RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 12/1 pp. 26-29
  • Mwari “Muiti Wezvinhu Zvikuru”—Maziviro Andakazviita

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari “Muiti Wezvinhu Zvikuru”—Maziviro Andakazviita
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dambudziko Rakaita Kuti Ndiwane Chokwadi
  • Kukurira Matambudziko
  • “Jehovha Achakubatsira”
  • Gungano Reruwa Rokuchamhembe
  • Kufunga Zvikomborero Zvandakawana
  • Vakazvipa Nemwoyo Unoda—kuMyanmar
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Kutsaurirwa Kwemapazi
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
  • Jehovha, Chivimbo Changu Kuvambira Paupwere Zvichienda Mberi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 12/1 pp. 26-29

Mwari “Muiti Wezvinhu Zvikuru”—Maziviro Andakazviita

Yakataurwa naMaurice Raj

Mhuri yedu, pamwe nezviuru zvevamwe vabvakure sesuwo, takamhanya tichitiza kurwisana kunotyisa kwaiitika muHondo Yenyika II. Kwemazuva akati taifamba nomusango rizere miti rokuBurma, tichirara pasi pemiti usiku. Ndaiva nemakore mapfumbamwe. Kamukwende kandaiva ndakasungirwa kumusana ndiko kaiva notunhu twangu twose. Asi nhamo yakanga ichiri mberi.

MAIVA mugore ra1942. Hondo yeNyika yose yairwiwa, uye takanga tiri kutiza mauto okuJapan akanga ava kutosvika. Japan yakanga ichangokunda Burma, yava kunzi Myanmar, uye yakanga yatora minda yeoiri yeYenangyaung. Tisati tasvika kumuganhu neIndia, masoja okuJapan akatibata akatimanikidza kudzokera kumba.

Pandaiva ndichiri muduku, taigara kuYenangyaung, uko baba vakaishandira kambani yainzi Burmah Oil Company. Mushure mokunge Yenangyaung yatorwa neJapan, ndege dzehondo dzokuBritain dzakaramba dzongobhomba minda yayo yaiva izere neoiri. Pane imwe nguva, mabhomba paaiputika pose pose, mhuri yedu yakavanda mugoronga kwemazuva matatu. Takazopedzisira tatiza neigwa kuenda kuSale, kataundi kari pedyo nerwizi runonzi Ayeyarwady kana kuti Irrawaddy. Hondo yakazopera tiriko, tichifara kuti takanga tichiri vapenyu.

Dambudziko Rakaita Kuti Ndiwane Chokwadi

Munun’una wangu akaberekwa muna 1945, gore rakapera Hondo Yenyika II. Baba vangu vakafara chaizvo kuti vakanga vava nomwana ivo vachembera. Asi mufaro wavo wakagurisirwa panzira. Munun’una wangu akafa ava nemwedzi mitatu. Baba vakarwadziwa zvokuti munguva pfupi vakafawo.

Shamwari dzangu dzaiedza kundinyaradza nokundiudza kuti Mwari akanga atora baba vangu nomunun’una wangu kuti agare navo kudenga. Ndaishuva kuendawo kwavaiva! Mhuri yedu yaipinda chechi yeRoma, uye ndiko kwandakatanga kudzidziswa zvechitendero. Ndakadzidziswa kuti vapristi nemasisita ndivo vanongonanga kudenga, vamwe vachimbopedza kanguva vari mupurigatori, kwavanomborwadziswa kwekanguva vachicheneswa zvivi zvavo. Nechido chokunoonana nababa vangu nomunun’una wangu, ndakabva ndasarudza kuti ndaida kuzopinda chikoro chechechi yeRoma chinodzidzisa zvoufundisi muMaymyo, kwava kunzi Pyin Oo Lwin, makiromita anenge 210 kubva kwataigara.

Kuti ukwanise kuwana nzvimbo pachikoro ichi waifanira kunge wakadzidza. Ini zvandaiva mubvakure, ndakanga ndangopinda chikoro kwemakore maviri chete. Munguva yehondo zvikoro zvose zvakabva zvavharwa. Kunyange hazvo zvakazovhura, panguva iyi mhuri yedu yaidya nhoko dzezvironda. Amai vangu vakanga vari kuriritira ini nevakoma vangu vaviri, uyewo vana vatatu vomunun’una wavo akanga afa. Vakashaya mari yokuti isu vana vavo tirambe tichienda kuchikoro.

Mukoma wangu akabva aenda kunoshanda, asi ini ndaingova nemakore 13 uye hapana zvakawanda zvandaigona. Munun’una wababa vangu ainzi Manuel Nathan, aigara kuChauk, taundi riri pedyo neSale. Ndakafunga kuti, ‘Kana ndikabva pamba, amai vanosara nevanhu vashoma vokuriritira.’ Saka ndakaenda kuChauk kunogara nababamunini vangu.

Handina kuziva kuti babamunini vakanga vachangoonana neZvapupu zvaJehovha uye kuti vaida chaizvo kundiudzawo zvinhu zvitsva zvavakanga vadzidza muBhaibheri. Vakandidzidzisa zvishoma nezvishoma, vachitanga nokutsanangura zvinorehwa nomunyengetero unonzi nevechechi yeRoma Muteuro waShe. Unotanga uchiti: “Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene.”—Mateu 6:9, 10, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

Babamunini vakanditsanangurira kuti, “Saka Mwari ane zita. Zita racho rinonzi Jehovha.” Vakabva vandiratidza zita raMwari muBhaibheri. Ndaida kudzidza zvakawanda. Asi ndakanga ndisingagoni kunyatsoverenga, kunyange Tamil yaiva rurimi rwaamai, uye Bhaibheri nemabhuku anotsanangura Bhaibheri avaiva nawo aiva muChirungu, chandakanga ndisingatogoni. Pasinei nokuti ndakanga ndisina kunyanya kuenda kuchikoro, zvishoma nezvishoma ndakasvika pakunzwisisa zvinodzidziswa neBhaibheri. (Mateu 11:25, 26) Ndakatanga kunzwisisa kuti zvakawanda zvandaiva ndadzidziswa zvakanga zvisiri muBhaibheri. Ndakazopedzisira ndati: “Babamunini, ichi ndicho chokwadi!”

Pandakanga ndava nemakore 16, ndakatanga kuudzawo vamwe zvandaidzidza. Panguva iyoyo muMyanmar maingova neZvapupu zvaJehovha 77. Pasina nguva, Robert Kirk, mumwe mumishinari aiva Chapupu aibva kuguta guru reRangoon, rava kunzi Yangon, akashanyira babamunini vangu kuChauk. Ndakaudza Robert kuti ndakanga ndatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha. Saka musi wa24 December 1949, kuratidza kuti ndakanga ndazvitsaurira kuna Mwari, ndakabhabhatidzirwa muRwizi rwaAyeyarwady.

Kukurira Matambudziko

Izvi zvichangoitika ndakatamira kuMandalay kuti ndinotsvaka basa riri nani. Chinangwa changu chaiva chokuva piyona, sokushevedzwa kunoitwa vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha. Rimwe zuva pandaiona mutambo wenhabvu, ndakafenda ndichigwinha-gwinha. Ndakanga ndava nepfari uye ndaifanira kudzokera kwaiva nevemhuri yangu kuitira kuti vanditarisire.

Kwemakore masere pfari iyi yakaramba ichimbondibata. Utano hwangu pahwakavandudzika, ndakakwanisazve kuenda kubasa. Kunyange zvazvo Amai vainditi ndisatanga ushumiri hwenguva yakazara nemhaka youtano hwangu, rimwe zuva ndakavaudza kuti: “Handichakwanisi kuramba ndakamirira. Ndinoda kuva piyona. Jehovha achanditarisira!”

Muna 1957, ndakatamira kuYangon ndikatanga kupayona. Zvinoshamisa ndezvokuti handina kuzoitazve pfari iya kusvikira muna 2007, kwapera makore 50. Iye zvino ndine mushonga wandinowana kuti isanyanya kundibata. Muna 1958, ndakagadzwa kuva piyona chaiye, ndichipedza maawa 150 mwedzi nomwedzi ndichiita basa rokuparidza.

Ndakanzi ndinotanga kushandira kuKyonsha, musha uri makiromita 110 nechokuchamhembe kwakadziva kumadokero kweYangon. Rimwe boka duku raivako rakanga ramboverenga mabhuku edu eBhaibheri uye raida kuziva zvakawanda. Ini naRobert patakasvika, boka rakakura rakaungana. Takapindura mibvunzo yeBhaibheri yakawanda yavaiva nayo tikabva tavaratidza maitisirwo emisangano. Vamwe vacho vakabva vangobatana nesu mubasa rokuparidza. Ndakakumbirwa kuti ndirambe ndichigara munzvimbo iyi. Mumwedzi mishomanana, boka racho rakakura kuva ungano yakasimba. Kunzvimbo yacho kwava neZvapupu zvinopfuura 150.

Pava paya ndakazonzi ndishande somutariri anofambira, ndichishanyira ungano nemapoka anenge asati ava ungano muMyanmar yose. Ndaifamba ndiri pamusoro pemarori aiva akazara kuti shutu kwemakiromita, mumigwagwa isina tara, ndaigura nomumasango, ndaifamba nomunzizi uye ndaikwidza nomumakomo. Kunyange zvazvo ndakanga ndisina utano hwakanaka, ndakanyatsoona kuti Jehovha aindipa simba rokuti ndirambe ndichiita basa rake.—VaFiripi 4:13.

“Jehovha Achakubatsira”

Muna 1962 ndakanzi ndizoshandira kuhofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha iri muYangon uye Robert ndiye akasvikondidzidzisa basa racho. Munguva pfupi, hurumende yeMyanmar yakati mamishinari ose aibva kune dzimwe nyika atute twawo uye muvhiki shomanana, ose akanga aenda. Chakandishamisa ndechokuti ndakanzi nditarisire hofisi yebazi.

Ndakanetseka ndichiti ‘Zvino ndichazvigona here? Handina kudzidza uye handina ruzivo rwacho.’ Hama dzakawanda dzechikuru padzakazviona dzakanditaurira kuti: “Maurice usanetseka. Jehovha achakubatsira. Uye isu tose tiri kukutsigira.” Mashoko iwayo akandikurudzira chaizvo. Pashure pemwedzi mishomanana, ndaifanira kugadzira mushumo wepagore webasa redu rokuparidza romuMyanmar kuti ugoiswa muBhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra1967 reChirungu. Kwemakore 38 akatevera, gore negore ndairamba ndichigadzira mishumo iyi. Nguva nenguva, zvaiitika zvairatidza pachena kuti zvechokwadi Jehovha aitungamirira basa redu.

Somuenzaniso, pandakambonyorera ndichida kuti ndipiwe magwaro okuva chizvarwa chomuMyanmar, ndakanga ndisina mari yaidiwa yaisvika 450 kyatsa, saka ndakambozvisiya. Zvisinei, rimwe zuva pandakanga ndichipfuura nepahofisi yekambani yandakamboshandira mumakore akanga apfuura, ndakaonana newandaimboshandira. Akashevedzera kuti: “Iwe Raj, huya uzotora mari yako. Pawakaenda paya wakakanganwa kutora penjeni yako.” Mari yacho yaisvika 450 kyats.

Pandakabuda muhofisi yacho, ndakatanga kufunga kuti ndaizoitei nemari iyi. Asi nemhaka yokuti ndiyo chaiyo mari yaidiwa kuti ndiwane magwaro okuva chizvarwa chomuMyanmar, ndakaona kuti Jehovha aida kuti ndishandise mari iyi kuita zvinangwa zvake. Ndizvo zvandakabva ndaita uye izvi zvakabatsira chaizvo. Sezvo ndakanga ndava nemagwaro aya, ndakanga ndava kukwanisa kuramba ndiri munyika iyi, kufamba ndakasununguka, kuunza mabhuku kubva kune dzimwe nyika uye kuita mamwe mabasa aikosha pabasa redu rokuparidza muMyanmar.

Gungano Reruwa Rokuchamhembe

Pakazosvika gore ra1969 basa redu rakanga richifambira mberi chaizvo mutaundi reMyitkyina riri kuchamhembe kweMyanmar, saka takasarudza kunopindira gungano redu reruwamuguta iroro. Asi dambudziko guru raiva rechokufambisa chehama dzedu dzose dzokumaodzanyemba. Tanyengetera, takakumbira vanoshanda kuzvitima vokuMyanmar kuti vatichengeterewo matiroko matanhatu. Takashamiswa chaizvo patakanzwa kuti chikumbiro chedu chabvumwa.

Nguva yegungano payakasvika, takanga tatogadzirira zvose. Zuva raifanira kusvika nhume, takaenda kuchiteshi chezvitima ava masikati, tichitarisira kuti chitima chisvike kuma2:30. Tichakamirira, mukuru wepachiteshi ichi akatitambidza teregiramu yaiti: “Tasiya matiroko matanhatu eWatch Tower Society.” Akati chitima chatadza kudhonza mamwe matiroko pamukwidza.

Zvino taizoita sei? Chakatanga kuuya mumusoro kuchinja mazuva egungano. Asi zvaizoreva kuti taizodazve kuwana mvumo yezvakawanda, uye zvaizotora mavhiki akati oo. Tichiri kuteterera kuna Jehovha nemwoyo wose chitima chakabva chati kwee-e. Takaita setiri kurota, nokuti matiroko ose ari matanhatu aiva akazara neZvapupu. Zvainyemwerera zvichitisimudzira maoko. Patakabvunza kuti zvakanga zvafamba sei, mumwe wavo akati, “Vabvisa matiroko matanhatu asi havana kubvisa edu!”

Pakati pa1967 na1971, nhamba yeZvapupu kuMyanmar yakapetwa kaviri zvokuda kusvika 600. Pakazosvika gore ra1978, hofisi yebazi yakatama kuenda kuimba ine nhurikidzwa mbiri. Papera makore makumi maviri, nhamba yeZvapupu yakawedzera kupfuura 2 500. Bazi rakawedzerwazve uye musi wa22 January, 2000, hama John E. Barr veDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, vakauya vachibva kuUnited States ndokupa hurukuro yokutsaurira chivako ichi chine nhurikidzwa nhatu chichiri kushandiswa semahofisi uye pokugara.

Kufunga Zvikomborero Zvandakawana

Iye zvino vanhu vanozvipira vanosvika 52 vanogara pabazi reYangon vachishandapo uye kune Zvapupu zvinenge 3 500 zviri muungano 74 nemapoka asati ava ungano munyika yose. Ndinofara kuti muna 1969 amai vangu vandaida chaizvo, vakava mumwe weZvapupu zvaJehovha vasati vafa.

Doris Ba Aye, mumwe piyona womunyika ino akatanga kuita basa rokushandura pahofisi yebazi kuma1960. Muna 1959 akanga apinda kirasi yechi32 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi chinodzidzisa mamishinari eZvapupu zvaJehovha. Mwana uyu aiva mhenya chaiyo, kuzoti unhu hwake hwakanaka uye kusimba pane zvokunamata, zvakaba mwoyo wangu. Takabva taroorana muna 1970. Tichakazvipira kuna Jehovha nomwoyo wose uye tichiri kudanana zvokudanana zviya.

Kwatopera makore anopfuura makumi matanhatu uye ndanga ndichiona ruoko rwaMwari pabasa rokuparidza munyika ino. Zvechokwadi Mwari mukuru uye anofanira kurumbidzwa. Kubva pane zvandaona muupenyu hwangu, “Muiti wezvinhu zvikuru.”—Pisarema 106:21.

[Mashoko Omuzasi]

a Panguva iyoyo yaiva mari yakati oo yaisvika $95.

[Mufananidzo uri papeji 27]

Ndiri muushumiri kuRangoon, iri kuBurma, munenge muna 1957

[Mufananidzo uri papeji 28]

Tichienda kunopinda gungano reruwa kuKalemyo, iri kuBurma, makore okuma1970 ava kunopera

[Mufananidzo uri papeji 29]

Bazi redu idzva rakanaka, rakatsaurirwa muna 2000

[Mufananidzo uri papeji 29]

Iye zvino ndina Doris

[Mufananidzo uri papeji 29]

Tichiparidza paimba neimba tiri tose

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe