

Yakataurwa naEdmund Schmidt

Ndakayeuka zano riri pamusoro apa pandakanga ndava kuenda mudare kuNew York muna October 1943. Pandakazosvitsa makore 25, ndakanga ndagara mujeri kwemakore anoda kusvika mana nokuti somuKristu ndakanga ndisingatsigiri zvematongerwo enyika. Sezvakangoita vateveri vaJesu vokutanga, ndakashinga “kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” (Mabasa 5:29) Asi ndisati ndataura kuti zvakafamba sei, regai ndimbotaura chakaita kuti ndive nokutenda kwakasimba kudaro muna Mwari.

NDAKABEREKWA musi wa23 April 1922 kuCleveland, Ohio, U.S.A., muimba yataigara yaiva pamusoro pebhekari rababa vangu. Papera mwedzi mina, baba vangu Edmund vakaenda kunopinda gungano reVadzidzi veBhaibheri (sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo) kuCedar Point iri pedyo neSandusky, rwendo rwemakiromita 160 kubva kumba kwedu.

Pagungano iroro nhume dzaivapo dzakakurudzirwa kuti: “Zivisai, zivisai, zivisai Mambo [waMwari] noumambo hwake.” Musi weSvondo wakatevera wacho, Baba vakatanga kuitawo basa racho. Vakaramba vachiita basa iri kwemakore 66 akatevera kusvikira pavakazofa musi wa4 July 1988. Amai vangu Mary vakafa vakatendeka kuna Mwari muna 1981.

Ndakabatana Nevabereki Vangu Pakunamata

Mhuri yedu yaipinda neungano yemutauro wePolish kuCleveland. Misi yoMugovera masikati, isu vana ndipo pataiendawo kunoparidza paimba neimba nevanhu vakuru. Misi yeSvondo vabereki wedu vainakidzwa kunzwa hurukuro yaibva muBhaibheri yaipiwa panzvimbo yatainamatira. Uyewo mumwe murume ainyatsokwanisa kudzidzisa Bhaibheri aidzidza nesu vana taida kusvika 30, achishandisa bhuku raibatsira kunzwisisa Bhaibheri rainzi The Harp of God.a Munguva pfupi ndainge ndava kutodzidzisawo vamwe Bhaibheri vachifambira mberi.

Muna July 1931, mhuri yedu yaisanganisira munun’una wangu Frank yakapinda rimwe gungano reVadzidzi veBhaibheri uye panguva ino rakaitirwa kuColumbus, rwendo rweanenge makiromita 160. Vadzidzi veBhaibheri ndipo pavakagamuchira nomwoyo wose zita raibva muBhaibheri rokuti Zvapupu zvaJehovha. (Isaya 43:10-12) Pagungano ipapo, ndakatoendawo kunoparidzira ndichikokera vanhu kuti vauye kuzonzwa hurukuro yaizopiwa naJ. F. Rutherford uyo aitungamirira basa reZvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Kubva ipapo kwemakore anopfuura 79, ndakaita kuti chinangwa choupenyu hwangu chive chokushumira Jehovha Mwari pamwe chete nevanhu vake.

Kufara Muushumiri Pasinei Nokuoma Kwoupenyu

Pakazosvika gore ra1933, upfumi hwakanga hwaderera chaizvo pasi rose. MuUnited States, vanhu vanopfuura mamiriyoni 15, kana kuti chikamu chimwe pazvina chevanhu chakanga chapererwa nemabasa. Maguta akanga asisina mari dzokubhadhara zvinhu, uye urongwa hwokuti pave newurufeya yokubatsira varombo pakanga pasisina. Pasinei nezvose izvi, hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu dzaibatsirana. Svondo yoga yoga mhuri yedu yaitora chingwa nezvimwe zvaibhekwa-bhekwa mubhekari redu toenda nazvo kunogovana nevamwe kwataiitira misangano. Kana paiva nemari yaisara pashure pokunge baba vabhadhara zvaidiwa paipera mwedzi, vaiitumira kudzimbahwe reZvapupu zvaJehovha riri kuBrooklyn, New York. Vaiziva kuti mari iyi yaizoshandiswa kutsigira kudhindwa kwemabhuku anotsanangura Bhaibheri.

Mumakore iwayo, nhepfenyuro dzeredhiyo dzakabatsira chaizvo pabasa redu rokuparidza. Nhepfenyuro dzinopfuura 400 dzaibudisa hurukuro dzeBhaibheri dzaikurukurwa pamagungano edu. Muma1930, kufekitari yokuBrooklyn Zvapupu zvaigadzira magiramafoni nemarekodhi. Taiashandisa muushumiri hwedu uye taishuma kuti taridza hurukuro dzeBhaibheri kangani kune vanhu vasiri Zvapupu uye kuti vangani vanga vakateerera.

Mugore ra1933 Adolf Hitler nebato reNazi vakatanga kutonga Germany. MuGermany, Zvapupu zvaJehovha zvaitambudzwa zvoutsinye pamusana pokuti zvakanga zvisingatsigiri zvematongerwo enyika. (Johani 15:19; 17:14) Zvapupu zvakawanda muGermany zvakaendeswa kumajeri kana kuti kumisasa yevasungwa pamusana pokuti zvairamba kuita zvine chokuita nezvematongerwo enyika kana kuti kusaruta Hitler. Vazhinji vakaurayiwa uye vamwe vaishandiswa zvoutsinye kusvika pakufa. Pamusana pokubatwa zvoutsinye vakawanda vakasvika vachifa pavakangobudiswa mumajeri. Vakawanda havazivi kushungurudzwa kwakaitwa Zvapupu zvaJehovha mune dzimwe nyika kusanganisira kuUnited States.

Muna 1940 takapinda gungano reruwa kuDetroit, Michigan. Tiri ikoko musi wa28 July, ndakabhabhatidzwa kuratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha Mwari. Pachine mwedzi gungano risati raitwa, Dare Repamusorosoro reUnited States rakadzika mutemo wokuti kuramba kusaruta mureza imhosva, yokuti chikoro chaitopera. Zvapupu zvakaita sei nenyaya iyi? Vakawanda vakavhura zvikoro zvavo voga kuti vadzidzise vana vavo. Zvikoro zvacho zvainzi Zvikoro zvoUmambo.

Hondo Yenyika II yakanga yagundika muna September 1939 kuEurope, uye mweya wehondo wakapararira muUnited States. Zvapupu zvechiduku zvakaoneswa ndondo nokushorwa uye kurohwa nemapoka evechiduku nevakuru vakanga vasinganyatsonzwisisi pazvimire. Zvinonzi kubva mu1940 kusvika 1944 Zvapupu zvaJehovha muUnited States zvakaoneswa nhamo nemhomho dzevanhu dzaiva nehasha kanopfuura ka2 500. Kutambudzwa kwacho kwakawedzera apo Japan yakabhomba Pearl Harbor musi wa7 December 1941. Mavhiki mashoma izvi zvisati zvaitika, ndakanga ndatanga kushumira sapiyona, kureva mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha. Ndakanga ndachengeta mari ndikatenga karavhani yaiva yakareba mamita 7 uye takatamira kuLouisiana takati wandei kuti tinoshumira tiri ikoko.

Kutambudzwa Mundima Dzaiva Kumaodzanyemba

Vagari vokuLouisiana vakatibvumira kuti tisiye karavhani yedu mune rimwe bindu rinorimwa nzungu pedyo neguta reJeanerette. Mumwe musi uri Mugovera takafunga zvokumboparidza mumugwagwa, asi mukuru wemapurisa akatuma mapurisa kuti atisunge tikabva taendeswa sevasungwa kune imwe imba yaiva muguta. Mhomho yevanhu vanosvika 200 yakaungana panze, uye mapurisa akatibudisa panze paiva nemhomho iyi pasina kana mapurisa aizotidzivirira. Takatura befu mhomho payakaita rumwe rumwe ikatibvumira kupfuura. Mangwana acho, takaenda kuBaton Rouge, rimwe guta guru raiva pedyo, kuti tinoudza zvimwe Zvapupu zvaivako zvakanga zvaitika.

Patakadzoka kuJeanerette, takawana padhoo rekaravhani pakanamirwa kapepa kakanga kakanzi: “Ndapota huyai muzondiona kunogara vashandi vepamugodhi weoiri.” Kakanga kakasainwa kuti “E. M. Vaughn.” Takawana vaVaughn varipo, uye vakatikumbira kuti tidye zvokudya pamwe nomudzimai wavo. Vakati ivo nevamwe vavo vakanga varipo pamhomho yomusi woMugovera, uye dai pane chakaitika vaizenge vakatidzivirira. Takatenda chaizvo kutikurudzira kwavakaita pamwe nokutisimbisa.

Mangwana acho, mamwe mapurisa aiva nepfuti akatisunga akatitorera mabhuku edu. Vakatora makiyi ekaravhani yangu vakandisunga kwemazuva 17 vakandiisa kwangu ndoga uye zvokudya zvacho zvaiva zvokungotsunya. VaVaughn vakaedza kumira-mira kuti vatibatsire asi zvakashaya basa. Pataiva takasungwa, mhomho iya yakanotibira ikabva yapisa zvose zvataiva nazvo kusanganisira karavhani yangu. Panguva iyoyo handina kuziva kuti Jehovha akanga ari kuita kuti ndigadzirire zvandaizosangana nazvo munguva pfupi yaitevera.

Kusungwa Kunzvimbo Dzokuchamhembe

Pava nemwedzi tadzokera kuchamhembe, ndakagadzwa sapiyona chaiye kuti ndinoshumira ndiri kuOlean, New York pamwe nezvimwe Zvapupu. Ndiri ikoko hurumende yaiti tinyorese muchiuto, asi vakandinzwisisa kuti hana yangu haindibvumiri kuita izvozvo. Pandakaenda kunoongororwa utano hwangu ndikaonekwa kuti ndakanga ndakagwinya, bepa rangu rakabva radhindwa kuti “Akakodzera Kunodzidziswa Chiuto.”

Ndakakwanisa kuramba ndichipayona kwerinoti pfuurei gore. Zvadaro muna 1943, nemhaka yokuti ndakaramba kusiya basa rokupayona uye kuenda kunodzidziswa zvechiuto, sangano reFBI rakandisunga rikati vhiki inotevera ndigoenda kudare riri muguta reSyracuse, New York. Pane mhosva yandaipomerwa, uye nyaya yangu yakanzi yaizotongwa pashure pemazuva maviri.

Handina kumiririrwa negweta. Pamisangano yedu yechiKristu, vechiduku takadzidziswa kuti tinodzivirira sei kodzero dzedu kana tiri mudare uye mabatiro atinofanira kuzviita. Ndakayeuka mazano ataurwa kwokutanga kwenyaya ino. Vamwe vachuchisi vakatochema-chema vachiti Zvapupu zvinoziva mutemo kudarika ivo. Pasinei nezvose izvi vatongi vakanditi ndine mhosva. Mutongi paakandibvunza kana ndine zvimwe zvokutaura, ndakangoti, “Nhasi nyika iri mudare pamberi paMwari pamusana pemabatiro ainoita vanomunamata.”

Ndakatongerwa makore mana mujeri riri kuChillicothe, Ohio. Ndiri ikoko ndakanzi ndishande semunyori wemumwe mupurisa mune rimwe dhipatimendi. Pashure pemavhiki mashomanana mumwe mupurisa wepachivande aibva kuWashington, D.C., akauya kuhofisi yedu akati vakanga vari kuongorora Hayden Covington. Akanga ari gweta reZvapupu zvaJehovha uye aizivikanwa chaizvo semumwe wemagweta anonyatsoziva mitemo muAmerica.

Mupurisa uyu akati pane zvaaida kunyora pamapepa evasungwa vaviri Danny Hurtado naEdmund Schmidt. Mukuru wangu akabva angoti, “VaSchmidt ndivoka ava vari apa.” Mupurisa wepachivande uyu akanga auya achida kuita basa rake asi zvisingazozivikanwi, akabva aona kuti tose takanga tava kutoziva zvaavinga. Ndakabva ndangochinjwa kwandaishandira ndikaendeswa kukicheni.

Kupayona, Bheteri Uye Kuroora

Musi wa26 September 1946 ndakasunungurwa nguva yangu isati yakakwana, uye ndakabva ndapfuurira kupayona neungano yeHighland Park iri kuCalifornia. Pava paya muna September 1948, zvandaigara ndichida kubva kare zvakazoitika. Ndakakokwa kuzoshanda ndichiita zvokubheka kudzimbahwe (Bheteri) rekuBrooklyn, uko kunodhindwa mabhuku anotsanangura Bhaibheri anoshandiswa mubasa redu rokuparidza pasi rose. Ndakabva ndangosiya basa rokubika kuresitorendi yokuGlendale ndichibva ndaenda kuBheteri.

Papera makore manomwe, muna 1955, pakanga pari kuzoitwa magungano emarudzi akawanda muEurope. Vomumhuri yangu vakandipa mari yokufambisa. Ndakanakidzwa nemagungano akaitwa kuLondon, Paris, Rome, uye kunyanya rokuNuremberg, Germany, kwaiva nevanhu vanopfuura 107 000, vakanga vari munhandare huru iyo Hitler akamboforesa mauto ake achiitira kuda kuonererwa. Pane vaiva pagungano, paiva neZvapupu izvo Hitler akanga atsidza kuti aizozvitsakatisa. Takanakidzwa zvokunakidzwa zviya nokuva pamwe chete navo.

Pagungano rokuNuremberg, ndakasangana nomumwe musikana Chapupu chokuGerman anonzi Brigitte Gerwien tikabva tadanana. Gore risati ratombopera takanga tatoroorana tikabva tadzokera kuGlendale kunogara pedyo nevabereki vangu. Dangwe redu mukomana Tom akazvarwa muna 1957, achiteverwa naDon, muna 1958, kukazouya musikana, Sabena muna 1960.

Upenyu Hune Zvakawanda Zvakaitika, Hunogutsa

Vamwe vakabvunza kana ndichimbozvidemba nokutsvinyirwa kwandaiitwa nemhomho dzevanhu uye kusungwa pamusana pokuti ndaishumira Mwari. Panzvimbo pokuzvidemba, ndinotenda Jehovha kuti ndakawana mukana wokumushumira pamwe chete nevamwe vakawanda vakatendeka. Uye ndinovimba kuti zvakaitika kwandiri zvichakurudzira vamwe kuti vaswedere pedyo naMwari uye vasambofa vakamusiya.

Vashumiri vaMwari vakawanda vakatambudzwa zvokutambudzwa zviya pamusana pokumushumira. Asi handizvo zvatakaudzwa kuti titarisire here? Bhaibheri rinoti: “Vose vaya vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Timoti 3:12) Asi mashoko ari pana Pisarema 34:19 anoratidza kuti ndeechokwadi, ayo anoti: “Matambudziko omunhu akarurama mazhinji, asi Jehovha anomununura maari ose”!

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi harichadhindwi.

[Mufananidzo uri papeji 27]

Tichiparidza kuLouisiana kutanga kwemakore okuma1940

[Mufananidzo uri papeji 29]

Ndichiita basa rokubheka zvokudya zvevaishanda padzimbahwe

[Mufananidzo uri papeji 29]

Ndiine mudzimai wangu, Brigitte

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe