RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 1/1 p. 18
  • “Akaita Kuti Anzwirwe Nyasha naJehovha”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Akaita Kuti Anzwirwe Nyasha naJehovha”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Kukanganwira kwaJehovha Kunokubatsira Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Kupfidza Kwechokwadi Kuita Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Wakamboshumira Here? Ungashumirazve Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 1/1 p. 18

Swedera Pedyo naMwari

“Akaita Kuti Anzwirwe Nyasha naJehovha”

MUMWE murume akarerwa somuKristu asi akazombotsauka anoti, “Ndainzwa sokuti ndakanga ndisingachabatsiri.” Paakatanga kutora matanho okuti agadzirise mararamiro ake, akanga achityira kuti aisazombofa akakanganwirwa naMwari. Asi mutadzi uyu anopfidza akakurudzirwa nenhoroondo yeBhaibheri yaManase, iri pana 2 Makoronike 33:1-17. Kana wakambonzwa seusingabatsiri nemhaka yezvivi zvawakaita, unogonawo kunyaradzwa nemuenzaniso waManase.

Manase akarererwa mumhuri yaida Mwari. Baba vake Hezekiya, vakanga vari mumwe wemadzimambo aJudha aiita zvakanaka chaizvo. Manase akaberekwa papera makore anenge matatu pashure pokunge Mwari aita chishamiso chokuwedzera makore ababa vake. (2 Madzimambo 20:1-11) Ndokusaka Hezekiya akaona mwanakomana uyu sechipo chaibva pakunzwirwa ngoni naMwari uye akabva aedza kumudzidzisa kuti ade kunamata kwakachena. Asi dzimwe nguva vana vane vabereki vanoda Mwari havatevedzeri muenzaniso wevabereki vavo. Ndizvo chaizvo zvakaitwa naManase.

Manase akanga asati adarika makore 12 pakafa baba vake. Zvinosuwisa kuti Manase “akaita zvakaipa pamberi paJehovha.” (Ndima 1, 2) Kungava kuti mambo muduku uyu akanyengerwa navanachipangamazano vakanga vasingakoshesi kunamata kwechokwadi here? Bhaibheri harina zvarinotaura nezvazvo. Zvarinongotiudza ndezvokuti Manase akatanga kuti sika-sika nokunamata zvidhori uye akaita zvoutsinye. Akavakira vanamwari venhema atari, akapira vanakomana vake sezvibayiro, akaita zvemidzimu uye akaisa mufananidzo wakavezwa mutemberi yaJehovha yaiva muJerusarema. Manase uyo akanga akaoma musoro, akaramba kuteerera nyevero dzaakapiwa apiwazve naJehovha, anova ndiye Mwari akanga aita chishamiso chakazoita kuti iye aberekwe.—Ndima 3-10.

Jehovha akazopedzisira abvumira kuti Manase asungwe nezvisungo zvomumakumbo achibva aendeswa kuBhabhironi. Ava muusungwa, Manase akatanga kufungisisa nezvezvaaiita. Akazoona here kuti zvidhori zvake zvaiva zvisina simba uye upenyu, zvakanga zvatadza kumudzivirira? Akatanga kufunga nezvezvinhu zvaakanga ambodzidziswa achiri muduku nababa vake vaida Mwari here? Hatizivi, asi chiripo ndechokuti, Manase akachinja mafungiro ake. Nhoroondo yacho inoti: “Akaita kuti anzwirwe nyasha naJehovha Mwari wake, akaramba achizvininipisa kwazvo . . . Akaramba achinyengetera kwaari.”a (Ndima 12, 13) Asi murume uyu akanga aita zvivi zvakakomba, aizokanganwirwa naMwari here?

Jehovha akabayiwa mwoyo nekupfidza kwechokwadi kwaManase. Mwari akateerera kukumbira kwake kunzwirwa ngoni uye “akamudzorera kuJerusarema paumambo hwake.” (Ndima 13) Kuratidza kuti Manase akanga apfidza zvechokwadi, akaita zvose zvaaigona kuti aruramise zvikanganiso zvake, akabvisa zvidhori muumambo hwake uye akaudza vanhu vake “kuti vashumire Jehovha.”—Ndima 15-17.

Kana uchifunga kuti Mwari haangakuregereri zvikanganiso zvawakamboita, kurudzirwa nezvakaitika kuna Manase. Nhoroondo iyi iri muShoko rakafuridzirwa naMwari. (VaRoma 15:4) Zviri pachena kuti Jehovha anoda kuti tizive kuti “akagadzirira kukanganwira.” (Pisarema 86:5) Chinotariswa naMwari mwoyo womutadzi kwete chikanganiso chake. Mutadzi anonyengetera achiratidza kupfidza nomwoyo wose, obva asiya mararamiro ake akaipa, uye otsunga kuita zvose zvaanogona kuti aite zvakanaka, angaita “kuti anzwirwe nyasha naJehovha,” sezvakaitika kuna Manase.—Isaya 1:18; 55:6, 7.

Ndima dzeBhaibheri dzamunogona kuverenga muna January:

◼ 2 Makoronike 29–Ezra 10

[Mashoko Omuzasi]

a Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona rinoti: ‘Akazvininipisa kwazvo pamberi paJehovha Mwari wake.’

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe