Unonyatsokoshesa Zvikomborero Zvako Here?
PAVAKANUNURWA zvinoshamisa kubva muIjipiti mavakanga vari varanda, vanakomana vaIsraeri vakafara kuti vakanga vava kuzoshumira Jehovha vakasununguka. (Eks. 14:29–15:1, 20, 21) Zvisinei, pasina nguva vakachinja maonero avo. Vakatanga kugunun’una pamusana pemamiriro avo ezvinhu. Nei? Nokuti vakakanganwa zvavakanga vaitirwa naJehovha vakatanga kufunga nezvokuoma kwoupenyu hwavakanga vava kurarama murenje. Vakati kuna Mosesi: “Makatibudisirei muIjipiti kuti tifire murenje? Nokuti hamuna chingwa uye hamuna mvura, mweya yedu yava kusema chingwa [mana] ichi chinosembura.”—Num. 21:5.
Mazana emakore akatevera, Mambo Dhavhidhi womuIsraeri yekare akaimba kuti: “Asi ini ndakavimba nomutsa wenyu worudo; mwoyo wangu ngaufarire kuponesa kwenyu. Ndichaimbira Jehovha, nokuti akandipa mubayiro.” (Pis. 13:5, 6) Dhavhidhi haana kukanganwa mutsa worudo waakaitirwa naJehovha. Asi aigara achifunga zvaakanga aitirwa. (Pis. 103:2) Isuwo takaitirwa zvakawanda naJehovha, saka ngatiratidzei kuchenjera nokuramba tichizvikoshesa. Ngatimbokurukurai nezvezvimwe zvikomborero zvatinowana kubva kuna Mwari mazuva ano.
‘Ushamwari hwepedyo naJehovha’
Munyori wepisarema akaimba kuti: “Kuva shamwari yepedyo yaJehovha ndokwevaya vanomutya.” (Pis. 25:14) Kukomborerwa chaiko kuti vanhu vasina kukwana vave noukama hwepedyo naJehovha! Zvisinei, zvakadini kana tikanyanyobatikana nezvatinoita zuva nezuva zvokuti tinopedzisira tisisina nguva yakakwana yokunyengetera? Funga zvinozoitika paukama hwedu hwakanaka naJehovha. SeShamwari yedu, Jehovha anotarisira kuti tivimbe naye uye timuudze zvose zviri pasi pemwoyo wedu mumunyengetero tichidonongodza zvatinoda uye nhuna dzedu. (Zvir. 3:5, 6; VaF. 4:6, 7) Saka hatifaniri here kufunga nezvokuti minyengetero yedu yakambomira sei?
Mumwe mukomana wechiduku, Chapupu, anonzi Paul paakafunga nezveminyengetero yake akaona kuti pane zvaaifanira kugadzirisa.a Anoti: “Ndakanga ndava netsika yokungodzokorora mashoko akafanana pandainyengetera kuna Jehovha.” Paakazotsvakurudza mashoko ane chokuita nenyaya yomunyengetero muWatch Tower Publications Index, Paul akaona kuti muBhaibheri makanyorwa minyengetero inenge 180. Muminyengetero iyi, vashumiri vaJehovha vakararama munguva dzekare vainyatsotaura manzwiro avo kubva pasi pasi pemwoyo yavo. Paul akati: “Kufungisisa mienzaniso iyi yomuMagwaro, kwakaita kuti ndikwanise kunyengetera ndichitaura chaizvo zvandinenge ndichida. Kuita izvi kuri kundibatsira kuti ndinyatsotaura zviri pasi pasi pemwoyo wangu kuna Jehovha. Pari zvino ndava kufara kuswedera pedyo naMwari nokunyengetera.”
“Zvokudya Panguva Yakakodzera”
Chokwadi chinobva muMagwaro ndechimwe chikomborero chatakapiwa naMwari. Sezvatinodya zvakawanda mune zvokunamata, tine chikonzero ‘chokushevedzera tichifara nokuda kwokufara kwomwoyo.’ (Isa. 65:13, 14) Zvisinei, tinofanira kungwarira kuti tidzivise chero chinhu chipi zvacho chingaita kuti titadze kufarira chokwadi. Somuenzaniso kuteerera dzidziso dzevaya vakatsauka pakutenda kungakanganisa mafungiro edu zvoita kuti tisaona kukosha ‘kwezvokudya zvokunamata panguva yakakodzera’ zvatinopiwa naJehovha achishandisa “muranda akatendeka akangwara.”—Mat. 24:45-47.
André akamboipirwa nezvinhu paakanyengedzwa nevakatsauka pakutenda, pashure pokunge ashumira Jehovha kwemakore akawanda. Aifunga kuti kungotarisa chete paIndaneti, uchiverenga zviri panzvimbo yokubudisira mashoko yevanhu vakatsauka pakutenda hazvina kuipa. Anoyeuka kuti: “Pakutanga, ndakada kuona chainzi ndicho chokwadi chaitaurwa nevakatsauka pakutenda. Pandakaramba ndichiongorora zvaitaurwa nevaya vakatsauka pakutenda, ndakatanga kufunga kuti pakanga pasina chakaipa nokusiya sangano raJehovha. Asi, nokufamba kwenguva pandakaongorora mashoko aipomerwa Zvapupu zvaJehovha nevaya vakatsauka pakutenda, ndakazvionera kuti chokwadi vaiva vadzidzisi venhema uye vanyengeri. Vaitaura mashoko nepasipo vachiashandisa ‘seuchapupu hwakasimba’ pakutipomera. Saka, ndakasarudza kutangazve kuverenga mabhuku edu uye kupinda misangano. Pasina nguva ndakaona kuti ndakanga ndarasikirwa nezvakawanda.” Zvinofadza kuti André akadzoka muungano.
“Sangano Rose Rehama”
Kudanana uye kubatana kwatakaita sehama chikomborero chinobva kuna Jehovha. (Pis. 133:1) Muapostora Petro aiva nechikonzero chakanaka chokunyora kuti: “Idai sangano rose rehama.” (1 Pet. 2:17) Sezvo tiri musangano rehama dzechiKristu, tinonakidzwa nokutsigirwa kwatinoitwa navanababa, vanaamai, vakoma, uye hanzvadzi avo vane kutenda kwakafanana nokwedu.—Mako 10:29, 30.
Kunyange zvakadaro, mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana angaita kuti dzimwe nguva tisawirirane nehama dzedu nehanzvadzi. Somuenzaniso, zviri nyore kuti tigumburwe nekusakwana kwemumwe munhu tobva tatanga kumuona somunhu akaipa. Kana izvi zvikaitika, hazvibatsiri here kuti tiyeuke kuti Jehovha anoda vashumiri vake vose pasinei nokuti vanotadza? Uyezve, “kana tichitaura kuti: ‘Hatina chivi,’ tiri kuzvinyengera uye chokwadi hachisi matiri.” (1 Joh. 1:8) Hatifaniri here kuedza ‘kuramba tichishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose?’—VaK. 3:13.
Mumwe musikana anonzi Ann akadzidza kukoshesa kuva pamwe chete nevamwe vaKristu zvinhu pazvakanga zvamuipira. Akatsauka zvishoma nezvishoma ndokubuda muungano yechiKristu, kungofanana nezvakaitwa nemwanakomana mupambadzi womumufananidzo waJesu. Nokufamba kwenguva akazopengenuka akadzoka muungano. (Ruka 15:11-24) Ann akadzidzei pane zvakaitika kwaari? Anoti: “Pari zvino sezvo ndavazve musangano raJehovha, ndinokoshesa hama nehanzvadzi dzose pasinei nokuti havana kukwana. Kare ndaikurumidza kushora vaya vari muungano. Iye zvino handichatombodi zvangu kurega chimwe chinhu chichiita kuti ndirasikirwe nezvikomborero zvandiri kuwana ndiri pakati pevamwe vandinonamata navo. Hapana chinhu chero chipi zvacho chiri munyika chatingaenzanisa nerugare rwatinarwo sehama.”
Ramba Uchionga Zvikomborero Zvaunazvo
Tariro yedu yokuti Umambo hwaMwari chete ndihwo huchapedza matambudziko ose evanhu ipfuma chaiyo isingaenzaniswi nechero chii zvacho. Patakatanga kuva netariro iyi, takaonga zvikuru! Manzwiro atakaita akangofanana neanotaurwa mumufananidzo waJesu womunhu aitengesa uyo aka“tengesa zvinhu zvose zvaakanga ainazvo,” achiitira kuti atenge “parera rimwe chete raikosha kwazvo.” (Mat. 13:45, 46) Jesu haana kumbotaura kuti munhu uya aitengesa akazomborega kukoshesa parera racho. Saizvozvowo, isuwo ngatisambofa takatadza kukoshesa tariro yedu yakanaka.—1 VaT. 5:8; VaH. 6:19.
Chimbofunga nezvaJean uyo ange achishumira Jehovha kwemakore anopfuura 60. Anoti: “Chakandibatsira kuti ndirambe ndichifunga nezvoUmambo hwaMwari kuudzawo vamwe nezveUmambo ihwohwo. Pandinoona vanhu vachifarira kunzwisisa kwavanenge vaita chinonzi Umambo, zvinoita kuti ndifare. Kuona kuchinjwa kunoitwa upenyu hwemudzidzi weBhaibheri nechokwadi choUmambo kunoita kuti ndione kuti, ‘Chokwadi chandinofanira kuudza vamwe chakanaka zvikuru!’”
Tine zvikonzero zvakanaka zvokuonga zvikomborero zvakawanda zvatiinazvo mune zvekunamata. Kunyange zvazvo tichimbomomoterwa nemiedzo yakadai sokupikiswa, kurwara, kukwegura, kuora mwoyo, kushungurudzika, uye matambudziko emari, tinoziva kuti ndezvenguva duku chete. Umambo hwaMwari pahuchange hwava kutonga, kuwedzera pane zvikomborero zvatiinazvo zvokunamata, tichararamawo upenyu hwakanaka, husina matambudziko. Munyika itsva, matambudziko ose atiri kutsungirira iye zvino achabviswa.—Zvak. 21:4.
Panguva ino tinofanira kuonga kukomborerwa kwatiri kuitwa pakunamata, toratidza kuti tinozvikoshesa sezvaiita munyori wepisarema uyo akaimba kuti: “Imi makaita zvinhu zvizhinji, haiwa Jehovha Mwari wangu, iwo mabasa enyu anoshamisa nepfungwa dzenyu kwatiri; hapana angaenzaniswa nemi. Kudai ndaida kuzvizivisa nokutaura nezvazvo, zvava zvizhinji zvokuti handigoni kuzvirondedzera.”—Pis. 40:5.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita akachinjwa.
[Mufananidzo uri papeji 18]
Takakomborerwa nokutsigirwa nehama dzedu patinosangana nemiedzo