Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .
Zvapupu zvaJehovha Zvinoporesa Here?
▪ Zvapupu zvaJehovha hazvisati zvamboita zvokuporesa. Vanodavira kuti basa rinokosha ravanofanira kuita nderokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, sezvaingoitawo Jesu. Vanodavirawo kuti kuporesa hakusiko kunoita kuti vanhu vazivikanwe sevaKristu vechokwadi, asi vanozivikanwa nechimwe chinhu, chinotokosha chaizvo.
Kutaura chokwadi, kuporesa varwere kwaiitwa naJesu Kristu muzana remakore rokutanga C.E. kunokosha chaizvo kwatiri tose. Zvaakaita zvinoita kuti tive nechivimbo chokuti paanenge ava kutonga saMambo woUmambo hwaMwari, “hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”—Isaya 33:24.
Ko mazuva ano? Vanoita zvokuporesa mumachechi anozviti ndeechiKristu nezvitendero zvisiri zvechiKristu vanoti vanowana simba iri kuna Mwari. Asi Jesu pachake akanyatsoyambira nezvevanhu vaizotaura kuti vakaita “mabasa makuru anoshamisa” muzita rake. Iye aizoti kwavari: “Handina kumbokuzivai ibvai pano imi vaiti vezvakaipa.” (Mateu 7:22, 23, Bhaibheri Rinoyera.) Saka zviri kunzi zvishamiso nevanozviti vanoporesa ndizvo here zvinoratidza kuti Mwari ari kuvakomborera kana kuti ari kubvumira zvavari kuita?
Funga zvinotaurwa neBhaibheri nezvokuporesa kwakaitwa naJesu. Kana tikaenzanisa nhoroondo idzodzo dziri muMagwaro nezviri kuitwa nevanozviti vanoporesa mazuva ano, tinobva tatoona kuti kuporesa kwemazuva ano kunobva kuna Mwari here kana kuti kwete.
Jesu haana kumbokwezva vateveri vake kana kuti mapoka evanhu nokuporesa. Asi akatoporesa vanhu vakati wandei pasina vazhinji vaiona. Kakawanda aiudza vaakanga aporesa kuti vasaudza vanhu nezvechishamiso chacho.—Ruka 5:13, 14.
Jesu haana kumbobvira abhadharisa mari yezvishamiso zvaaiita. (Mateu 10:8) Uyewo zvishamiso zvose zvaaiita zvaibudirira. Vose vairwara vakauya kwaari vakanyatsoporeswa, uye kuporesa kwacho kwakanga kusinei nokuti munhu wacho aitenda here. (Ruka 6:19; Johani 5:5-9, 13) Jesu akatomutsa vakafa!—Ruka 7:11-17; 8:40-56; Johani 11:38-44.
Kunyange zvazvo Jesu akaita zvishamiso izvi, pakuita ushumiri hwake aisanyanya kukoshesa kutendeutsa vanhu nokuita zvishamiso. Asi ainyanya kuita basa rokuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Jesu akaronga vateveri vake kuti vaite kuti vanhu vave vadzidzi, vaizodzidzisa vamwe nezvetariro yokuwana utano hwakakwana muUmambo hwaMwari.—Mateu 28:19, 20.
Ichokwadi kuti vamwe vateveri vaJesu vomuzana remakore rokutanga vaiva nezvipo chaizvo zvokuporesa, asi izvi zvaizoguma. (1 VaKorinde 12:29, 30; 13:8, 13) Mazuva ano vaKristu vechokwadi havazivikanwi nokuporesa, asi norudo rwavo rwokuzvipira runoita kuti vabatane. (Johani 13:35) Kuporesa kwemazuva ano kwatadza kuita kuti pave norudo runobatanidza vaKristu vechokwadi vanobva mumarudzi akasiyana-siyana uye vakakurira kwakasiyana-siyana.
Zvisinei, pane boka revaKristu vakabatanidzwa norudo rwakasimba zvokuti vanoramba kukuvadzana kana kukuvadza chero munhu upi zvake, kunyange panenge pachirwisana vanhu zvinotyisa. Ndivanaani? Zvapupu zvaJehovha. Munyika yose vanozivikanwa nokuratidzana rudo rwakaita sorwaiva naKristu. Kuita kuti vanhu vemarudzi akasiyana, vemadzinza akasiyana uye vane tsika dzakasiyana vabatane chishamiso chaicho, uye mudzimu mutsvene waMwari ndiwo chete unoita kuti zviite. Wadii kupinda mumwe wemisangano yavo uzvionere?
[Mufananidzo uri papeji 13]
Vanhu vanoporesa mazuva ano (sezviri kuratidzwa kurudyi) vanotsigirwa naMwari here?