Zvakaratidzwa Vaprofita Nezvezvakaita Kudenga
NYANGWE ukaramba wakati ndee muchadenga, hapana waunoona. Ramba wakateerera, asi hapana waunozombonzwa. Asi ungadaro uchiziva kuti pane variko. Vane simba uye vakangwara, vanotova nemazita uye unhu hwakasiyana-siyana. Vamwe vacho vanoda kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka, vamwe vacho vanoda kuti zvitiipire. Vose vanoda kuziva zviri kuitika kwatiri.
Mwari wechokwadi pachake munhu woMudzimu. (Johani 4:24) Ane zita rake oga rinomusiyanisa navanamwari venhema vakawanda. Zita rake ndiJehovha. (Pisarema 83:18) Munyori wepisarema akati: “Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa kwazvo. Anotyisa kupfuura vamwe vanamwari vose. Nokuti vanamwari vose vemamwe marudzi ndivanamwari vasina zvavanobatsira; asi Jehovha, ndiye akasika matenga. Kukudzwa nokubwinya zviri pamberi pake; simba norunako zviri munzvimbo yake tsvene.”—Pisarema 96:4-6.
Zvakaratidzwa Vaprofita Nezvezvakaita Mwari Wechokwadi
Bhaibheri rinotiudza kuti: “Hapana munhu akamboona Mwari chero panguva ipi zvayo.” (Johani 1:18) Isu hatikwanisi kunzwisisa zvakanyatsoita Mwari uye kunaka kwake sezvinongoita munhu anoberekwa asingaoni uyo asingakwanisi kusiyanisa mavara. Sezvinoita mudzidzisi anogona anotsanangurira vanhu vaanodzidzisa zvinhu zvakaoma achishandisa mashoko ari nyore, Mwari anoshandisawo Shoko rake Bhaibheri kutitsanangurira zvinhu zvakaoma kunzwisisa zvatisingaoni achishandisa zvatinoona. Jehovha anotibatsira kufungidzira uye kunzwisisa ukama huri pakati pezvisikwa zviri kudenga nesu achishandisa zvakaratidzwa vashumiri vake vakatendeka vekare.
Somuenzaniso, zvimwe zvakaratidzwa muprofita Ezekieri zvairatidza kubwinya kwaJehovha zvakafananidza kubwinya kwacho nemoto, nekupenya, nedombo rejaspa uye nemuraraungu. Mune chimwe chiratidzo, muapostora Johani akaona Jehovha akagara pachigaro uye akati Mwari “aiva nechitarisiko chakaita sedombo rejaspa nedombo dzvuku rinokosha,” uyezve akati “chigaro choumambo chakanga chakakomberedzwa nomuraraungu une chitarisiko chakaita seemaradhi.” Rondedzero iyi inotiratidza kuti hapana kana mumwe chete angafananidzwa naJehovha pakunaka kwake, uye runyararo rwaanarwo.—Zvakazarurwa 4:2, 3; Ezekieri 1:26-28.
Muprofita Dhanieri ndomumwewo akaratidzwa zvakaita Jehovha, paakaona “zviuru gumi zvakapetwa kane zviuru gumi [zvengirozi] zvairamba zvimire pamberi [paJehovha] chaipo.” (Dhanieri 7:10) Chokwadi zvaakaratidzwa zvinofanira kunge zvaishamisa chaizvo! Kungoratidzwa ngirozi imwe chete zvayo kunoshamisa zvikuru, kuzoti zviuru nezviuru zvengirozi dzakanaka dziri kudenga, hatingazombotauri!
MuBhaibheri ngirozi dzinotaurwa nezvadzo kanosvika ka400 uye zvinzvimbo zvadzo zvinosanganisira maserafi nemakerubhi. Mashoko echiGiriki neechiHebheru anoshandurwa kuti “ngirozi” muBhaibheri, anoreva “mutumwa.” Saka ngirozi dzinogona kutaurirana, uye kare dzaitombotaura nevanhu. Ngirozi hadzisi vanhu vaimborarama pasi pano. Jehovha akadzisika asati atombosika vanhu.—Jobho 38:4-7.
Pane zvakaratidzwa Dhanieri achiita zvokurota, zviuru nezviuru zvengirozi zvakanga zvatoungana kuti zvione chimwe chiitiko chinokosha. Dhanieri akazoona “mumwe munhu akafanana nomwanakomana womunhu,” achienda kuchigaro chaJehovha kuti apiwe “ushe nokukudzwa noumambo, kuti vanhu, mapoka emarudzi nemitauro vamushumire vose.” (Dhanieri 7:13, 14) “Mwanakomana womunhu” ndiJesu Kristu akamutswa, uyo akapiwa simba panyika yose uye ane basa rinokosha kudenga. Paanenge achitonga, achabvisa hurumende dzose dziri panyika uye achabvisa urwere, kusuruvara, kudzvinyirirwa, urombo kunyange rufu chairwo.—Dhanieri 2:44.
Kugadzwa kwakaitwa Jesu kwakaita kuti zviuru nezviuru zvengirozi dzakatendeka dzifare zvokufara zviya nokuti idzowo dzinoda kuti vanhu vafambirwe zvakanaka nezvinhu. Asi zvinosuwisa kuti hadzisi ngirozi dzose dzakafara nazvo.
Vavengi vaMwari Nevevanhu
Pakutanga-tanga pakasikwa vanhu, imwe ngirozi yakakurirwa neshungu dzokuda kunamatwa, yakapandukira Jehovha ikapedzisira yava kunzi Satani, kureva kuti “Mupikisi.” Satani ndiye munhu akaipa zvikuru, uyo anopikisa neshungu Mwari ane rudo chaizvo, Jehovha. Dzimwe ngirozi dzakabatanawo naSatani pakupanduka. Bhaibheri rinodziti madhimoni. Kungofanana nezvakaitwa naSatani, madhimoni anoitira vanhu utsinye. Ndiwo ari kukonzera kuti panyika pazare nhamo dzakadai sekuitirwa zvinhu zvakaipa, kurwara, urombo uye hondo.
Kunyange zvazvo machechi akawanda anozviti ndeechiKristu asingachanyanyi kutaura nezvaSatani, bhuku reBhaibheri raJobho rinotiratidza kuti ngirozi yakapanduka iyi yakamboita sei uye kuti chinangwa chayo ndechei. Rinoti: “Zvino rimwe zuva vanakomana vaMwari wechokwadi pavakapinda kuti vamire pamberi paJehovha, Satani akapindawo pakati pavo chaipo.” Pakukurukurirana kwakazoitika, Satani akatsvinya achipomera Jobho kuti ainamata Mwari pamusana pezvaaipiwa. Achida kuratidza kuti zvaaipomera ndezvechokwadi, Satani akagura Jobho kunorira nokuuraya zvipfuwo zvake, pamwe chete nevana vake vose gumi. Zvadaro, akarova Jobho muviri wose nemamota akaipa kwazvo. Pazvose zvakaitwa naSatani hapana kana chimwe chakaratidza kuti aitaura chokwadi.—Jobho 1:6-19; 2:7.
Pane zvikonzero zvakanaka nei Jehovha achirega hake Satani achiita zvaanoda, asi haasi kuzongoramba akapeta maoko. Munguva pfupi iri kutevera Dhiyabhorosi achabviswa. Pane zvimwe zvakatoitwa zvinorondedzerwa mubhuku raZvakazarurwa, zvinoratidza chimwe chiitiko chinokosha chakaitika kudenga chataisazomboziva. Panoti: “Hondo yakavapo mudenga: Mikaeri [Jesu Kristu akamutswa] nengirozi dzake vakarwa nedhiragoni [Satani], dhiragoni nengirozi dzayo vakarwa asi haina kukunda, uyewo nzvimbo yavo haina kuzombowanikazve kudenga. Naizvozvo dhiragoni huru yakakandwa pasi, nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa nyika yose inogarwa; akakandwa panyika, uye ngirozi dzake dzakakandwa pasi pamwe chete naye.”—Zvakazarurwa 12:7-9.
Cherechedza kuti Satani anonzi ari “kutsausa nyika yose inogarwa.” Anoshandisa nhema dzinodzidziswa mumachechi kuitira kuti atsause vanhu kubva pana Jehovha neShoko rake. Dzimwe nhema dzinonyanya kutaurwa ndedzokuti kana munhu akafa hazvibvi zvangoperera ipapo asi pane kwaanoenda. Vanhu vanotaura zvakasiyana-siyana nezvenyaya iyi. Somuenzaniso, muAfrica nokuAsia, vakawanda vanofunga kuti munhu paanofa anoenda kunyikadzimu kune madzitateguru ake. Dzidziso yepurigatori neyokuti munhu anonotsva kudenga inobva papfungwa yokuti munhu anoramba achirarama kana afa.
Kana Munhu Afa Anoenda Kudenga Here?
Ko nyaya inotaurwa nemamiriyoni evanhu pasi rose yokuti vanhu vakanaka pavanofa vanoenda kudenga? Ichokwadi kuti variko vamwe vakanaka vanoendako, asi vashoma kana zvichienzaniswa nemabhiriyoni evanhu vakafa. Bhaibheri rinoratidza kuti vanhu 144 000 “vakatengwa vachibva panyika” vachashumira ‘sevapristi’ uye “semadzimambo pamusoro penyika.” (Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1, 3) Pamwe chete neMwanakomana womunhu, Jesu Kristu, vachaumba hurumende yokudenga, Umambo hwaMwari. Hurumende iyi ichatsakatisa Satani nemadhimoni ake yoita kuti nyika ive paradhiso. Vakawanda vevaya vakafa vachamutswa vaine tarisiro yokuzorarama nokusingaperi pasi pano muParadhiso.—Ruka 23:43.
Saka togumisa tichiti, kudenga kune zviuru nezviuru zvinogarako. Mukuru pane vose ndiJehovha Mwari, Musiki wezvinhu zvose. Zviuru nezviuru zvengirozi zvinomushumira zvakatendeka. Dzimwe ngirozi dzichitungamirirwa naSatani, dzakapandukira Jehovha uye dzinotsausa vanhu. Uyezve, vamwe vanhu vashomanana ‘vakatengwa,’ kana kuti vakasarudzwa kubva pano pasi kuti vaite basa rinokosha kudenga. Nezvatava kuziva izvi, ngatichikurukurai kuti ndiani anofanira kutaurwa naye kudenga, uye tingataura naye sei.